Mumba hamuna chinonzi rudo

01 Sep, 2017 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza

DETEMBO: KUMBA KWEDU

Mudetembo rinonzi Kumba kwedu rakanyorwa naMacheka, nyanduri ari kushungurudzika nekushaikwa kwerudo mukati memba yavabereki vake, asi vachigara pamwe chete semudzimai nemurume vakaroorana.

Mudetembi anoburitsa kuti vabereki vake havadyi chikafu mundiro imwe chete, asi mumwe nemumwe anodyira mundiro yake, sepaanoti, “Kumba kwedu amai vanodyira mundiro yavo, babawo yavowo.”

Nyanduri anoburitsa zvakare kuti vabereki vake vanonamata zvitendero zvakasiyana uye vachinamata mazuva akasiyana esvondo, asi ivo vachigarisana mumba mumwe chete sepaanoti, “Kumba kwedu amai vanonamata neMugovera, baba vachiti svondo inopindwa neSvondo.”

Mudetembi anobudisawo kuti vabereki vake havana nyaya dzavanokurukura semhuri, asi kungopopotedzana chete sepaanoti, “Kumba kwedu vanotaudzana chete kana vachikarirana. Nguva nenguva runongova runyararo.”

Nyanduri anoburitsawo kuti vabereki vake vanotorara mumakamuri akasiyana emba, asi ivo vakawanana sepaanoti, “Kumba kwedu amai vane yavo kamuri yekurara, babawo vane yavo, dzichikamurwa neketeni.”

Rimwe detembo rinotsanangura zviitiko zvinobata upenyu nderinoti Ndoda mukoho wangu rakanyorwa naShumba. Mudetembo iri nyanduri anoshungurudzika nekushanda nesimba kwaanoita pabasa asi vashandirwi vake vasingazomupi mubhadharo unoita kuti mhuri yake ikwanise kurarama zvakanaka.

Nyanduri anotsutsumwa kuti anoshanda nesimba, asi hapana chaanozopihwa pane zvaanenge ashanda sepaanoti, yangu ndima ndasakura ndikazunza, imi makohwa modyorera mune dzenyu homwe, ini muromo kuti mbuu nzara yotetena.”

Mudetembi anotsutsumwa kuti vashandirwi vake vanongomutenda chete nemuromo zvinova zvisingamubatsiri pakuti mhuri yake igute sepaanoti, “Ndaneta nekudetemberwa kuti ndogona, mashoko chete handiwo andinodya nemhuri yangu.”

Nyanduri anotsutsumwa kuti haapihwi mubhadharo, asi anotoita kunge ari kupemha asi iye akashanda zvinotodawo kubhadharwa sepaanoti, “Zvoita kunge ndapemha asi ndakashanda sembongoro.”

Detembo rechitatu rinotsanangura zvinobata upenyu mazuva ose nderokuti Pfumvu iro rakanyorwa naManatsa. Mudetembi ari kuburitsa kuti pfumvu yekudzokerwa nengozi kana kuromba uko kunozoita kuti urarame upenyu hwekutambura panyika.

Nyanduri anoburitsa kuti kushungurudzwa namapurisa mushure mekunge munhu atyora mitemo yemumigwagwa handiro dambudziko sezvo zvichiitika kwenguva diki zvichipfuura sepaanoti, “Pfumvu hakusi kunetswa namapurisa pamugwagwa uchinzi watyora mirairo yekutyaira.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey