Munhu haafe kunge huku

22 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Munhu haafe kunge huku

Kwayedza

VAKURU vakareva pavakati mushonga wengozi kuiripa! Chirevo ichi chinozadzikiswa nenyaya yatinayo svondo rino – nyaya yemwana anonzi akapondwa ndokuchekereswa kuitwa mushonga wedivisi rekurima uyo ane ngozi yave kupfuka, kwadarika makore 57 mhosva iyi yaparwa.

Mukubuda kwenyaya iyi zvinonzi mwana uyu akapondwa mugore ra1960 apo aive nemakore matatu okuberekwa.

Vanhu vanonzi vakamuponda vakatofa kare uye ngozi yake yakazopfuka nguva pfupi yadarika — kwambodarika makore akawanda kudai nyaya iyi isina kubuda kuti yakafamba sei. Zviri pachena kuti vanhu vakaponda mwana uyu vakamboedza nepose pavanogona kutsipika mweya wengozi kuti usapfuke vachifunga kuti mhosva iyi ichangorova. Asi izvi zvakakona n’anga murapwa achida — mweya wemwana uyu wakarwa, hama dzake dzikachitanga kuziva zvakaitika.

Chinorwadza panyaya iyi ndechekuti nhasi uno mhuri dzevanhu vari kunzi ndiko kune vakaponda mwana uyu ndidzo dziri kuoneswa chitsvuku nemweya wengozi. Zvinonzi vanhu vemumhuri mbiri vane hama dzakabatsirana kumuponda vari kupera kufa nechakapedza mbudzi.

Vananyakuponda ava vakasiya vasikira mhuri dzavo moto muziso nenyaya dzekuda kupfuma nemishonga.

Imwe yemhuri dzinonzi dzakaponda mwana uyu yakabvuma mhosva yakaparwa nemumwe wavo ndokuripa. Mudzimai wemumwe wevarume vanonzi ndivo vakaponda mwana uyu haasi kunyara kutaura kuti ichokwadi, nyaya iyi anoiziva uye vaigara nemutumbi wemwana uyu muhozi mavo vachiushandisa sedivisi. Mudzimai uyu anoti arerukirwa zvichitevera kupfuka kwazoita ngozi iyi ichitaura zvainoda nekuti vana vake vapera kufa.

Asi, imwe mhuri inonzi baba vayo vakabatsirawo mukuponda mushakabvu uyu iri kuramba nyaya iyi ichiti hapana zvainoziva.

Chokwadi chichabuda hacho pachena nekufamba kwenguva nekuti mushonga wengozi kuiripa, kwete kuitsipika kana kuitandidzira.

Ngozi ukaitandidzira kana kuitsipika inouya yave nehasha dzinokunda rimi remoto. Nyaya iyi inokahadzisa chose nekuti kashoma kunzwa kuti mwana ane makore matatu anomuka ngozi.

Ichi chidzidzo kune veruzhinji kuti mishonga yekuromba inodzokera mwene wavo. Kuti munhu ave hurudza kana kubudirira mune mabhizimisi, zvinongoda kushanda nesimba pamwe nekurongeka kwete kuvimba nemishonga. Chisingazivikanwe nevanhu vanoromba mishonga yakaipa ndechekuti chivi chinodya mwene wacho.

Nhasi uno kune vamwe vachine pfungwa dzekushandisa mishonga yakadai semadivisi. Ko kushandawo zvinoita vamwe pasina kuzviremedza nemishonga inozokupandukira mangwana zvinei?

Munhu ukanyatsodzamisa pfungwa unoona kuti zvimwe zvinoitwa nevanhu zvakadai sekuchekeresa hazvina maturo nekuti mhedzisiro yacho kusiira mhuri matambudziko makukutu. Vanhu vanofanira kukoshesa upenyu hwevamwe kwete kuuraya munhu sehuku womuchekeresa kuri kuda kupfuma chete. Kana idzo n’anga ngadzisiyane netsika yekurunzira vanhu kuti vashandise mishonga yakaipa kudai.

Munhu haangofa kunge huku uye haarove. Hazviite!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey