Munhu itsika nemagariro

05 May, 2017 - 00:05 0 Views
Munhu itsika nemagariro

Kwayedza

MAZUVA ano vanhu vazhinji vari kuchema-chema nenyaya dzekuraswa kana kuti kusatevedzwa kuri kuitwa tsika dzevanhu vatema nevamwe vanhu. Kune zvikonzero zvakawanda zvinonzi ndizvo zviri kuita kuti vamwe vatarisire tsika dzakanaka idzi pasi, izvo zvinosanganisira kutevedzera zvinoitwa nemamwe marudzi.

Semuenzaniso, kubva makare-kare pane tsika dzinotevedzwa pakuvigwa kwevafi zvakaita sekuti vana nevanhukadzi vakazvitakura havaitenderwa kuona chitunha.

Asi nhasi uno hazvishamisi kuona vana vachiine mukaka pamhuno vachimirawo pamutsetse kana nguva yekuonekedzana nemufi yakwana. Maitiro akadai anoita kuti vamwe vaone rufu sechinhu chedambe zvinova zvisiri izvo. Semaonero edu, tsika yekuti vose vasati vabva zera vaonekane nemushakabvu kuburikidza nekuona mutumbi wake inotove nzira yekuvashungurudza.

Tinodaro nekuti vanenge vasati vasvika zera rekuti vanzwisise kuti rufu chii uye kuona kwavanoita mutumbi uyu kunogona kuvashungurudza mukuyaruka kwavo. Vamwe hazvizombobuda muhana dzavo.

Hongu, kune vamwe vanogona kupa zvikonzero zvakasiyana zvekuti sei vana vave kubvumidzwa kuona zvitunha asi iyi itsika isina kunaka. Rufu chinhu chisingajairirike zvisinei nekuti mazuva ano vanhu vave kufa vakawanda kana zvichienzaniswa nakare, nekudaro rwunofanirwa kupihwa chiremerera charwo.

Kunze kwenyaya yekuti ndumurwa dzave kubvumidzwa kuona zvitunha, kune vamwe zvakare vave kuita tsika yemusara nevashakabvu. Vakadai ava vanosanganisira mahwindi kana vatyairi vemakombi avo vanoti kana mumwe wavo akafa, vanogona kutora bhokisi rine mutumbi wake vombeya naro mungave muguta riri pamusoro pemotokari kana kuti vakaritakura.

Kwete, maitiro akadai haana hunhu zvachose uye akafumuka.

Kune vamwe zvakare vave kuita tsika yekutuka zvitunha senyaya yaita mukurumbira mazuva ano, nyaya yemurume wekuMabvuku, muguta reHarare, uyo akatuka chitunha chavamwene wemwanasikana wake.

Sekutaura kwemurume uyu, anoti vamwene vemwanasikana wake ava vakumurwadzisa zvikuru apo vakararisa mwana wake panze ndokuzomudira weti mushure mekunge atizira mwanakomana wamai avo. Saka murume uyu akazopedzera shungu dzake mukutuka chitunha ichi mushure mekunge vamwene vemwanasikana vake ava vashaya.

Maitiro akadai aya kurasa hunhu zvachose nekuti kubvira kare, zvinonzi wafa wanaka. Murume uyu haaifanira kumirira kuzotuka chitunha asi kudai akataura shungu dzake vamwene vemwanasikana wake vachiri vapenyu.

Hazvinei kuti kune vamwe vanogona kuti pasi rapinduka, asi zvakakosha kuchengetedza tsika dzedu sevanhu vatema nekuti ndidzo dzinoumba hunhu hwakanaka. Kuti tinzi vanhu, itsika nemagariro edu.

Share This:

Sponsored Links