Uncategorized

Munhukadzi akanaka anobviswa mazino 4

22 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
Munhukadzi akanaka anobviswa mazino 4

Kwayedza

Kingstone Mapupu
NHOROONDO yekugurwa kwemazino epamberi evanhukadzi vechiTonga vagere kuBinga, mudunhu reMatebeleland North, inoratidza kuti aya aiva mabasa evarume vane shanje avo vaizviitra kuti vakadzi ava vasatorwe nevamwe varume. Pasichigare, madzimai ekuBinga vaibviswa mazino mana epamberi izvo zvinonzi zvaiitirwa kuti vasachiviwe nevamwe varume vasiri vechiTonga.

Mbuya Gondani Munsaka (75) vemubhuku raSiampongo, kwaMambo Siabuwa, mumwe wevakadzi vakabviswa mazino epamberi aya. “Isu taingonzi yaiva tsika yechiTonga, yekuti vanasikana vose vaibviswa mazino mana epamberi vasati varoorwa. Asi nzira yacho yaibviswa nayo mazino aya yairwadza zvikuru nekuti waibviswa nedemo raiva rabviswa pamupinyi, iro rairohwa nesando wakadzvanyirirwa musoro pakati pemakumbo. Izvi zvaitokuvadza nekubviswa imwe nyama,” vanodaro.

Vanoti hakuna musikana kana mudzimai airamba tsika iyi kana kutiza sezvo zvaitungamirirwa nevakuru vematunhu vaisanganisira masabhuku nemadzishe. “Seni, munoona mavende aya, waisava nesarudzo pazviri. Maitofana makataurirwa kuti vasikana mangwana muri kubviswa mazino.

“Makuvara kudaro, kwaisava nezvipatara zvekuti munorapwa maronda aiva abviswa mazino, maiiswa mishonga yechivanhu yemiti. Mashizha aitswanywa mopfundiswa kusvikira maronda apora. Vasikana vaibviswa mazino aya vachangoputudza,” vanodaro.

Mbuya Munsaka vanoti nyaya yekubviswa mazino kuvasikana nemadzimai panguva iyi zvaiitirwa kuti vasatorwe sezvo kwaiva nechikwata chevarume vaipinda kudunhu iri avo vaitora vanhukadzi vose vaiva vakanaka vachienda navo kuZambia.

Mambo Siabuwa, VaRobertson Sibanda (50), vanotsinhira nyaya yekugurwa kwemazino kuvanasikana nemadzimai vachiti yaiitwa pasichigare.

“Pane nguva yaitizwa mabhunu nevamwe vedu vaidarika nemuno vaibva vasvikosarudza madzimai akanaka vachienda navo kuZambia nekumwe kwakasiyana. Saka muno vakasarudza nzira yekubvisa vanasikana mazino kuti vasayevedze zvaibva zvaita kuti varege kutorwa,” vanodaro Mambo Siabuwa.

Vanoenderera mberi vachiti: “Ichokwadi kuti mazino aya aibviswa nedemo kuchishandiswa sando izvo zvinonzi zvairwadza zvikuru. Asi isu vamwe hatina kuzviona.

“Misoro yevanasikana ava yaimanikidzirwa pakati pemakumbo pevanhu vaivabvisa vacho kuti vasatize nekurwadziwa. Asi iye zvino zvakaregedzwa, tinoti hwaiva hutsinye. Zvakawanda zvaiitwa kare zvinoshamisa izvo zvakapera nekufamba kwenguva,” vanodaro mambo.

Mambo Siabuwa vanoti zvakare pamhanza pevanhukadzi paiiswa mishonga poita ndoro yekuratidza runako uyewo nekutemerwa nyora imwe chete senzira yekuvachengetedza kubva kuzvirwere zvakasiyana.

“Nzira iyi imwe yaishandiswawo mukurapa zvirwere zvakasiyana sezvinoitwa nhova nedzimwe hosha kumarudzi akasiyana,” vanodaro. Mbuya Mpaningo Dube (90) vemubhuku raGangara, kwakare kuSiabuwa, vanoti tsika yekubviswa mazino iyi yaive yehutsinye.

“Yaiva tsika yemadzitateguru edu asi inyaya iri pachena kuti yaiva nekudzvinyirira kumwanasikana nemadzimai,” vanodaro. Mbuya Dube vanoti ivo havana kubviswa mazino sezvo panguva yazvaiitwa vakange vasingagare mudunhu iri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey