Uncategorized

muporofita akabatwa nerunyoka

21 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
muporofita  akabatwa  nerunyoka MADZIBABA BRIGHTON

Kwayedza

— ndokunwiswa weti pajekerere

Kingstone Mapupu —
MUPOROFITA mukuru wechechi yeJohane Masowe weChishanu wekwaNyamande, kwaChinhamora, kuDomboshava anonzi akabatwa nerunyoka mushure mekunge ashereketa nemudzimai wemuridzi izvo zvakazoita kuti anwiswe weti yemukadzi uyu pajekerere senzira yekumuroyonora kurwara kwaari kuita.

Madzibaba Brighton Muranganwa – uyo anogara mubhuku raMutsvati kwaSadunhu Munyawiri – anonzi anomboshaya sikarudzi yake nekuda “kwekutamba” kwaakaita nemudzimai wemunhu uyo akapingwa nerunyoka kana kuti rukawo.

Murume uyu anonzi nguva yadarika akanwiswa weti mumusha waSabhuku Mukombami nemhuri yekwaShamhuyedova uko kwakaroorwa mudzimai waanonzi ari kudanana naye.

Muporofita uyu anonzi ari kudanana naCaroline Nyakarize (31) anova mudzimai waGodwishes Shamhuyedova (35).

Sadunhu Munyawiri, VaEdmond Pepukai Munyawiri (70), vanotsinhira nyaya yekunwiswa weti kwemuporofita uyu.

“Nyaya iyi yava mudare rangu, ndakaitonga ndikati muporofita uyu, Madzibaba Brighton aripe mombe kana kuti $600 nembudzi pamhosva yekudanana nemudzimai wemunhu, zvisinei kuti muridzi wemudzimai aida kuripwa mombe nhatu.

“Pakauya nyaya iyi mudare rangu, vanhu ava vakambenge vamboedza kutaurirana apo murume uyu akanzi anwe weti yaCaroline iyo akanwa uye zvakaitwa pajekere. Muporofita uyu anonzi akaikakaira vanhu vakayeva,” vanodaro Sadunhu Munyawiri.

Vanoti nyaya iyi yakazosvika kudare ravo apo mhuri mbiri idzi dzakambenge dzaedza kutaurirana zvikaramba.

“Vanhu ava vauya mudare rangu, muporofita akabvuma kuti anodanana nemukadzi uyu izvo zvakazoita kuti abatwe nerukawo zvikaguma zvaita kuti anwiswe weti yaCaroline. Iyewo mukadzi uyu nevamwe vanhu vemativi maviri aya vakatsinhira nyaya iyi mudare rangu,” vanodaro.

Sadunhu Munyawiri vanoti nyaya iyi yakabuda apo mudzimai waMadzibaba Brigton, Success Muranganwa, akaenda kumba kwaTsitsi Shamhuyedova (27) – uyo anova hanzvadzi yaGodwishes, kuShowground kuDomboshava kwakare – ndokunomutaurira dambudziko remurume wake uye ndokudura hupombwe hwaivapo.

“Muporofita uyu anoshandisawo chimwe chitoro chekutengesa machipisi kuShowground. Murume uyu paakaona sikarudzi yake yoshaika, akazotuma mudzimai wake kuenda kuhanzvadzi yaGodwishes, Tsitsi, uko akanopotera zvikazoita kuti vaende vose kuna Caroline. Anonzi akanobvuma kuti vanodanana namadzibaba,” vanodaro Sadunhu Munyawiri.

Caroline anonzi anombosiiwa nemurume wake uyo anova DJ, izvo zvinonzi ndizvo zvakakonzera kuti apedzisire odanana naMadzibaba Brighton.

Zvakadai, Sadunhu Munyawiri vanoti asati auya kudare ravo, Madzibaba Brighton akatorana nevamwe vemumhuri yake ndokuenda mumusha wekwaShamhuyedova uko nyaya iyi yakanotaurwa zvikabuda kuti mamamwe emadzimai emumhuri iyi akaiswa runyoka.

“Ipapo ndipo pakazonzi nedare remusha wekwaShamhuyedova Caroline aite weti, iyo akaita akatariswa nemadzimai echikuru. Weti iyi yakazotakurwa muchigubhu apo Madzibaba Brighton akainwa vanhu vakatarisa kusvikira yapera yose inonzi yaiva yakawanda. Ainwa achizororera,” vanodaro Sadunhu Munyawiri.

Vanoti zvakabudawo mudare remusha iri kuti Caroline akanga aenda kumuporofita uyu pamwe chete nemurume wake nehanzvadzi yemurume, Tsitsi, vachida kunoshandirwa.

“Zvisinei nekunwiswa kwakaitwa muporofita uyu weti, dambudziko iri harina kupera zvikazoita kuti nyaya iyi ichisvitswa kuno kudare rangu. Asi nyaya iripo ndeyekuti muporofita uyu haasati abatsirwa sezvo vemhuri yaakatorera mukadzi vachiti vanoda kutanga varipwa kuti vamupinginure. Handizive kuti vachada muripo wakadii kwaari.”

Sadunhu Munyawiri vanoti mombe yavakareva mudare ravo semuripo inoenda kumuridzi wemudzimai.

“Muporofita uyu akatuma sekuru vake vakabvisa $25 yembudzi pamari iri kudiwa $35 yedare rangu uye takamirira kuti aunze mombe yekuripa murume waakatorera mukadzi,” vanodaro.

Sadunhu Munyawiri vanoti mudare ravo zvakabudawo kuti Caroline aidananawo nevamwe varume vanosanganisira vakangozivikanwa nekuti Jamalo naManu asati adanana naMadzibaba Brighton, izvo vanoti akabvuma. Vanotizve dare ravo rakazoda kuziva kuti vamwe varume vaviri avavairwarawo nerunyoka here asi hazvina kujekeswa.

Caroline – uyo anonzi inherera uye akakurira kwanasekuru vake – padare iri aiva akamirirwa nemadzisekuru ake vekwaNyakarize, avo vanonzi vakanyara zvikuru nekuda kwenyaya iyi.

Sadunhu ava vanoyambira maporofita kuti vasiyane nenyaya dzekupfimba madzimai evanhu.

“Handichada kuona maporofita muno, vandinetsa nenyaya dzakadai idzi. Ivowo madzimai evanhu ngavakwane, vosiyana nekumisa miswe mudenga fanika madzvinyu,” vanodaro.

Vamwene vaCaroline vanova amai vaGodwishes, Mai Clara Shamhuyedova (57), vanotsinhira kuti vakaroorwa vachinzi musha wekwaShamhuyedova waiva wakagadzirwa zvekuti hakuna mudzimai anofanirwa kuita zvegumbo mumba gumbo kunze.

“Ndakaroorwa zvakadaro nemurume wangu akazoshaika, Martin Shamhuyedova. Varoora mumusha muno vanosvikobatira runyoka vachingotsika ivhu remuno saka pamwe ndizvo zvakabata muporofita uyu, hamheno,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Ini ndainotengesa kuTanzania, South Africa, Botswana nekumwe asi handina kumbopoya nekuziva mashoko eyambiro aya.”

Zvisinei, vanoti vanoda kuti muroora wavo agare pamba achichengeta vana vake.

“Ini ndinoda kuti muroora wangu adzoke, chionai vazukuru vangu vatatu vanosara vasina muchengeti. Hazvishamise kudanana nevarume kwaari nekuti ipfambi zvatinotoziva. Madzibaba ava havana mhosva saka ndinofunga kuti kana kuvaripisa kwedu hazvibatsire. Kana iye mwana wangu anoda kuti mukadzi wake adzoke,” vanodaro Mai Clara Shamhuyedova.

Vanoti Madzibaba Brighton apfidza kudanana nemadzimai evaridzi.

“Madzibaba Brighton vakarangwa kare naMwari wavo nengirozi yake nekubatwa nerunyoka. Panyaya yerunyoka, baba vaitaura izvozvo vakashaika kare hatizive kana kuine kwavakanotora ndivo vaiziva.”

Amai ava – avo vanopindawo Johane Masowe weChishanu – vakazopidiguka vave kushora muporofita uyu vachiti asvibisa zita rechechi yavo.

“Panyaya yake iyi isu hatichazvikwanisa nekuti akasvibisa chechi, ngaaende kuchivanhu abatsirwe nokuti baba vakagadzira musha wedu vakafa kare,” vanodaro.

VaMisheck Sanhokwe Shamhuyedova (83), vanova sabhuku uyewo baba vasara vemhuri iyi, vakaramba kutaura zvakawanda.

“Uyu anonzi akataura zverunyoka mukoma wangu akafa kare. Hongu padare rakaitwa mumusha ndaivapo, muporofita akanwiswa weti yemuroora wangu. Zvizhinji hapana zvandinoziva,” vanodaro Sabhuku Shamhuyedova.

Caroline akatodzingwa pamusha apa akaenda kuhama dzake kuHarare uko anonzi ave kushanda basa remumba kuMabvuku.

Madzibaba Elias Gomwe (41) veJohane Masowe weChishanu kuChitungwiza vanoshora maporofita ane tsika yekudanana nemadzimai evanhu vachiti vanoshoresa chechi.

Share This:

Sponsored Links