Uncategorized

Muporofita akarumwa sikarudzi nezvidhoma. . . madzibaba ndokufenda . . . magemenzi akabvarurwa

19 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Muporofita akarumwa sikarudzi nezvidhoma. . . madzibaba ndokufenda   . . . magemenzi akabvarurwa Madzibaba Jonga

Kwayedza

Kingstone Mapupu
Muporofita weJohane Masowe Nyenyedzi Nomwe kana kuti yeNguwo Tsvuku wekuMt Darwin anoti akapotsa afa apo akarwiswa nezvidhoma, izvo zvakamuzvuzvurudza kwechinhambwe chemamita 30 apo zvaimurova —  ndokuzosiya zvamuruma sikarudzi yake zvinova zvakaita kuti afende ipapo-ipapo.

Pamusoro pezvo, muporofita uyu akabvarurirwa magemenzi aaiva akapfeka uye tsvimbo dzake dzebasa dzakatyorwa ndokukandwa kure naye. Madzibaba Canaan Jonga (26) wemubhuku raKachambwa, kwaDotito, ndiye akatambwa “nyowani” nezvidhoma apo ainge anoshandira imwe mhuri yemubhuku raChigwida, kwekare kuMt Darwin, iyo iri kuti yanetswa nezvikwambo.

“Ndakarwiswa nezvidhoma ndikarohwa zvakaomarara mumusoro nemumawoko nepadumbu zvose nekumbabvi. Chimwe chidhoma chakandisvetukira, ndokundiruma pasikarudzi izvo zvakaita kuti ndizhambe kuchema. Ndakabva ndafenda pakare ipapo. Izvozvi sikarudzi yangu yakazvimba, ichirwadza uye zvidhoma zvakandisiya ndava nemaronda anoratidza kuti zvombo izvi zvakarumwa rumwa nemazino marefu,” anodaro Madzibaba Jonga.

Zvimwe zvezvinhu zvinonzi zvakabatwa naMadzibaba Jonga

Kwayedza yakakwanisa kuongorora muporofita uyu ikazvionera kuti sikarudzi yake yakachenyengurwa uye pakadhindika mazino. Madzibaba Jonga anoti akashevedzwa nemhuri yekwaKayekwa neyekwaKagumba — vanove vedzinza rimwe chete vachida kuti abvise zvidhoma zvinonzi zvakarombwa nevamwe vemumhuri.

Vamwe vemhuri idzi vanotsinhirawo kuti Madzibaba Jonga akavashandira kubvisa zvidhoma nezvimwe zvinhu zvakaipa mumusha mavo. Vamwe vane kudzimba kunonzi kwakasvikwa nemuporofita uyu achivabatsira vanosanganisira Willard Kayekwa, Davies Kayekwa Manyika nekwaBessem Kagumba.

“Mhuri iyi ine mwana mukomana nherera ane makore 16 okuberekwa uyo akatanga kubatwa nemweya wababa vake uchiti pane vakaromba mumusha mavo. Vanhu vakaromba ava vanonzi vaida kupfuudza mukomana uyu nekuda mombe dzakasiiwa nababa vake.

Madzibaba Jonga achitaridza mavanga mumusoro aine mudzimai wake

“Nekudaro, ndakazoshevedzwa kuti ndinobatsira mhuri iyi ndokubva ndaendako nemusi wa8 January (Ndira) gore rino. Ndakashanda kudzimba dzevamwe apo ndakazonorohwa ndave kubvisa zvekuimwe imba.”

Madzibaba Jonga anoti mwana anosvikirwa nemweya wababa vake uyu aivapo uye mweya wacho wakasvika apo akatanga kupinda muimwe imba yekubikira umo maive nezvidhoma izvi. Anoti zvidhoma zvacho zvakabva zvatiza zvichienda kuimba yekurara.

“Zvinhu izvi zvatizira mubhedhuru, ndakazvitevera apo chimwe chakasvetuka chikanohwanda mudhishi hombe raiva rizere nembatya rikabva ratsemuka. Ndakarwisana nazvo dhishi iri rikapwanyika.

Gemenzi rinonzi rakabvarurwa apo Madzibaba Jonga vakarikitwa ne- zvidhoma

“Ndipo pazvakatanga kundirova ndiri mumba umu ndokudhonzana neni kunosvika kuimba yekugezera panze, uko zvakatenderera neni zvichindidhonza kwechinambwe chakareba mamita 30. Inini kudozhamba kuchema ndichiona rimi remoto mumaziso angu, zvakaramba zvichindizvambaradza,” anodaro Madzibaba Jonga.

Zvidhoma izvi anoti zvaimuruma mumusoro nekumurova nezvinhu zvaiita sematombo muviri wose.

“Ndakazongonzwa kurumwa kunhengo dzangu dzakavandika ndokubva ndafenda ipapo. Vanotaura vanoti ndakaita awa rose ndakafenda, ndichibuda ropa mumusoro zvose nekusikarudzi.”

Madzibaba Jonga anotizve akazobengenuka ndokutanga kurwisana nezvinhu izvi zvakare apo akazokwanisa kuzvibaya nebanga rake rechiporofita, zvose zvichibva zvafa.

Bhegi rinonzi raive nezvinhu zvehuroyi rakaraswa.

“Chakandinetsa pamba pandakarwisana nezvidhoma zvakandikuvadza apa ndepemunhu anonamata. Asi vanhu vose vandakabatsira ava vakabvuma zvinhu zvavo nekwavakazvitora kunova kune imwe n’anga ine mukurumbira yekuRushinga,” anodaro Madzibaba Jonga.

Anoti paairwisana nezvidhoma izvi, aitonzwa mutsindo nekufemereka kwazvo.

VaShingiray Kayekwa

“Vanhu vaivapo vanoti pandairwisana nezvinhu izvi zvainzwikwa zvichichema iniwo ndichizhamba nerumwe rutivi.” Mhuri inonzi ine zvidhoma zvakarwisa muporofita inonziwo ine vanhu vanokwana gumi vakangofa vasina kurwara.

“Onai maronda ari mumusoro nemumawoko uye sikarudzi yangu — zvose zvakarumwa uye zvakazvimba,” anodaro achiratidza vatori venhau pasina kana kunyara.

Mudzimai waMadzibaba Jonga, Rosemary Benard (24), anotsinhira kurohwa kwemurume wake nezvidhoma.

VaDavies Kayekwa

“Ndakanga ndongoti baba vaenda, izvozvi ndinotovatova kunhengo dzavo nemumusoro uye mumaronda emumawoko,” anodaro.

VaDavies Kayekwa (70) avo vakataura vakamirira mhuri yekwaKayekwa nekwaKagumba vanotsinhira nyaya yekuti muporofita uyu vakamushevedza mumusha mavo ndokubvisa zvidhoma.

Clive Kayekwa

“Nyaya yakatanga nekuda kwemwana ari kubatwa nemweya wababa vake, Clive Kayekwa, ndokuzotora muporofita uyu. Mweya uyu waiti mumhuri muno mune vakaromba, mune zvidhoma nezvikwambo,” vanodaro.

Vamwe vemumhuri iyi vanotsinhira nyaya iyi vanosanganisira Edwell Kagumba (46) naJosiah Kayekwa (44).

“Mumisha medu makabviswa zvinhu, ini ndakabvisirwa gona randinonzi ndakaita rekutemerwa ndisingazive ndikaita zvekuberekeswa. Kumwe kwakabviswawo chikwambo chakaita sekamba nenyanga, kumwezve kukabviswawo chikwambo chakazenge chamedza nyanga,” anodaro Edwell Kagumba.

VaJosiah Kayekwa

Clive Kayekwa (16) anotiwo zvinoitika zvose hapana zvaanoziva nekuti anenge akabatwa nemweya. Mumhuri iyi zvakare mune murume —  Shingirayi Henure (28) — uyo anonzi akaremadzwa nezvidhoma apo aiva shasha yemutambo wenhabvu. Sabhuku Chigwida — VaElliot Chigwida (66) — vanotsinhira nyaya yekuti Madzibaba Jonga akazvambaradzwa nezvidhoma, zvikazosiya zvamuruma kusikarudzi.

“Mhuri iyi yakashevedza muporofita uyu yanetswa nezvikwambo uko Madzibaba Canaan vakazorikitwa nezvidhoma zvacho. Zvisinei, basa iri rakafamba mushe,” vanodaro Sabhuku Chigwida.

Gwaro rechibvumirano rekuti Madzibaba Jonga vachenure musha

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey