Uncategorized

muporofita anokurunga muteuro nenhengo yake

10 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
muporofita anokurunga muteuro nenhengo yake

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MAMBO Murambwa vekuMhondoro-Ngezi, kuMashonaland West, vanoti dare ravo richatonga mumwe muporofita ari kushandira mudunhu iri — uyo ari kupomerwa kuita mashura pajekerere apo anonzi akanyika nhengo yake yesikarudzi mumugomo maiva nemvura yekunwa, iyo akakurunga nayo, pashure ndokuzoti vanhu vainwe nekuigeza kumeso kwavo semuteuro wekutonhodza ngozi inonzi iri kushungurudza imwe mhuri.

Pane mashoko zvakare anoti muporofita uyu akakakumbira bonde kuvamwe vavanhukadzi vaivepo semhiko yake. Mambo Murambwa — VaBerito Mudhuma (70) — vanoti vachamisa muporofita uyu, uyo anozivikanwa nekuti Madzibaba Holy Beaten (32) uyo anobva kwaMicho kuChiweshe, mudare ravo nemhosva yaari kupomerwa iyi.

Muporofita uyu anonzi akaita mashura aya pamusha paVaElias Masango (66) kwaSabhuku Madzamba.

“Ndakainzwa nyaya iyi, yekuti muporofita akanyika nhengo yake mumugomo waiva nemvura yekunwa apo akazoti kumhuri yemusha uyu nevamwe vaivapo vainwe nekugeza kumeso imwe mvura yacho ndokuikusha (kumwaya) mumba nekuvanhu. Hanzi anoti iyi inzira yekutonhodza ngozi inonzi iri mumusha uyu,” vanodaro Mambo Murambwa.

Vanoendera mberi vachiti: “Nyaya iyi inonzi yakaitika sabhuku wemusha uyu akazviona, anova ndiye ziso rangu. Zvino kana chiri chokwadi, sabhuku uyu ndinoda kumuripisa kana kumubvisa nekuti hatione achikodzera.

“Muporofita uyu tikamubata nemhosva, anofanirwa kuripa mombe nhatu nembudzi nekuda kwemaitiro aanonzi akaita aya.”

Mambo ava vanoti zvakare pane runyerekupe rwunoti muporofita uyu akazoti anoda kushinha nevamwe vakadzi semhiko dzake.

“Ndinonzwa kuti munhu uyu aita musha wose bvoroza. Ari kunzi ari kushinha nemamwe madzimai nevasikana — achivati izvi zvinoita kuti vasazoteverwa nemweya wakaipa,” vanodaro Mambo Murambwa.

Vanotizve vanoshamiswa zvikuru nekuda kwevarume nemadzimai vakuru vanoitirwa matakanana akadaro vakangogumbata mawoko.

“Shoko iri parasvika kwandiri nhasi (neChishanu svondo rapera), ndanzwa kuti vemhuri yakanga yashevedza muporofita uyu havasi kuda kuti nyaya iyi itaurwe nekutya kuti imhosva kana ikasvika kwandiri ini samambo. Zvino vose vanoripa, kune vaivapo vachiona izvi zvichiitika, kunyanya sabhuku wavo.”

Pakasvika Kwayedza kudunhu iri svondo rapera, yakawana Madzibaba Holy Beaten asiko achinzi akaenda kuGokwe. Kwayedza yakazotaura nemuporofita uyu panhare apo aingotsenga-tsenga mukanwa pamusoro penyaya yaari kupomerwa iyi.

“Ehe, ndakanzwa kuti makasvika muchinditsvaga. Vanhu vari kutaura nyaya iyoyo, yekuti ndakanyika nhengo yangu mumvura – kuda kundisvibisa chete.

“Izvo zvekuti ndiri kushinha nevakadzi ndichivati kuvabvisa minyama manyepo zvakare,” anodaro Madzibaba Holy Beaten.

Muporofita uyu anonzi anobva kuDande uye kuMhondoro-Ngezi akakokwa. Paanoshandira vanhu anonzi anotanga abvisa mbatya dzake pajekerere zvekusara aine kabhurugwa, ozozvimonera nemachira.

Mai Mavis Mukarakate Masango (64), avo vanova mudzimai waVaElias Masango uye vane pamusha panonzi ndipo pakaitwa minana nemuporofita uyu vanoramba nyaya iyi.

“Muporofita uyu takamushevedza pano nekuda kwababa vaizvimba makumbo, apo aive aunzwa kwaVaTobias Nyekete Munemo. Zvekuti akanyika sikarudzi yake mumvura tikazonzi tinwe mvura yacho nekuigeza kumeso handizvizive,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Ini ndakanzi ndiise hupfu mumugomo apo ndakazopa madzibaba ava mvura iyo vaikusha mumba vakabata zvinhu zvavakabata mudzimba dzedu, kusanganisira chainzi chikwambo chakatorwa mubhegi resimende,” vanodaro.

Mudzimai uyu anotsinhira nyaya yekuti pane munhu akafa nekupondwa uyo anonzi ari kumuka ngozi mumusha mavo.

“Hongu, (zita rehama) vakambosungwa vachinzi vakaponda munhu wemunharaunda asi nyaya iyi ikazopera. Asi chikueru chainge chavingwa nemuporofita uyu kurwara kwababa kwete zvengozi,” vanodaro Mai Masango.

Murume wavo — VaElias Masango (66) — vanoti nyaya yekuti muporofita akanyika sikarudzi yake mumvura yakazopihwa vanhu kuti vanwe mashoko ekuda kuvasvibisina.

“Nyaya yekunzi muporofita uyu akanyika nhengo mumugomo waiva nemvura manyepo, zvisinei kuti iri kutaurwa muno. Pose pandasangana nevanhu ndiri kuibvunzwa,” vanodaro.

Vanoti muporofita uyu anoshanda asina kupfeka hembe, aine kachikabudura chete nejira raanenge akamonera. “Mashoko ekuti madzibaba ava vakanyika nhengo yavo mumvura yakazonwiwa nevanhu azara muno. Asi chokwadi ndechekuti aya manyepo,” vanodaro.

Mai Veronica Munemo (64), vanova mudzimai waVaTobias Nyekete — avo vane kumba kunonzi ndiko kwakatanga kusvikira Madzibaba Holy Beaten apo aivashandirawo pane zvimwe — havana kuda kutaura zvakawanda pamusoro penyaya iyi.

“Nyaya yekunzi muporofita uyu akanyika nhengo yesikarudzi mumvura akazoita kuti vanhu vanwe iri kutaurwa muno. Asi isu hatina umboo nayo, zvinoda vekumba kwacho kwaElias Masango. Ini pamba pangu pano pakabviswa chikwambo chaigara mumubhedha,” vanodaro.

Eustina Murebwa (30) naAgnes Munemo (20) vose vanoti paishandira muporofita uyu pamusha paMasango vaivepo uye havana kuona paakaita zviri kutaurwa izvi.

Sabhuku wemusha uyu — VaKenneth Masango — havana kuonekwa kuti vapewo divi ravo panyaya iyi. Madzibaba Holy Beaten anonzi ari kugara kumba kwaVaTobias Munemo achishandira vanhu venharaunda iyi.

Kupumha huroyi nekutora zvinhu zvinonzi zvikwambo nemimwe mishonga mumhuri, izvo zvinoitwa nanaTsikamutanda, hazvitenderwe nemutemo uye Hurumende inoti vose vanoita zvekunanga vanhu huroyi vanofanirwa kusungwa.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West — Inspector Clemence Mabgweazara — vanoti veruzhinji vanofanirwa kungwarira maporofita enhema uye kuti vasaitiswe zvinhu zvisina maturo.

Share This:

Sponsored Links