Uncategorized

Muporofita wako akafa achanhuhwa

04 Aug, 2017 - 00:08 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa —
MAFIRIMU ekuNaija kana kuti kuNigeria itai muchiona mashoma. Uye regai kungobatirira kana kutakurwa nemaoko ese ese kunge fodya yebute inokumbidzanwa. Hadzisi kombi dzese dziri kushevedzera vanhu dzine pekugara. Imwe inokushevedzera kuti unopfugama kana kupaikira kunge tsvimbo yapotsera masawu ari mumuti.

Hachisi chese chine mavhiri chinofamba. Zvimwe zvinhu zvine mavhiri, asi zvakapedzisira kufamba musi wazvakasiiwa pazvakasendekwa ipapo. Dzimwe mota dzakamiswa padzakamiswa, uye vanodziona vanoti imota, asi idzo dzatove kukandirirwa mazai nehuku.

Chechi hazvireve chero chinhu kana vanhu vakaungana. Vamwe vanhu vanogona kuungana nekuti pane munhu ari kuridza gitare rake. Vamwe vanogona kuunganira benzi riri kuzvipengerawo zvaro richiita zvidavado zvaro.

Kune vanhu vanoda chimwe chinhu zvekuti vanopedzisira vaperera muchinhu ichocho. Ehe, variko vanhu vanofarira kuve muGroup repaWhatsApp zvekuti kana vakaburitswa muGroup iroro, vanoita kunge vafirwa.

Hapana chakaipa kana uchida kana kudisisisa chimwe chinhu, chero uchiziva kuzosiya pekushandisawo pfungwa mukuperera kwako. Kune vamwe vanhu vari kutevera vanhu vane “machechi” avo asinganzwisisike uye machechi akasiyana zvachose nezvinoitwa nevamwe vanonamata.

Kana ukazvicherechedza, uchaona kuti vanhu ivavo vanogona kunge vaine hasha kana ukada kuvabvunzisisa. Vanenge vachiti, “Isu chete tisu tiri kuita chaizvo zvinodiwa naMwari, uye vamwe vese vakarasika.” Vanhu ivavo vanowomesera vamwe vanenge vazofunga zvekubuda muchikwata chavo.

Kazhinji anenge afunga zvekubuda anoudzwa kuti haana kure kwaanoenda nekuti hupenyu hwake huri muchikwata ichocho.

Dzimwe nguva “machechi” asinganzwisisike aya anenge achidzidzisa zvimwe zvinhu zvinongozivikanwa nevamwe vanhu vashoma vemuchechi imomo. Chechi dzerudzi urwu, dzinowanzoitisa vanhu mhiko dzekuti vakatyora mhiko idzodzo vanosangana nazvo. Dzinotyisidzira zvikuru zvekuti mutungamiri wadzo haadi kupikiswa kana kubvunzwa.

Zvino vanhu vakafa kuMhondoro uko vakarega kuvigwa nekuti “muporofita” akanga avaudza kuti vachazomuka. Kana pane chinhu chandinoziva ndechekuti benzi chairo rinogona kutaura rakazara nehushingi nechokwadi zvekuti kana usingazive kuti ibenzi, unotomhanya uchiita zvarinotaura.

Hama dzangu, inopenga imbwa inohukura shiri iri kubhururuka. Nekuwanda kwaita maporofita, pamwe chete nekutaura kwemweya isingatsigire zviri muBhaibheri, kurarama kwave kuda kuti tibvunze mibvunzo. Nekuwanda kwaita ruzivo muvanhu pamusoro pezvakaipa nezvakanaka, zvinobatsira nezvisingabatsire, zvekupenga nezvechokwadi, chinhu chakakosha ndechekuti tizive kuti Mwari vanombonyatsodei nehupenyu hwedu. Ko icho chokwadi chaicho unozonyatsochiziva kuti ndicho sei?

Kana tikakupa banga rekuti uzore chokwadi pachingwa sekuzorwa kunoitwa jemhu, chinonyatsozoreka here usingabvarure nekudambura chingwa. Chokwadi chaMwari ndinochiziva sei kuti ndicho kana iwo “maporofita,” achiti kana ndikafa musazondiviga nekuti ndichamuka?

Chokwadi chiri papi kana “maporofita” emushikashika achifonera Mwari, achiti anosunga Satani, achibata chibharo nekurovesa vanhu nezvinhu zvavo?

Zvino muporofita wekuMhondoro zvaakazosvika pakuora ivo vanhu vake vakangomirira kuti achamuka? Changamukai mhani vanhu! Kana musina shoko raMwari muchanyeperwa mukasara masakara sechikorobho.

Jesu anoti ndiye kumuka, chokwadi nehupenyu. Shoko raMwari, kwete remuporofita anodya maputi, ndiro chokwadi.

Ndinotya kuchengeta shoko remazuva andakanzi nditsanye nemuporofita ndichitadza kuchengeta shoko raMwari rinoti, “Uswa nemaruva zvichasvava, asi shoko raMwari rinogara nekusingaperi.”

Imi vanhu, kana muri vaMwari, zvinoreva kuti “makaberekwa patsva kwete nembeu inoora, asi isingaori, neshoko raMwari benyu uye rinogara nokusingaperi.”

Zvitunha nyangwe zvemaporofita zvinonhuwa.

Share This:

Sponsored Links