Uncategorized

Muporofita wekunoona ‘Mwari’ oshoropodzwa

29 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
Muporofita wekunoona  ‘Mwari’ oshoropodzwa Talent Madungwe

Kwayedza

Prophet Madungwe

Prophet Madungwe

‘Ngaaongororwe njere’

‘Mubatsirei nekukasika’

VAVERENGI vakawanda vari kutumira mashoko vachishora zvikuru muporofita weimwe chechi iri muHarare uyo anoti akaenda kudenga kaviri apo anoti akanoita hurukuro kana kuti musangano naMwari mbune, mushure ndokuzogadzwa kuva muporofita wepasi rose (prophet of all nations).Izvi zvinotevera kubuda kwakaita nyaya yemuporofita uyu, Prophet Talent Madungwe (30), wechechi yeExile Desire of All Nations Ministries iri kuSunningdle, muKwayedza svondo rapera.

Prophet Madungwe anoti akaenda kudenga kunoita hurukuro naMwari kekutanga musi wa1 Ndira ndokuzodzokerazve musi wa4 Chikumi gore rino.

Vaverengi vari kushora muporofita uyu vachiti anoda kuongororwa pfungwa dzake kuti dzionekwe kana dzakati kwesere.

Hezvinoi zvakatumirwa nevamwe vaverengi:

Panyaya yemuporofita anoti akaenda kudenga akadzoka ndinoti vakuru vedzisvondo nzverai mweya yose yataura nekuti haisi yose inobva kunaMwari. – Mai Praise, Hatcliffe.

* * *

Panyaya yaProphet Madungwe ini ndinoti kunyepa chaiko. Chero vanofa vakamuka havasvike kwaanoti akasvika saka ari kunyepa. Moses haana kumboona Mwari asi ainzwa izwi chete, vachimutuma naMambo Solomon vairota wani kwete kumuona mbune. Zvandinofunga ndezvekuti prophet ava ndevenhema, kutsvaga mari chete. – 0771 660 882.

* * *

Ndapota hama ngatisatambe naMwari. Moses chaiye haana kuona Mwari, baba ava ngavaonekwe nachiremba nguva ichiripo. Hakusi kupenga here uku? – yours@malvin, Budiriro 5, Harare.

* * *

Hakuna prophet akadaro, ngaatore ma”audio” nemifananidzo yacho yekudenga atiratidze. Ngaaende kuna doctor. — Tawanda, Mt Pleasant.

* * *

Muporofita zvazvinhu. — 0773 149 424.

* * *

Ngatiregei kufadzana nenhema. Shoko raMwari rinoti namazuva okupedzisira kuchava nemaporofita enhema. Semaonero angu, maporofita awandisa nguva ino uye chandinoona ndechekuti Mwari mumwe chete, Jesu Kritsu mumwe chete namweya mutsvene mumwe chete saka chechi inofanirwa kuita imwe chete. Vanhu ngatisashungurudzike zvedu, ishoko raMwari riri kuzadziswa. Mateo 24 verengai ipapo. Ndatenda zvangu. — 0782 825 874.

* * *

Munhu ari kuti akaenda kudenga muSatanist.— 0734 411 232.

* * *

Muporofita wekuti akaenda kudenga kaviri uyo ngaasanyepera vanhu. Haasati atanga kunamata, ari kutaura zvemashavi saka ngaambobikirwa doro. — 0772 776 932.

* * *

Ndinofunga kuti akamborohwa nemagetsi saka pfungwa dzake hadzisi panzvimbo. Pave kutoda vanachiremba, n’anga nemaporofita vakasimba. – Wayne Mapfumo, Tynwald North.

* * *

Uyo murume ngaatange kunamata. Hapana akaonana naMwari anodzoka panyika, kwaakaenda uko kumusha waSatani. — Mai Salma.

* * *

Chokutanga ndinoda kutaura pamusoro penzvimbo inonzi denga. Mwari vakada kuti nzvimbo iyi ive “secret” pakati pengirozi dzavo navo kureva kuti Prophet Madungwe anogona kunge ave kurasa njere. Ari kuda kuti vanhu vawandire kudivi rake sezvo zviri izvo zviri kuraramisa mamwe maporofita vanowana mari mukunyepera vanhu. Minana yakamboitwa nemuporofita uyu ndeipi kana achiti akavinga pasi rose? Mubatsirei asati amhanya bani!— 0784 529 457.

* * *

Muporofita anoti akaenda kudenga kaviri anoda kuongororwa pfungwa dzake pamwe ave kupenga. Vanhu ngavasatevedzere maporofita enhema. —0776 616 744.

* * *

Baba ava vanoda kunoongororwa pfungwa dzavo nekuti hakuna zvakadaro. Vanogona kunge vachishandiswa nemweya yakaipa. — 0713 978 842.

* * *

Hatingati njere dzakarasika, kwete. Asi kuti muSatanist akauya sengirozi sezvo achifarira “kunamata”. Ngaabatsirwe nekuti anogona kuzorasika njere sezvo anoti zvaakasangana nazvo zvinotyisa. Hazvisi zvaMwari, ndezveSatanism. — 0733 096 311.

* * *

Nyaya dzemaporofita anoti ari kutumwa naMwari dzawandisa, hatikwanise kuvapikisa asi magumo avo kuparara (2Timotio vs3). — Nyamudahondo, Waterfalls.

* * *

Zvakanzi kuchava nemaporofita enhema, ndivava, hakuna vamwe vachauya vakanyorwa pamhanza. Mwari tibatsirei vanhu venyu vatanga! — 0777 819 272.

* * *

Prophet Madungwe kana kusiri kurwara nepfungwa ngavarege kutamba nezita raMwari, pamwe vairota zvavo. Ngatigarei takaziva kuti bhaibheri rinoti kuchave nemaporofita enhema. Iyi iSatanism, ndiyo ine zvinobatika pasi pano. — Mai Amanda, Kwekwe.

* * *

Ava baba vanoti vakaenda kudenga vanoda kuvhenekwa pfungwa nekukasika. Vakawanikwa dzakati kwesere vanoda maporofita chaiwo nekuti vanogona kunge vakapinda Satanisim nekusaziva vachiita zvekurota. — Spiwe, Charge Office.

* * *

Kwayedza rinonakidza! Uyu murume wekuti akaenda kudenga ngaatikwanire, asada kutiita ma”fools” (mafuza). Mwari akamuonepi? Mweya yetsvina iri kumushandisa iye oti ndiMwari! Ngaaongororwe pfungwa dzake. Akarota ari kuna Satani iye oti Mwari. Nyika yave kuguma chokwadi. — Portia.

* * *

Handizivi kuti murume uyu anoti Jesu akabviswa kurudyi iye ndokugadzikwa ipapo here, ari saani? — 0773 295 151.

* * *

Pakaipa, ngaaonekwe kuti akakwana here prophet uyo nekuti zvaari kutaura zvinotyisa. — 0717 391 415.

* * *

Muporofita uyo wekuti akaonana naMwari ngaasanyepere nyika achidaro. Dai atsvaga ngano hake. Ini ndinofunga kuti paaitaura zvose izvi aive achitobva kuhope kana kuti ainge “akatorohwa” nebhawa zvake. – Gift Benje, Belvedere, Harare.

* * *

Uyo prophet ndamutya! Handiti kana munhu wave kudenga hauchadzoke, unenge watofa? Ko sei asina kuratidzwawo hama dzedu dzakatisiya dziri kudenga? Manyepo, prophet avo vasatamba naMwari. – 0775 985 533.

* * *

Ndine chokwadi chekuti ari kushandiswa naSatani nekuti hakuna munhu akamboenda kudenga akadzoka kunze kwekuti vaporofita vaMwari vaingoratidzwa zviratidzo chete. Ko iye Mwari wacho akadii kungomushanyira ari pano pasi sezvaakaita vamwe vose vari mubhaibheri? – 0774 959 277.

* * *

Munhu uyu ngaasanyengera nyika, mubhaibheri rose hamuna kana muporofita anopupura kudaro. – James Jambaya, Birchenough Bridge.

* * *

Nhai Jehova Mwari wangu, ndiwo here mazuva amakataura ekuguma kwayo nyika? Ndinodaro nekuti maporofita awandisa, hatichaziva kuti enhema kana kuti echokwadi ndeapi. Tizarurireiwo Mwari. – Vakuru90.

 

Share This:

Sponsored Links