Uncategorized

MUPOSITORI AKAVHIYA CHITUNHA

19 Jun, 2015 - 00:06 0 Views
MUPOSITORI AKAVHIYA CHITUNHA

Kwayedza

. . . ndokuburitsa kasvava mudumbu

MURUME mupositori wechechi yeJohane Marange wekwaMuparutsa, kuHonde Valley, akasungwa nemapurisa achipomerwa mhosva yekutumbura kana kuti kuvhiya mutumbi wemukadzi ainge afa aine pamuviri ndokuburitsa kasvava kaive mudumbu.

Lazarus Nyamukondiwa (67), wemasabhuku Mukupe, kwaMuparutsa, ari kupomwerwa kuvhiya mutumbi waMaria Mwamuka (19), wemubhuku raNyandoro uyo anonzi akanga aine pamuviri pakanga pasvika mwedzi mipfumbamwe paakafa.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Enock Chishiri, vanoti apo Mwamuka akange ave kunzwa marwadzo ekuda kusununguka, akaenda kumba kwemumwe nyamukuta wemuchechi iyi, Monica Muranganwa, kwaSamanga achinomirira kubatsirwa.

Zvinonzi pakazove nedambudziko pakusununguka kwemukadzi uyu, Mwamuka ndokufa achibatsirwa ari pamusha panyamukuta uyu. Nyamukondiwa anonzi akazovhiya chitunha chemukadzi uyu ndokuburitsa kasvava ako kanonzi kaiva kapenyu panguva iyi.

Insp Chishiri vanoti mwana uyu akabva azofa achangoburitswa mudumbu mechitunha chaamai vake.

Nyaya iyi yakabva yamhan’arwa kumapurisa izvo zvikaita kuti mutumbi wemukadzi uyu uendeswe kuchipatara cheNyanga, uko vanachiremba vakaongorora ndokuona kuti wakanga usina mwana mudumbu.

“Nyaya yekuti mutumbi uyu waiva wavhiiwa ukaburitswa mwana yakanoonekwa namachiremba, izvo zvakazoita kuti isu semapurisa tichitanga kuferefeta pakazosungwa murume wekunzi akavhiya chitunha uyu, Lazarus Nyamukondiwa. Pari zvino ari kubatsirana nemapurisa mukuferefetwa kwenyaya,” vakadaro Insp Chishiri.

Nyamukondiwa anonzi ari kupomerwa mhosva yekutamba nechitunha inonzi muchiRungu “Violating a dead body”.

Mudziyo wakashandiswa pakuvhiya mutumbi uyu unonzi hauna kuzivikanwa uyewo kusvika pakadhindwa bepanhau rino zvakanga zvisati zvave kuzivikanwa zvakare kuti kasvava kakaburitswa mudumbu remukadzi uyu kakaendeswa kupi.

Kusvika pakudhindwa kwepepanhau rino, nyamukuta Muranganwa ainge achitsvagwa nemapurisa uye ari kupomerwa mhosva yekukonzera rufu rwaMwamuka.

Zvakadai, zvinonzi tsika yekuvhiya zvitunha zvevakadzi vanofa vakazvitakura inoitwa muchechi yeJohane Marange asi hazvizivikanwe kuti kune vanorarama here.

Insp Chishiri vakakurudzira madzimai akazvitakura kuti vaende kunonyoresa kuzvipatara kuitira kuti kana nguva yakwana vazonosunungutswa nevakadzidzira basa.

“Machiremba ariko, zvipatara zviriko saka endai munobatsirwa ikoko kuti musarasikirwe neupenyu. Kune vamwe vanorwara nezvimwe zvirwere ngavatevedzerewo kurudziro iyi vaende kuzvipatara,” vakadaro Insp Chishiri.

Vakayambirawo veruzhinji kuti hakuna munhu ane mvumo yekuvhiya chitunha kunze kwachiremba akadzidzira basa.

 

Share This:

Sponsored Links