Uncategorized

Mupositori dzvi achibira n’anga

14 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
Mupositori dzvi  achibira n’anga

Kwayedza

… ‘Nzara ndiyo yandituma kuba’
… ‘Isisu hatibirwe zvekumhanya’
Kingstone Mapupu —
VARUME vaviri — mumwe wacho mupositori weJohane Masowe — vekukohwa pavasina kurima apo vakanoba chibage mumunda wen’anga kuTafara, muHarare, vakazodemba apo vakadzungaira husiku hwose vachishaya kwokuenda nako kusvikira vazobatwa nemapurisa anochengetedza mumusha.

Pane fungidziro yekuti muridzi wemunda uyu, Sekuru Harry Nachudwa (77) vepanhamba 5280 kuNew Tafara, vanoshandisa mhiko dzerukwa izvo zvakaita kuti vaviri ava vadzimaidzwe vari mumunda wavo kusvikira vabatwa.

Varume vaviri vekubatwa vachiba chibage chavasina kubudira dikita ava ndiMadzibaba Spencer Musona (27) uyo anova musondosi kuJohane Masowe weChishanu naFaster Manyara (37), uye vose vanobva kwaBhobho, pedyo neTafara.

Pakabatikidzwa mbavha mbiri idzi, zvinonzi Manyara akazopunyuka ndokutiza achisiya Madzibaba Musona ari mumawoko memapurisa anochengetedza musha weEast View kana kuti Caledonia.

Mushure mekubatwa kwematsotsi aya, Sekuru Nachudwa vakazovapa chirango chekuti vanokohwa chibage chavo mumunda wavo pasina muripo.

Mwanasikana waSekuru Nachudwa — Josphine Nachudwa (47) — anoti varume ava vakanoba mumunda uyu vasingazive nhoroondo yemuridzi wawo yekuti “havabirwe zvinhu”.

“Mumunda mababa vangu hamubiwe chinhu, kunyangwe kumba kwedu chaiko vagari vemuno vanozviziva. Ndinofunga vanhu ava vaenzi muno,” anodaro Josphine.

Pakabiwa chibage ichi, Sekuru Nachudwa vanonzi vainge vaenda kubasa kuArcturus uye pamba pavo paingova nemudzimai wavo, Mbuya Leah Nachudwa (77).

Sekuru Nachudwa vanonzi vakatozoridzirwa nhare vachinzi kumunda kwavo kwaiva kwabatwa mbavha dzechibage idzo dzaingotenderera “semweya wetsvina”.

Munda wekubiwa chibage uyu uri papurazi reLow, iro riri pakati peTafara neZimre Park nekudivi rekwaBhobho.

Mumwe wevakabata mbavha idzi, Fungai Bvuhwe (37), anoti aiva naAlec Nyamugudza naBhiri Koma, vose vanova mapurisa emumusha.

“Tinofamba husiku tichichengeta nzvimbo nekudaro musi uyu takaona varume ava kuma 11 dzehusiku vakatakura zvimatsapo zvechibage pamusoro, vachingotenderera. Tavaona vachingodzungaira kudaro, takavabvunza asi vakatadza kutipa mhinduro inogutsa. Ndipo patakazoenda navo kuvakuru vedu uko vakanorara tikazodzokera navo kumunda wasekuru ava rechimangwana racho,” anodaro.

Anoti Madzibaba Musona nemudzimai waManyara – Mabel Tole (33) — vakazotaurirana naSekuru Nachudwa, avo vakati vaida kuripwa ne$20 iyo vose vainge vasina zvikaita kuti vazopihwe basa rekushanda pasina kubhadharwa mumunda wanyakubirwa.

Kwayedza yakawana Musona achiripira humbavha hwake nekukohwa mumunda waSekuru Nachudwa.

Sezvo Manyara ainzi akange atiza, Tole ndiye akazoenda kunoshandira kuripa humbavha hwemurume wake.

Madzibaba Musona – uyo anopinda chechi kusowe reBethsaida, kuMabvuku – anoti nzara pamwe nemweya wakaipa ndizvo zvakamutuma kunoba chibage.

Anoti pavakaba chibage ichi nemumwe wake, vakaita zvekusvodogora miguri asi vakazotanga kuita sevairasika pfungwa nekurasika mugwagwa wekumba kwavo dakara vabatikidzwa.

“Ndiri mupositori chaiye wenguwo chena, takaba zvechokwadi asi tapedza kuisa chibage mumasaga takatanga kuita chadzimira tave kungorasika kusvikira tazosungwa. Tazoripa nekushandira basa sekuru ava, asi ndinokumbira ruregerero semunhu anoenda kuchechi,” anodaro Madzibaba Musona. Tole anoti zvakaitwa nemurume wake zvekuba chibage zvinonyadzisa zvikuru.

Bvuhwe anotiwo mhuri dzevarume ava — Madzibaba Musona naManyara — dzinotambura zvikuru, nekudaro vakazoona zvakakodzera kuti vanotaurirana nasekuru ava.

Mbuya Nachudwa vanotsinhirawo nyaya yekuti mumunda mavo hamubiwe, kunyangwe zvazvo vasina kuda kutaura zvakawanda pamusoro penyaya iyi.

“Mumunda medu hamutorwe chinhu, kana kumba kwedu chaiko. Zvinongoitwawo naMwari kuti tisabirwe kwete zvemishonga,” vanodaro.

Sekuru Nachudwa vanoti Mwari ndiye anochengetedza zvinhu zvavo kuti zvisabiwe.

“Handishandise mishonga ini, ndinoenda kuchechi. Hamheno kuti chii kuti vaite chadzimira,” vanodaro.

Zvisinei, vanotadza kunyatsotsanangura zvinonzwisisika pamusoro penyaya yekunzi in’anga vachiti havana ruzivo nazvo.

Vamwe vanhu vakakurukurwa navo neKwayedza kuTafara — avo vasina kuda kudurwa nemazita avo — vanoti Sekuru Nachudwa vanozivikanwa nekugadzira minda yavo pamwe nezvimwe zvinhu zvavo zvekuti anoda kuvabira anobatwa nerukwa.

“Pane munhu kuno akambobira sekuru ava akamera muswe, akatozoenda kwavari kunokumbira ruregerero,” anodaro mumwe murume.

Asi Sekuru Nachudwa vanoramba nyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>