Uncategorized

Mupurwa mufiriji ine nyama

0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu naBlessings Chidhakwav —
VANHU vaitenga zvinhu mune chimwe chitoro paGokwe Centre, kuMidlands vanonzi vakaita rurasademo vachitiza mukweshwa wemupurwa uyo unonzi wakangoerekana wapinda muchitoro ichi ndokunanga kunopinda mufiriji yaive nenyama.

Nyaya iyi inonzi yakaitika nguva yadarika pachitoro chiri panzvimbo yemabhizimusi yeMapfungautsi.

Vakaona izvi zvichiitika vanoti mupurwa uyu wakabva nekudzimba dzakatarisana nechitoro ichi uchimhanya zvakaomarara wakananga pamusiwo wacho, zvikaita kuti vanhu vaitengamo — zvose nevaridzi vechitoro — varove bara vachitiza.

“Mupurwa uyu wakabva nekumisha yakatarisana nechitoro ichi ndokudarika mugwagwa apo waive chavhiriri uchimhanya. Wakasvikopinda muchitoro umo wakazongoonekwa wava mufiriji maiva nenyama.

“Zvinoshamisa kuti wakapinda sei mufiriji yaiva yakavharwa uye unonzi pakavhurwa firiji nemuridzi webhucha wakabva wasvetuka ndokutiza nemukati memasherufu mune magirosari,” anodaro mumwe murume uyo akakumbirisa kuti zita rake risaburitswe achiti anotya kuroyiwa.

Mupurwa uyu unonzi wakazohwanda mune imwe yemafiriji ari muchitori ichi, pashure ndokubva wazotiza uchibuda nemusiwo wekuseri.

“Mupurwa uyu wakazobuda kunze uko wakazouraiwa nemhomho yevanhu vaida kuona kuti wakanga wakamonererwa chii. Vamwe vanhu vaitaura zvekunyepa vachiti waiva nechuma nemachira matsvuku,” anodaro murume uyu. Kwakazouya mufundisi uyo akanamata sezvo paine fungidziro yekuti mupurwa uyu mabasa ehuroyi.

Mudzimai wemuridzi wechitoro ichi, uyo akaramba kutaura zita rake, anoti pane zvakawanda zviri kutaurwa nekuda kwenyaya yemupurwa uyu – zvose zvaanoti manyepo.

“Muno muri kutenderera mashoko ekuti burwa iri rakandidzingirira izvo zvisizvo. Uyo anonzi pastor akanamata ndewemuchitoro chepadyo nechedu, haana kumbobvira anamata sezvinotaurwa. Anoshandisa chitoro chiri pedyo nechedu izvo zvakaita kuti auyewo pakaitika zvinhu izvi,” anodaro mudzimai uyu.

Anoenderera mberi achiti: “Mamwe mashoko ari kunyepwa nevanhu anoti muridzi wechitoro chino akazotaura kuti mupurwa uyu waiva wake uyo une zvawaitsvaga. Zvekuti mupurwa uyu wakapinda mufiriji maiva nenyama kunyepa futi. Waida kupinda mufiriji yakafa, kwete yatinoshandisa.”

Kwayedza payakapinda muchitoro ichi yakaona musisina zvinhu, muchingova nemarofu echingwa mashanu chete. Murume anotengesa nyama muchitoro ichi akaramba kutaura nevatori venhau achiti nyaya iyi inozomukanganisa basa rake. “Imi, ini handidi kutaura nemi, munoguma mave kunyora zvisirizvo. Mupurwa wakabva mumaraini umu hauna kumbopinda mumafiriji angu enyama. Wakananga kumasherufu uko ndokunoedza kupinda mumafiriji akafa ayo, ndokuzobuda panze nedhoo rekuseri uko wakazouraiwa nevanhu,” anodaro murume uyu.

Anoenderera mberi achiti: “Nyorai zvenyu zvamunoda tinopedzerana neni. Muridzi wechitoro haapo, ini ndiri muroja ndinotengesa nyama chete. Onai muchitoro hamuna chirimo, inyaya yakapera mhani yamunotsvaga iyo!”

Murume uyu akazoramba achiridzira nhare mutori wenhau uno achitaura mashoko ekumuvhundutsira achiti anozozviona kana nyaya iyi ikabuda mubepanhau.

“Iwe shaz, ukaburitsa nyaya iyi zvisizvo tichanetsana neni. Mupurwa wakauya uchibva mudzimba dzevanhu ukapinda muchitoro asi hauna kupinda mumafiriji enyama yangu. Munodeiko kwandiri imi?” anodaro parunhare.

Share This: