Uncategorized

‘Mupurwa unondipa shagi’

29 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
‘Mupurwa unondipa shagi’ VaMario Ngirazi

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME anogara kwaMambo Nembire, kuMuzarabani, ari kudura kuti akaromba mishonga yekupfuma – mumwe wacho ukazosanduka ukaita mupurwa unomuunzira mari nekumuita kuti akohwe pakuru muminda yake.

VaMario Ngirazi (77) – avo vanova mupurisa waSabhuku Mugoneka, kuSt Albert’s – vanoti mupurwa uyu waisimbogara mumba mavo pasi pemubhedha vachiupa mukaka nemazai.

Sabhuku Mugoneka

“Nyaya dzekutsvaga kurarama idzi dzakandiparira, apo ndaifamba munzvimbo dzakawanda ndichiedza kusimbisa musha nekutsvagawo cheuviri. Mishonga iyi yakazopanduka ndokutanga kundipa munyama, mumwe wacho wakasanduka ukaita mupurwa uyo wakagumisira wave kugara pasi pemubhedha mumba mangu,” vanodaro.

VaNgirazi vanoti vaingoti vakaisa mupurwa uyu – uyo waimbopinduka uchiita mushonga – muhomwe vachienda rwendo kana kunotengesa, zvinhu zvavo zvaitengwa pasina chinosara.

“Kuno tinorarama nekutengesa zvinhu zvakasiyana, kunyangwe zvirimwa zvemumagadheni nemuminda. Kungoisa mupurwa uyu muchisaga kana mubhegi rine zvinhu zvandinotengesa, zvinotengwa vanhu vachiita zvekurwidzana. Mari kutozara mubhegi iroro randinenge ndakaisa mupurwa uyu zvekutadza kuiverenga,” vanodaro. Vanoti zvakare vaishandisa mupurwa uyu sedivisi rekurima izvo zvaivaita kuti vawane goho guru.

“Ndichirima mbeu dzangu dzose, ndaisanganisa nemupurwa uyu, iwo wofamba mukati madzo – ingava mbeu yechibage, nzungu kana nyemba – umo waiitira weti netsvina semhiko. Kunyangwe kuchinzi mvura yakanaya zvakanyanya mbeu ikatsindirwa tichangobva kuidyara kana kuti mvura haina kunaya zvakanaka, zvirimwa zvangu zvaimera bedzi ndichitokohwa zvakawandisa,” vanodaro.

Goho ravo vanoti raitoshamisa vamwe, kunyangwe varimisi, vasingazive kuti zvinobva kumupurwa. VaNgirazi vanoti vaishandisa dumwa pamwe chete nemupurwa uyu mumabasa avo ekuromba.

Zvinhu izvi vanoti dzimwe nguva zvaigara mumbatya dzemudzimai wavo nedzevana vasikana, izvo zvakaita kuti mupurwa uyu ugumisire wave kurara nevamwe vevana vavo zvose nemadzimai wavo.

“Ndine madzimai maviri nevanasikana vakawanda avo vakanga vave kuitwa vakadzi nemupurwa uyu. Ndakazoona mishonga iyi yave kundikanganisa ndokutsvaga kubatsirwa apo ndakazivisa sabhuku wedu, VaArtkins Mugoneka, avo vakazounza chiremba wechivanhu,” VaNgirazi vanotsanangudza pasina kumanikidzwa.

Mupurwa uyu unonzi wakazourayiwa ndokupiswa nen’anga yakatsvagwa nasabhuku iyi. Sabhuku Mugoneka vanotsinhira nyaya yekuti VaNgirazi vaigara nemupurwa.

“Murume uyu anetswa nemupurwa wake, akauya kwandiri achiti anoda kubatsirwa ndikanomutsvagira chiremba uyo akamubatsira. Akasiya anzi akazongobata mishonga iyi zvakare, anogona kufa sezvo mupurwa wake nemishonga zvakapiswa,” vanodaro.

Sabhuku Mugoneka vanokurudzira veruzhinji kuti vashandise mawoko pakutsvaga pfuma kwete kuromba mishonga yakaipa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey