Uncategorized

Mupurwa vhu-u pamba

23 Apr, 2015 - 08:04 0 Views
Mupurwa vhu-u pamba

Kwayedza

Memory Mangombe naKingstone Mapupu
PANE mhuri yekuHopley, muHarare, iyo yakavingwa nemukweshwa wemupurwa pamba masikati machena, mushure mezvo mwana wepo ndokubva angotsakatika asi mutumbi wake ukazowanikwa uri mumugodhi.Nyaya iyi yakaitika kumhuri yekwaUseni, kuHopley Zone 5 nguva pfupi yadarika.

Mushakabvu Blessing Useni (Jnr) (5) ange achigara naambuya vake, Mai Elizabeth Chenekani (42), naamai vake, Tinotenda Chenekani (23) panhamba 187 Zone 5 zvichitevera kurambana kwevabereki vake.

Mutumbi waBlessing wakazowanikwa uri mumugodhi pamba pevavakidzani, panhamba 188.

Blessing anonzi akashaikwa apa akange achitamba nevamwe vana pachivanze. Zvinonzi asati atsakatika, pachivanze ichi pakadarika nemupurwa uyo usina kuzivikanwa kwawakabva kana kwawakaenda.

Mai Elizabeth Chenekani vanoti tsekwende iyi yakaitika vasipo apo vakange vaenda kubasa apo Blessing aive asara naamai vake.

“Ini ndakange ndisipo pano, amai vacho ndivo vakanga vaine vana. Zvinonzi vana ava vakabva kuchikoro kuECD vari vatatu ndokusvikotanga kutamba pachivanze. Amai vaBlessing vanoti vakazoshaya mwana uyu apo vakanga vave kuda kuvapa mabanana,” vakadaro ambuya vemwana uyu.

Zvisinei, vanoti havanzwisise mafiro emuzukuru wavo sezvo vachiti mutumbi wake wakazowanikwa mushure memazuva matatu uine maronda kumeso.

“Blessing haana kufa rufu rwaMwari asi panogona kunge paine vanhu vakazviita vakazokanda mutumbi wake mumugodhi. Kuda kuvenganisa ini ndaichengeta mwana nevabereki vake,” vakadaro.

Vanoti mugodhi uyu waicherwa mvura nemhuri ina kwemazuva matatu aya apo pasina akakwanisa kuona mutumbi wemwana uyu.

“Mutumbi waBlessing waiva wasvuuka uye kana waivamo (mumugodhi) sei wakatora nguva usina kubuda pamusoro pemvura?” vakadaro.

Tinotenda Chenekani, amai vemwana uyu, vakatsinhira kuti Blessing akangotsakatika pamba pavo.

“Vana ava vakabva kuchikoro vari vatatu vakasvikobvisa mbatya dzekuchikoro tikawacha. Aiva nevamwe vaviri vanoti wemakore 7 ne8 okuberekwa vanova madzisekuru ake.

“Takazongoona mupurwa uchibva nekuchimbuzi asi hameno kwawakaenda,” vakadaro.

Kune vamwe vanoti mupurwa uyu wakazouraiwa. “Ini ndakazoona kuti Blessing aisavapo apo ndaida kuvapa mabanana. Ndakamutsvaga ndikamushaya, ndokuzonobvunza kwanababa vacho kuZone 4 tikamushaya zvakare,” vakadaro.

Baba vaBlessing, Blessing Useni (Snr) (26) vanoti vakazongonzwa kuti mwana ashaikwa ndokubatsirana kumutsvaga kusvikira azowanikwa mutumbi wake nemumwe munhu aitoda kuchera mvura.

“Nemawanikirwo akaitwa mutumbi wemwana wangu nezvaakanga ari, handina chokwadi chekuti akawira mumugodhi. Aiva nemaronda kumeso nemuviri wose,” vakadaro.

Mai Monica Useni (41), avo vanova ambuya  vaBlessing, vakatsinhirawo kuti havana chokwadi chekuti mwana uyu akafa nekuwira mumugodhi.

“Kana imi mungati tsime rakaita mazuva matatu vanhu vachicheramo vasingaone here mutumbi uyu, pane chakaitwa,” vakadaro.

Sekuru vemuchakabvu, Tafunga Tonhodzai (40), vanoti firo yemuzukuru wavo inovatambudza nekuti mutumbi wake kana aiva awira mumugodhi waifanirwa kubuda pamusoro pemvura mushure menguva pfupi apo ainge afa.

“Pane vavengi vane zvavakaita, mwana akanga asanduka ruvara rwake. Hatisati tagutsikana kuti rufu rwaMwari, zvichida munhu akaita shaisano,” vakadaro.

Nyaya yakazosvitswa kumapurisa musi wakawanikwa mutumbi waBlessing. Mutumbi wakazoendeswa kuchipatara cheHarare Central Hospital uko waifanirwa kuongororwa nanachiremba asi izvo zvinonzi hazvina kuzoitwa.

“Taida kuti mutumbi uongororwe asi hazvina kuzoitwa kudzimara takazoutora tikauendesa kumochari yakazvimirira,” vakadaro VaUseni.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Memory Pamire, pavakataurwa navo vakati vainge vachiri kuferefeta nyaya iyi.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>