Murape: Mhuri yenhabvu

02 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Murape: Mhuri yenhabvu Murape Murape

Kwayedza

Abel Ndooka
MUGORE ra2014 shasha yakanetsa ichitamba nhabvu kuDynamos FC kwemakore anodarika 15,  Murape Murape, akasendeka shangu dzake uye panguva iyi ndipo pakatanga kusimukirawo munin’ina wake, Leeroy, uyo parizvino ari kutambira Yadah Stars.

Kutanga kutamba nhabvu kwaLeeroy kwakaita kuti zita remhuri yekwaMurape rirambe richizivikanwa munyaya dzemutambo uyu uye ave mutambi wechina kubva kumhuri iyi kuita mukurumbira munhabvu.

Shepherd Murape – uyo akaita mbiri achitambira Dynamos FC pamwe nechikwata chenyika cheWarriors – ndiye akatanga kuita zvinorova mumhuri iyi nekutamba nhabvu.

Shepherd akatambira DeMbare kwemakore akawanda uye paakazoregedza zvenhabvu akatanga kurairidza zvikwata zvakasiyana zvinosanganisira Dynamos neBlack Rhinos.

Murape Murape ndiye akatevera matsimba aShepherd uyo akakurira kuDeMbare yaakatanga kutambira aine makore 16 okuberekwa.

Murape Murape anoonekwa semumwe wevakatamba nhabvu zvinonwisa mvura izvo zvakamuona achitambira DeMbare kwemakore anodarika 15 ndokuhwina mikombe yakawanda.

Paakasendeka shangu dzake, akatanga kurairidza nhabvu uye akambogadzwa semutevedzeri waLloyd Mutasa gore radarika kunyangwe hake akazogumurwa kuti anorairidza vechidiki.

Leeroy Murape

Svondo rino, Kwayedza yakaita hurukuro naMurape Murape kana kuti Monya for hire, sezita rake remadunhurirwa panguva yaaitamba nhabvu, uyo anoti mhuri yavo yakakomborerwa zvikuru munyaya dzekutamba nhabvu.

Murape Murape anoti rudo rwekutamba nhabvu akaruwana kubva kuna sekuru vake, Shepherd.

“Chipo chiri mumhuri medu chekutamba nhabvu izvo zvakatangaira kuna sekuru vedu Shepherd.

“Ini ndakayemurawo ndikatanga kutamba ndikatoona ndichitozosvika kure nekutamba nhabvu. Kuita kwaMwari nekuti hatisi kumirira ipapo, variko vamwe vanaMurape vari kutevera,” anodaro Murape Murape.

Zvinotaridza kuti nyaya yenhabvu inhaka yemusiiranwa mumhuri yekwaMurape nekuti Murape Murape paakaregedza zvemutambo uyu, Leeroy akabva apinda mudariro. Leeroy achitanga kutamba nhabvu, akarerwa kuDynamos FC zvakare.

Muchinda uyu mumwe wevatambi vakabatsira kuti Yadah Stars isimukire kubva muDivision One ichipinda muPSL. Murape Murape anoti anodada nematambiro ari kuita Leeroy uye shuviro yake ndeyekuti adarike paakasvika iye.

Shepherd Murape

“Leeroy ndinodada nezvaari kuita, ngaarambe akadaro uye kuti asvike paari iye zvino kuita kwaMwari. Hatingafambe nzira dzakasiyana tese, ini nasekuru (Shepherd) tese takagadzira mazita edu kuDynamos iye ari kuYadah asi tinongomutsigirawo zvakadaro,” anodaro.

Zvakadai, Murape Murape anoti ane mumwe munin’ina wake anonzi Alois uyo akambotambira Border Strikers iri muDivision One asi haana kusvika kure nemutambo uyu.

“Tine mumwe anonzi Alois akambotambira Border Strikers asi haana kusvika kure nemutambo uyu,” anodaro Murape Murape.

Share This:

Sponsored Links