Uncategorized

Muridzi wechipfuyo pfacha . . .jaya ‘richichata’ nenguruve hadzi

12 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Muridzi wechipfuyo pfacha . . .jaya ‘richichata’ nenguruve hadzi Sadunhu Chikosha

Kwayedza

Kingstone Mapupu
Apo ruzhinji rwevanhu vaive mushishi kupemberera vachimirira kupinda mugore idzva ra2018, mukomana jaya wemubhuku raChandavengerwa, kwaSadunhu Chikosha, kwaMusana, ainge ari mushishi kupanana rudo “nechibayamoyo” chake – nguruve hadzi yemuvakidzani wake. Muchinda uyu akashaya pekupinda nenyadzi apo akawanikidzwa pakati pehusiku achishinha nenguruve, ruzhinji rwevanhu mumusha rwakamirira kupinda muGoredzva.

James Chikange (22) — uyo anogara naambuya vake — akabatikidzwa ari mudanga umo aiita zvinorova nenguruve hadzi yemhuri yekwaMashazhike. Panguva iyi, zvinonzi dzimwe nguruve diki pamwe chete naiyo yaaishinhwa nayo dzaiita ruzha apo James achifadzwa nemudikani wake — nguruve kana kuti humba.

Mukomana anochengeta musha une nguruve idzi, Lameck Jasi Murehwa (23), anonzi ndiye akaona James ari mubishi “kuchata” nechipfuyo ichi achibva amurova nechidhinha mumusoro. Murehwa anoti anga ava nenguva refu achingonzwa nguruve dzichichema husiku uyewo vamwe vanhu vachimuudza kuti pane munhu anoshereketa nadzo.

“Mushure mekutaurirwa kuti kune munhu anoita nguruve dzedu vakadzi uyewo nekuti dzaigara dzichichema husiku, nemusi wa31 Zvita ndakazofunga zvekurara panze apo ndakazonzwa nguruve dzatanga kuchema. Ndakaenda ndakabata chidhinha ndikaona James ari mushishi nenguruve hombe hadzi — hombe yacho. Ndakamurova nechidhinha achibva ahwanda mudanga imomo.“Ndakanhonga zvimwe zvidhinha zviviri ndokuenda pedyo nedanga apo iye akasvetuka achida kutiza ini ndakumuvhundutsira ndichiti ndomurova zvakare. Ndizvo zvakaita kuti amire nekutya ava kunze kwedanga,” anodaro Murehwa.

“Pandakamubatikidza, bhurugwa rake rainge rakatorembera kusvika mumabvi, akasunungura bhandi uye zipi yemutarauzi wake yakavhurika. Ndakamubvunza kuti aiitei nezvipfuyo, iye haana kunyara, ndokutaura chokwadi. Akangonditi, ‘Zvange zvandikundawo.’ Akandikumbira ruregerero achiti zviperere pakati pedu bedzi, ndisaudze vanhu.”

Murehwa anoti haazive kuti dambudziko raJames riri papi sezvo musha wavo uri padyo-padyo nemabhizimisi epaMusiiwa “apo panowanikwa pfambi dzinoda ma$0,25c”.

“Kune pfambi dzinoshevedzera kuti $1 for 4, handizive kuti mukomana uyu ashaya $0,25c zvayo here kuzoita zvakadai kuzvipfuyo zvedu,” anodaro Murehwa.

Anotizve akazoenda kuna ambuya vaJames avo pekutanga vakambotadza kugutsikana nenyaya iyi, asi pashure ndokuzoibvuma.

Nguruve yacho

“Ndakazotaurira varidzi venguruve idzi – Baba naMai Mashazhike – avo vakanditi ndimhan’are nyaya iyi kumapurisa, izvo ndakaita pakamba yeZRP Rutope, kuno kwaMusiiwa. Mapurisa vakandipa tsamba iyo ndakanopa vabereki vemuchinda uyu yekuti aende kumapurisa izvo asina kuita,” anodaro Murehwa.

“Nguruve yandakamuwana achisasana nayo ine vana gumi. Dzimwe nguva akabvira kare achiita muitiro uyu. Zvekare tine imwe nguruve yakangofa zvisina tsarukano, tave  kufunga kuti ane zvaakaita nayo.”

Mai Mashazhike vanoti zvakaitwa nemukomana uyu kunguruve yavo zvinovashamisa zvikuru.

“Chokwadi kuita nguruve mukadzi sezvinonzi vakadzi vapera? Itai kuti vana ava vapote vachienda kumachechi. Chaanoshaya chii pakuchiva nguruve? Zvino ichadyiwa naniko nyama yacho kana tikaiuraya?

“Anonzi haana kana musikana anozivikanwa muno, kureva kuti upenyu hwake anopedzera shungu kumhuka. Panofanirwa kunge paine zvakawanda izvo anoita asingabatwe. Nguruve idzi takatengera mwana wedu mukomana kuti awane chekuzviriritira nacho,” vanodaro.  Mwanakomana wavo anova muridzi wenguruve idzi, Prophet Roy Mashazhike (22), anoti zvakaitwa naJames zvinorwadza. “Nguruve idzi dzingadai dzawanda, zvino hatichaziva kuti kusabereka vana vakawanda chikonzero chacho chii, mabasa emukomana uyu here?

“Kana mapurisa nevebazi reDepartment of Veterinary Services vapedza kuferefeta nyaya iyi, nguruve iyi ndichaiuraya, nyama yacho ndopisa kana kupa vanoda kuidya zvavo,” anodaro.

Anoti anoda kuti James asungwe sezvo achinzi pakaitika nyaya iyi akabva atiza pamba pavo uye vabereki vake vanoti havazive kwaari.  Mbuya vaJames, Mai Annah Jonasi (60) — vanova amai vaamai vake — vanoti musi uyu, mukomana uyu akabva pamba nemunin’ina wake, ndokuenda kutaundishipi yekwaMusiiwa uko vaida kunogarira gore idzva.

“James akabva pamba nemunin’ina wake William Chikange (17) husiku vachienda kwaMusiiwa. Zvakazoitika ikoko handizvizive. Ndakazongoona Murehwa ouya husiku achiti abata James achishereketa nenguruve yavo ini zvikatondishamisa,” vanodaro Mai Jonasi.  Amai vaJames, Kawile Swalee (45), vanonzi vainge vasipo pamusha pakaitika nyaya iyi sezvo vave kugara paMusiiwa.

“Chandakaona ini mbuya vake kukuvara kwaakaita pagotsi rake nekuda kwekurohwa uko akaitwa nechidhinha. Ndakazongomushaya pano, handizive kwaari uye baba vemwana uyu vakashaya kare apo takauya muno tichibva kuShamva Gold Mine,” vanodaro Mai Jonasi. Vanotizve James munhu anonwa doro nekuputa mbanje, nekudaro havazive kuti zvaakaita izvi zvakakonzerwa nekudhakwa here kana kuti zvine chekuita nemishonga yechivanhu.

“Kubasa kwaanoshanda nemarori kupurazi rekwaSusumani kune vakaenda vachimutarisa vakanomushaya saka hatizive kwaari,” vanodaro.

Uyuwo William anoti mukoma wake akamusiya kwaMusiiwa achidzoka oga kumba apo anonzi ndipo paakananga kudanga renguruve uko akanoporomora mhosva nenguruve yevaridzi.

“James akatisiya kutaundishipi achidzoka kumba husiku. Ndipo patakazonzwa kuti awanikidzwa achiita zvaakaita nenguruve yekwanaMurehwa. Tinorara muimba imwe chete asi kana achibuda achienda kunguruve uku hapana zvatinoziva,” anodaro William.  Romeo Gramme, uyo anova shamwari yaJames iyo yaaiva nayo musi uyu, haana kuonekwa neKwayedza kuti ataurewo zvaanoziva pamusoro penyaya iyi.

Vamwe ambuya vaJames, Magarate Warata (68), vanoti vapererwa nekuda kwechiitiko ichi.

“Ndanyadziswa munyika muno nekuda kwenyaya iyi, ‘kuchata’ nenguruve here? Akaroyiwa chete mwana uyu,” vanodaro Mbuya Warata.

Vanoti havazive kuti muzukuru wavo akabatwa nemweya rudzii sezvo vachipinda chechi yechiMoslem.  Sahwira waJames, Remember Chikwanha (21), anotiwo akavhunduka nekuda kwenyaya iyi. Mai Alice Madzivanzira Tapfuma (63) vanoti zvakaitwa naJames zvinonyadzisa zvikuru.

Sabhuku Chandavengerwa — VaRums Kwaramba — havana kuonekwa neKwayedza kuti vape maonero avo panyaya iyi. Asi Sadunhu Chikosha, VaElisha Chidziva (64), vanoti nyaya yemhando iyi yava yechipiri mudunhu ravo sezvo gore rakapera paine mumwe mukomana wechidika zvakare, uyo akawanikidzwa achishinha nedhongi.

“Handizive kuti vana vemuno vapindwa neiko, mumwe akarara nedhongi akabvuma mhosva yake, nhasi mumwe ashereketa nenguruve. Zvino mvura inganaye here? Uyu tichamushevedza kudare redu tomupa chirango chekuita chipini mudunhu.

“Chokwadi toita varoora vemadhongi nenguruve here asi vasikana vazere? Nguruve iyi handidi kuiona mudunhu mangu, ngaiuraiwe kana pane anoida ngaauye aitore zvake,” vanodaro.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Assistant Inspector Petros Masikati, vanoti vanoda nguva yekutsvaga mafambiro enyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links