‘Murimi anofanira kurongeka’

06 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
‘Murimi anofanira kurongeka’

Kwayedza

“MUDZIMAI wangu paakauya pano, nzvimbo ino yakange riri sango chairo. Takatumidza nzvimbo ino zita rekuti Matovanyika nekuti pakutanga zvakange zvakaoma zvikuru uye takashanda zvishoma nezvishoma mukurima ivhu iri,” vanodaro VaRichard Jenami pazuva rekumema zvirimwa papurazi ravo kuMhangura.

Zuva iri raive rakananga kutaridza murimi wefodya anokwanisa kushanda achibudirira zvisinei nekushanduka kwemamiriro ekunze achishandisa nzira dzechizvino-zvino dzekuomesa fodya yake.

Vachitaura pazuva iri, sachigaro wekambani yeTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) – Mai Monica Chinamasa – vanosimbisisa nyaya yekuti vose vanoona nezvekurima vatore matanho akakodzera ekurwisa zvimhingamipinyi zviri kukonzerwa nekusanduka kwemamiriro ekunze.

Vanokurudzira varimi vadiki vefodya vane chido chekushandisa madiridziro edrip irrigation kuti vapihwe ruzivo rwakazara pamusoro pezvawo kumahofisi eTIMB ari kuMvurwi, Marondera, Chinhoyi, Karoi, Rusape, Bindura neHarare.

“Takasvika pano musi wa22 Chivabvu 2002 uye hapana chakange chiripo, pakutanga tairara mumotokari chaimo sezvo paive pasina dzimba. Zvose zvivakwa zvamuri kuona pano tisu takazvivaka. Zvakange zvakaoma asi tinotenda Mwari. Iye zvino Matovanyika rave zita guru,” vanodaro VaJenami vachirondedzera rwendo rwavakafamba.

“Takafanana nevarimi vekare vane muurumbira veMcDonalds sezvo tinorima zvose zvinosanganisira fodya, chibage, soya beans, nzungu uye tinopfuyawo zvakare mombe, mbudzi nenguruve.

“Zvichienderana nechirongwa chekuvandudza hupfumi hwenyika cheZim-Asset, tinotengesawo zvimwe zvirimwa tazvivandudza kugadzira zvinhu zvakaita sedovi nehupfu.

“Takaronga purazi redu muzvikamu zviviri zvinoti kwekushandira pamwe nekwekutandarira uko vashandi vedu nevamwe vanosevenzera mapurazi akatitenderedza vanoenda kunovaraidza nguva kuburikidza nekutamba mhanzi pamwe nekunwa zvinwiwa. Chinangwa chedu ndechekuti tibvise pfungwa yekuti kumapurazi hakunakidze.

“Pakutanga kwemwaka uno, takaendesa ivhu redu kuti rinoongororwe uye zvakabuda zvakataridza kuti rine acid yakawanda nekudaro takanzi tipote tichiriwedzera lime kuti riite zvakanaka.

“Tine mahekita matatu efodya yekudiridzira pamwe nechidimbu chehekita icho tinorima nemvura yekudenga. Izvi tinoitira kuti tisaise mazai edu mubhasikiti rimwe pamwe nekuti tisazonetseka pakupisa fodya yedu. Takadyarawo fodya yedu mumazuva akasiyana zvakare apo imwe yakadyarwa musi wa28 Gunyana, ichiteverwa neyemusi wa10 Gumiguru neya27 Gumiguru iyo inodiridzwa nemvura inonaya.

“Takadyara mbeu yemhando yeKRK26, tikashandisa kapu yeblend basal fertiliser nhamba 24 neAmmonium Nitrate kapu nhamba 5 mushure mesvondo rimwe chete tasima fodya yedu.

“Takadiridza fodya yedu tichishandisa nzira yedrip irrigation tichitsigirwa neTIMB. Kusvika parizvino, tawana mvura inonaya yakadzika kusvika 750mm kubvira pakatanga mwaka wezhizha izvo zvabatsira kuti chirimwa ichi chinge chichikura zvakanaka.

“Ndinokurudzira vamwe varimi kuti varambe vachishanda nesimba nekuti kuwanikwa kwechikafu mudzimba nemunyika yose kunotanga nesu. Izvi zvinoitika chete kana tikatora kurima sebhizimisi. Ndinoda kutenda TIMB nekutivakira kwayakaita madhirihora emhando yepamusoro erocket barn ekupisira fodya.

“Ticharamba tichirima mahekita mamwe chete efodya atinawo parizvino tichishingaira kuvandudza mhando yechirimwa chedu. Baba vangu vakandidzidzisa kuti rwizi rwunoyerera nekuda kwetumwe tunzizi twunodira mvura marwuri saka ndinokurudzira vamwe varimi kuti tirambe tichipangana mazano, tishande sechikwata.

“Akadarika mazuva ekuti varimi vaitarisira kupihwa zvinhu pachena, hakuna chemahara. Ngatibhadharei zvikwereti zvemari zvatinenge tapihwa uye tisatengesere goho redu kumwe kudivi. Hatifaniri kuve nemakaro kana tichida kubudirira,” vanodaro VaJenami avo vari kutsigirwa nekambani yeMashonaland Tobacco Company.

Murimi uyu mumwe wevakabatsirika nemadiridziro edrip irrigation pamwe nekuvakirwa madhirihora efodya emhando yerocket barn vachitsigirwa neTIMB.

Chikwereti chemari ichi chinobhadharwa mukati memwaka miviri yekurima uye chinopihwa kuvarimi vanenge varima fodya kwemwaka miviri zvakare.

Kuti murimi ange achikwanisa kupinda muchirongwa chekuwana madiridziro edrip irrigation, anofanira kunge aine paanowana mvura zvakaita sechibhorani, rwizi kana dhamu uye padhirihora remhando yerocket barn murimi anofanira kunge aine zvidhinha zvinosvika 10 000.

Kudzidziswa kwevarimi pachena pamusoro pekupisa fodya, kuisarudza pamwe nekuzoiendesa kumisika kuri kuenderera mberi uye varimi vanokurudzirwa kuti vanzwe zvakawanda pamusoro pechirongwa ichi kubva kumahofisi eTIMB ari kumativi mana enyika.

Pakugadzirira kuenda kumusika kunotengesa fodya, varimi vanokurudzirwa kuti vagare vakaronga rwendo rwavo rwepakudzoka kuitira kuti vasazopedzisira vave kurara kumusika.

Kuti munzwe zvakawanda tibatei panhamba dzeTIMB dzinotevera: 08677004624-6, 0772145166-9, 0279-22082-21982, 025-3439, 067-24268-29246, 0277-2700, 064-7280 ne0271-6772.Munogona zvakare kutibata panhamba dzetoll-free dzinoti 08006003 / 0731999999/ 0712832804 kana Whats -App 0731999999 nepadandemutande rinoti [email protected] <mailto: [email protected]>

Share This:

Sponsored Links