Murimi ovandudza zvirimwa

11 Jul, 2014 - 14:07 0 Views
Murimi ovandudza zvirimwa VADANGER Bhutsu (vari kurudyi) vaiisa zvirimwa zvavo mumakadhibhokisi segadziriro yekunotengesa apo vaiva naVaChamunorwa Beuto avo vanobatsirana navo. — Mufananidzo: Memory Mangombe

Kwayedza

VADANGER Bhutsu (vari kurudyi)  vaiisa zvirimwa zvavo mumakadhibhokisi segadziriro yekunotengesa apo vaiva naVaChamunorwa Beuto avo vanobatsirana navo. — Mufananidzo: Memory Mangombe

VADANGER Bhutsu (vari kurudyi) vaiisa zvirimwa zvavo mumakadhibhokisi segadziriro yekunotengesa apo vaiva naVaChamunorwa Beuto avo vanobatsirana navo. — Mufananidzo: Memory Mangombe

MURIMI wekuHurungwe kuMashonaland West uyo akawaniswa munda nehurumende pasi pechirongwa chekugova ivhu patsva oronga kuvandudza zvirimwa zvake nekugadzira kumwe kudya nezviwewo zvinhu kubva mazviri. VaDanger Bhutsu (55) vekuKatenhe, vachibatsirana naVaChamunorwa Beuto (40), vanorima zvirimwa zvakasiyana zvinosanganisawo michero nezvimwe izvo vanoti vanotengesa kudhorobha reKaroi, Chinhoyi, Harare, Magunje nekumwe kwakasiyana. “Muongororo yangu yandakaita kubva pandakawana munda mugore ra2000 ndakaona kuti isu sevarimi tinofanirwa kuvandudza marimiro edu towanawo mikana yekugadzira kumwe kudya kubva muzvirimwa zvedu,” vakadaro VaBhutsu.  Murimi uyu anoti parizvino ane hurongwa hwekuti awane michina yekusvina zvirimwa zvake achigadzira kudya kwakasiyana.

“Ndine miti yemichero yakawanda zvikuru inosanganisira maranjisi, malemon, mapichisi, migwavha, mimango nemikotapeya uyewo ndinorima zvirimwa zvakaita sembatatisi,  peas nechibage chebaby corn nekudaro ndine hurongwa hwekuti ndisagumire pakurima chete ndisvikewo sekutanga kwakaita makambani anosanganisira Olivine Industries yemuno nemamwe,” vakadaro.

Vanoti hurongwa hwekuti vavandudze kurima kwavo hwava padanho repamusoro sezvo vachiti vakawirirana nemumwe muzvinabhizimisi wekudunhu iri kuti avabatsire kutenga michina inosvina zvirimwa izvi vachigadzira zvakasiyana.

Share This:

Sponsored Links