Muroora 1: Tete 0: Mukadzi wehanzvanzi hutu nemurume watete

21 Jun, 2014 - 19:06 0 Views
Muroora 1: Tete 0: Mukadzi wehanzvanzi hutu nemurume watete

Kwayedza

kwayedzaMUMWE mukuwasha naambuya vake vemubhuku raMurwira, kwaShe Nyamweda kuMhondoro, vanonzi vatadza kuremekedzana sezvinodiwa patsika dzechivanhu zvekusvika pakudanana izvo zvakatokonzera kuti mukuwasha uyu arambane nemudzimai wake.

Makunakuna aya anonzi ari kuitwa pakati paMuchineripi Chikopfa (33) naJane Muchemwa Zinyawu (40), avo vanova ambuya nemukuwasha.

Jane mudzimai waWellington Zinyawu (48), uyo anova hanzvadzi yaCaroline Zinyawu (33) aiva mukadzi waChikopfa.

Patsika dzechivanhu, mukuwasha naambuya, kunyanya mukadzi watsano, vanofanirwa kunge vachiremekedzana nekunyarana zvakanyanya.

Kwayedza yakaudzwa kuti Chikopfa naJane vakatanga kufambidzana kusvikira Caroline azvionera achibva angotuta twake odzokera kumusha kwevabereki vake.

Caroline akataurwa naye nguva pfupi yadarika ari kuvabereki vake kwaSabhuku Murwira ndokuti ichokwadi kuti imba yake yaparadzwa nemuroora wake, Jane.

“Ndaiva ndakaroorwa naMuchineripi Chikopfa tikasvika pakurambana nekuti akanga ave kudanana nemuroora wangu, mudzimai wehanzvadzi yangu. Inyaya iri pachena isina mubvunzo, ndaivawanikidza kakawanda vachifamba nekurezvana kumba kwandaigara nemurume wangu kana kumba kwehanzvadzi yangu nekuti hanzvadzi yangu inogara iri kubasa.

“Ndakazosiya imba yacho nekuti munhu anodanana neni odananazve nemuroora wangu, hazvireve chinhu,” akadaro Caroline.

Chikopfa naCaroline vakaita mwana mumwe chete.
Caroline akaramba nyaya inotaurwa nevamwe yekuti akarambirwa “zvimwe” nemurume wake.
“Nyaya inotaurwa ndeyekuda kundisvibisa chete, chokwadi chaicho ndechekuti ini ndakaramba Muchineripi Chikopfa nekuda kwekuti aidanana nemuroora wangu, Mai Moses kana kuti Jane Muchemwa. Zvinonyadzisa zvikuru kuti mukuwasha naambuya vadanane,” akadaro Caroline.

Caroline anoti kunyange vakarambana, murume wake anoonekwa achisvika kumba kwemuroora wake kana muridzi wemusha asipo. Sabhuku vemusha uyu, VaGeorge Kabhachi, vanoti nyaya yemakunakuna emukuwasha naambuya iyi vakainzwa.

“Inyaya yandakangonzwa nerunyerekupe kwete kuti ndakazvionera. Asi yakazosvika kudare kwangu Zinyawu akaburitsa pachena kuvanhu kuti vasiye mukadzi wake,” vakadaro.

Zinyawu anoti akataura mashoko aya apo hanzvadzi dzake ina dzaitaura kuti mukadzi wake ipfambi dzichiti aimuregerera zvikuru achiita zvaanoda pamusha iye akayeva.

Jane paakabvunzwa nezvenyaya iyi akairamba achiti anongova makuhwa.
Zinyawu anoti nyaya yekunzi mukadzi wake anodanana nemukuwasha akainzwa ndokupotsa azvambaradza mukuwasha uyu.

“Nyaya iyi ndakaitaurirwa nemunhu aipfirira imba pamba pangu, ndikasvikira pakupotsa ndabaya kana kutema nedemo mukuwasha uyu pano. Ndakamuti handidi kumuona pano, ndakapotsa ndamupfura nerekeni,” akadaro Zinyawu.

Anoti mudzimai wake akaramba nyaya iyi achiti kwaiva kuvengwa.
Zvisinei, anoti asi chinomunetsa ndechekuti pamba pake akamborova varume vaviri vangosvika usiku vachitsvaga mudzimai wake iye aripo.

“Rimwe zuva ndiri pano pane murume anonzi Vhusi akasvikopinda mumba mangu usiku akasvikoti, ‘madzoka rinhi kwaChinhanga’, achibva ave kutovhara dhoo. Ndakamuka ndikamurova zvakaomarara.

“Akazoti aida kudarikira kumba kwemusikana wake achiti aiva akadhakwa, handizive kuti kurasika here kana kuti vaizivana nemudzimai wangu,” akadaro Zinyawu.

Anoti kune mumwe murume zvakare, anonzi Kanyile, akambosvika pamba pake usiku uyo akasvikotanga kumurova iye Zinyawu ndokudzosera zvakazoita kuti varwisane akazotiza.

Nyaya mbiri idzi dzakagarwa mudare remusha uyu varume ava vakanzi varipe, iye Zinyawu ndokuramba.
“Nyaya iripo hazvichazivikanwa chokwadi nenhema pane zvinoitika panyaya yepamba pangu,” akadaro Zinyawu.
Chikopfa haana kubatika panhare dzake kuti apewo divi rake panyaya yaari kupomerwa iyi.

KUDANANA nemukuwasha-16/05/14
JANE Muchemwa
Muchineripi Chikopfa
Caroline Zinyawu
Wellington Zinyawu

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>