Uncategorized

Muroora akarova tezvara nebhurugwa

01 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
Muroora akarova tezvara nebhurugwa

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MURUME wekwaChivero, kuMhondoro akashaya pekupinda nekunyara padare ramambo weko apo muroora wake akambosendeka nyadzi padivi, ndokukumura chipfeko chake chemukati pajekerere, icho akashandisa kurova nekupukuta nacho tezvara uyu kumeso.

Muroora uyu akaita izvi senzira yechivanhu yekuratidza ruzhinji kuti vaviri ava — tezvara nemuroora — vanodanana uye vakashinha vose.

SUNDE MWALA

Sande Mwala (44), uyo anogara mubhuku raMarumha achishanda samakanika papurazi rekwaBhana kana kuti Sumro munzvimbo iyi, anonzi akadanana naKudzanayi Nyundo (24) ndokumupa pamuviri.

Nekutya bongozozo raizomuka nemudzimai wake, Sande akazoronga kuti Kudzanayi adanane nemwanakomana wake Simon Mwala (22), izvo musikana uyu akabvuma.

SIMON MWALA

Nyaya iyi yakazopinda mudare raMambo Chivero svondo rapera Sande ndokunzi aripe makunakuna aya nemombe mbiri. Uyuwo Kudzanayi akanzi aripe nemombe imwe chete.

Jinda guru raMambo Chivero, VaSilent Kaseke (40), vanoti Sande akamboedza kuramba nyaya iyi apo muroora kana kuti nyachide wake Kudzanayi akazokumura chipfeko chake chemukati padare apa, achibva arova murume uyu nacho kumeso izvo pachivanhu zvinonzi zvinoratidza kuti vaviri ava vakashereketa vose.

“Sande akadanana naKudzanayi pavaishanda vose kupurazi rekwaBhana apo vaishinha vose pasina dziviriro kusvikira musikana abata pamuviri. Nekutya mudzimai waSande, vaviri ava vakazofurirana kuti musikana uyu adanane nemwanakomana wababa ava kuti nyaya iyi isazobude pachena,” vanodaro VaKaseke.

Sande anonzi akavhundutsira Kudzanayi achiti nhumbu yaaiva nayo yaisada kuti arare nemumwe murume asiri werudzi rwekwake, izvo zvinonzi ndizvo zvakaita kuti musikana uyu azobvuma.

“Zvakabuda mudare iri kuti musikana uyu akanzi aende kumwanakomana uyu, onomurezva izvo zvakabva zvaita kuti vadanane ndokushereketa vose apo Kudzanayi akazoudza mukomana uyu kuti akanga ava nepamuviri. Musikana uyu akazoedza kutizira kunaSimon asi akarambwa nevemhuri iyi,” vanodaro VaKaseke.

Simon anonzi akazotevera Kudzanayi ndokunogara naye kumba kwevabereki vake uko musikana uyu aigara oga kusvikira pakazosunungukwa mwana mukomana uyo pari zvino ave nemakore matatu okuberekwa.

Simon anonzi akazodanana nemumwe mukadzi uyo akaita zvekutizira kumba kwavo ndokubva mukomana uyu aramba Kudzanayi ndokumutiza achidzokera kuvabereki vake nemudzimai wake mutsva.

VaKaseke vanoti dare ravo rakaongorora nyaya iyi ndokuwana Sande naKudzanayi vaine mhosva yekurangana kuita makunakuna aya.

“Nyaya yakadai iyi ndeyekutanga kupinda mudare redu, inoshamisa nekuti hatizive pamwe tezvara ava vairamba vachidanana naKudzayi kunyangwe akanga ava muroora wavo,” vanodaro.

Kudzanayi anonzi akataura mudare iri kuti mwana wake ndewaSande, kunyangwe zvazvo Simon achinzi ari kukaka nharo achiti ndewake.

“Isu takatonga nyaya tichitarisa zvakataurwa nemusikana nekuti mukadzi ndiye n’anga, kwete zvekuti mukomana uyu anoti mwana ndewake uyewo baba vake vachiti mwana haasi wavo. Kana vachida ngavaende kunoongororwa ropa zvoonekwa kuti mwana ndewani pakati pababa nemwanakomana wavo.”

VaKaseke vanoti dare ravo rakamirira kuti Sande nemuroora wake vaunze mombe dzemakunana dzavakatongerwa kuripa nadzo.

Muhurukuro neKwayedza, Kudzanayi anoti akatanga kudanana naSande, pashure ndokuzonenera Simon mimba isiri yake.

“Takadanana naSande kubva musi wa3 August 2014 apo taikwira rori tichienda tose kubasa kwaBhana. Ndaida kuroorwa achiti aizondiita mukadzi wake wechipiri.

“Takashereketa kakawandisa kumba kwavo kwaBhana kusvikira ndabata nhumbu. Vakazonditi zvaisakwanisika kuti vanditore semukadzi wavo ndokunditi ndidanane nemwanakomana wavo sezvo vakati vakanga vandiisa mhiko dzekuti nhumbu iyi yaisada kuti ndidanane nemunhu asiri werudzi rwavo,” anodaro Kudzanai.

Anoti akaita nguva yakareba achitaimira Simon apo aimurezva kudzimara vadanana apo akabva amunenera kuti ndiye muridzi wemimba asi achinyatsoziva kuti pamuviri apa nepababa vake.

“Iye (Simon) haana kuzviziva kuti ndaiva nepamuviri kare. Ndakaedza kumutizira asi vakandiramba asi iye Simon ndokuzouya kuzogara neni kumba kwedu kusvikira ndasununguka mwana.

“Paakandiramba ndipo pandakaburitsa nyaya iyi kuti zvizivikanwe, mwana ndewaSande Mwala kwete waSimon. Ehe, vose ndakadanana navo,” anodaro Kudzanayi.

Anoti anoda kuti vaongororwe ropa kuti zvibude pachena kuti mwana uyu ndewani.

“Mwana ndiri kuchengeta ndoga, Sande naSimon hapana ari kundibatsira. Ndinodawo kuti vandiroore vose nekuti vakandiita mudzimai wavo vose pasina chavakabvisa.”

Mudzimai waSande, Mai Ellen Chulu (44), vanoti zvakaitwa nemurume wavo zvakavagura kunorira.

“Ndakatanga kuzvinzwa nemakuhwa kuti mwana wandinoti muzukuru mwana waSimon haasi wemwanakomana wangu asi kuti ndewe murume wangu. Ndakarwadzikana zvikuru ndokunoudza sabhuku, nyaya ichibva yasvitswa kwamambo. Uyuwo wandaiti muroora nyambisirwa ndimainini, mukadzi mudiki wemurume wangu,” vanodaro.

Mai Chulu vanoti nyaya iyi inovarwadza zvikuru zvekuti kunyange yakatongwa zvayo, zvinovabaya moyo kuti munhu wavanga vachiti muroora wavo mukadzi wavari pabarika naye.

“Zvanga zvichiitika hazvina kusiyana nekuti ndaishinha nemwanakomana wangu nekuti Kudzanayi aiti akarara nemurume wangu, onorarazve naSimon, iniwo ndichisangana nababa. Taisanganiswa tose, kana chiri chirwere takatozorana,” vanodaro.

Vanoti vakashamiswa nechivindi chaKudzanayi chekukumura chipfeko chake chemukati padare pazere vanhu ndokurova Sande nacho kumeso, vanhu vaivepo ndokuridza mhururu.

“Izvozvi handisisina rugare pano pamusha, ndinoshungurudzwa nemurume wangu kuti ndakamhan’arirei nyaya iyi kudare. Vanhu vakambodanana zvinonetsa kurambana, pamwe vachiri kudanana izvozvi. Apa tine vana vashanu nemurume uyu,” vanodaro Mai Chulu.

Simon anonzi ari kuti anoda kuripwawo naKudzanayi nekuda kwekuti akagara naye makore matatu achimusanganisa nababa vake iye asingazvizive. Ambuya vaKudzanayi, Mai Ruyamuro Bota (65), vanoti nyaya iyi yavakandisa mapfumo pasi.

“Paakadanana naSande watinoziva isu kuti nditezvara wake, anoti haana waakazivisa, kusvikira zvazobuda. Kana kuti akarambana navo vose here hatizive,” vanodaro.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naSande kana naSimon sezvo pavakashanyirwa vainzi vainge vafamba rwendo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey