Uncategorized

Muroora mukadzi waani?

06 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
Muroora mukadzi waani? MAIDEI Manyika

Kwayedza

MAIDEI Manyika

MAIDEI Manyika

Kingstone Mapupu
MUTSIKA nemagariro evatema muZimbabwe, tezvara nemuroora vanhu vanoremekedzana zvekuti hapana pekuti vaviri ava vangafarise zvekuita kunge varamu. Kugarisana kwavo kwakazara nekunyarana. Ndokusaka muroora achitarisirwa kupfeka mbatya refu kana kumonera machira akareba uye kusunga dhuku mumusoro kana ari pana tezvara. Kumhoresana chaiko vamwe vahatobatana mawoko, muroora anongopfugama kana kutyora muzura ari nechekure votokwazisana.

Verengai zvakare……..
‘Hazviite, hazviite zvachose!’

Vanhu ivava havatarisirwe kufarisa zvekuti sevanonzi murume nemudzimai wake. Tezvara nemuroora voonekwa vachiridza chikuwe vachirovana mawoko? Kwaani ikoko uye zvamboita sei?

Kuzoti kuita kana kutaura nyaya dzine chekuita nezvemumachira muimba yekurara, hazviite! Zvikangozvika pakudaro ndiwo anonzi makunakuna, nyaya inonoperera nekuripiswa kwamambo.

Asika, kune mamwe marudzi emuno uko zvinotonzi itsika yavo kuti kana muroora achinge auya mumusha kekutanga anofanirwa kutanga natezvara asati arara nemurume wake.

Avo vanotevera tsika iyi vanoti panoitwa izvi panenge pachishandiswa mishonga senzira yekusimbisa wanano yemuroora uyu nemurume wake, mwanakomana watezvara.

Asi iyi haingava tsika inganzi inoshandiswa kana kuzivikanwa nevakawanda muZimbabwe zvisinei nekuti kune vanonzi vachiri kuitevedza.
Sekutaura kwevanoti vanoziva tsika iyi, vamwe vevanhu vanoitevera ndeverudzi rwechiKalanga avo vakawandira kudunhu rePlumtree, kuMatebeleland South.

Izvi zvinonzi zvinoitirwa kuti madzitezvara vaone kuti varoora vavo vanenge vari mhandara here uyewo kuti vana madangwe vange vari vatezvara. Zvisinei, tsika iyi haichateverwa nevakawanda kunyangwe zvazvo kuine vashoma vanozviita.
Mumwe anozviti igodobori muHarare, VaBenson Musuweje (64), vanoti havasi vose vachiri kutevedzera tsika iyi.

“Tsika iyi yaitevedzwa neverudzi rwemaKalanga kana kuti BaKalanga, kunova iko kwakabva amai vangu. Tezvara ndivo vaitanga kurara nemuroora mutsva achangosvika mumusha zvichinzi zvaiitirwa kuti varoora ava vatambirwe nevadzimu uye kuti imba yemhuri iyi isimbe,” vanodaro.

VaMasuweji vanoti pamwe pacho izvi zvaiitwa muroora asingazive, ari murima, asi mwanakomana achizviziva. Varoora vairamba tsika iyi vaigona kuvhundutsirwa vonzi vanodzoserwa kuvarebereki vavo.

“Varoora ava nekutya kurambwa, nekuti vabereki vavo vainge vakadya pfuma yeroora, vamwe vaizongobvuma. Patsika iyi zvaifanirwa kuitwa kamwe chete asi mamwe madzitezvara vaizoenderera mberi vachibiridzira,” vanodaro.

VaMusuweje vanoti izvi zvaiitwa kuchishandiswa mishonga yechivanhu.
“Muroora uyu akabata pamuviri patezvara uye kukazvarwa mwana mukomana, aibva atumidzwa zita ratezvara kana rehama yepadyo yemumhuri iyi. Hanzi nzinza ramuka!

“Dambudziko raiuya kana pakazvarwa mwana musikana, tezvara ava vairamba vachishinha nemuroora kuti kuitwe mwana mukomana,” vanodaro. Vakafananidza tsika iyi neyeverudzi rweChisuweni, sezvinoitwa kumusha kwavo kuMalawi, apo vana vehanzvadzikomana nehanzvadzisikana vanogona kuroorana.

VaMusuweji vanotiwo kune mamwe madzitezvara anoshinha nevaroora nekuda kwemishonga yakaipa yavanenge vakaromba.
“Vamwe vanogona kuudzwa nen’anga kuti vaite izvozvo nevaroora vachinzi vakadaro vanoita upfumi semari. Kana kunzi vasherekete nevanasikana vavo nedzimwe hama dzepadyo, kana naamai chaivo vekubereka. Zvino izvi zvakasiyana chii nemhuka?” vanodaro.

VaMusuweje vanoti vakagara kunyika dzakaita seBotswana, South Africa, Namibia, Tanzania, Malawi neMozambique uko vakadzidza tsika dzemarudzi akasiyana. Ishe Masendu, VaSindanizwi Dube (55), vekuPlumtree avo vakataurwa navo panhare vakati tsika iyi yaingoitwa nevanhu vaiva nemisikanzwa vachiti makunakuna.

“Iyi mikisakanzwa yevanhu iyo vamwe vakaguma vave kuita setsika yavo. Hakuna zvakadaro, makunakuna chaiwo. Vanhu vakadai tinosunga kuti vasiyane nazvo tovaripisa nekuvaendesawo kumapurisa,” vanodaro.

VaItai Bakasa (43), avo vanova mutevedzeri wemukuru wesangano reZimbabwe National Practictioners Association, vanoti tsika iyi haina kunaka zvachose. “Mubvunzo wangu ndewekuti achazenge ava muridzi wemukadzi ndiyani pakati pababa nemwana? Nenguva ino tinofa nezvirwere nekuda kwetsika iyi. Ngavasungwe vanhu ivava zvipere,” vanodaro.

Maidei Manyika wekuGlen View 7, muHarare, anoti achinge ari iye anobva aramba kugara pamusha une tsika dzakafumuka kudai nekuti hazviite kuti apinde mumagumbeze natezvara vake.

“Vachingoedza chete kudaro tezvara ava ndinoridza mhere ndoenda kumapurisa vosungwa, mwana wavo ndobva ndamuramba ipapo,” anodaro Manyika. Ishe Chivero vekuMhondoro, VaBrown Shopo (62), vanoti tsika yakadai kurudzi rwemaShona makunakuna. “Muroora akauya pamusha anotorwa semwana sezvinongoitwawo mukuwasha kwaakaroora. Vanonzwa sei vanhu ava mukuwasha mutsva akasvikotanga nekurara naambuya? Handiti panobuda mapfumo apa? Kuno tezvara nemuroora vakadaro vanoripa mombe dzinodarika shanu tovadzinga zvakare maChivero,” vanodaro.

Vanotizve vakamboshandira kuBulawayo nekuHwange uko vaiona vamwe vaitevedzera tsika iyi vakatoshamiswa nazvo.
“Vanhu takasiyana nemhuka saka avo vachiri kutevedza tsika iyi ngavasiyane nayo zvachose. Madzishe eko ngavatore matanho akasimba kuranga nhubu idzi,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey