Muroora odzinga vamwene pamba

23 Jun, 2017 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa —
MUDZIMAI wekutizwa nemurume achienda kuSouth Africa uko akamutevera ndokutizwa zvakare, ava kupedzera shungu kuna vamwene achiti haadi kuvaona pamba pake.

Lucia Manhando akadhonzera vamwene vake, Fungai Chawana, kudare reHarare Civil Court achida gwaro rekuti vadzingwe pamba.

“Changamire, ndauya nechikumbiro chekuti amai ava vabve pasitendi pangu nekuti sitendi iyi ndeyangu nemwana wavo, kunyangwe zvazvo akanditiza akaenda kuSouth Africa.

‘‘Ini handidi kuona amai ava pamba pangu,” anodaro Manhando.

Anoenderera mberi achiti murume wake paakamutiza achienda kuSouth Africa, iye aive nepamuviri uye akazomutumira mari yekuti atevere ikoko asi akazomutiza zvakare kunze kwenyika ikoko zvakaita kuti adzoke kuzogara pamba apa.

“Murume wangu paakanditiza ndiine pamuviri, akazonditumira mari yekuti nditevere ikoko ndikaenda asi ndasvikako, akanditiza zvakare ndichibva ndazodzoka kuno. Nanhasi ndiko kwaari uye tinenge takatorambana,” anodaro.

Chawana anopikisana nemashoko emuroora wake achiti haabve pamba apa nekuti sitendi iyi ndeyake uye ainge aipa mwanakomana wake kuti aichengete, kwete kuti yaiva yatove yake.

Anoti Manhando akarambwa nemwanakomana wake saka ndiye anotofanira kubva pamba apa.

“Mukadzi uyu akarambwa nemurume wake anova mwana wangu uye pamba apa ndepangu. Imba iripo ndini ndakatoivaka ndichibva ndamupa kuti agare achichengeta, kwete kuti yatova yake.

“Izvo zvekuti vakapanana imba yangu handizvizive, magwaro emba acho anoratidza kuti ndeyangu, ndinawo kana pane munhu anofanira kubva pamba apa ndiyeyu,” anodaro Chawana.

Chawana akaburitsa magwaro anoratidza kuti imba ndeyake asi Manhando aingopikisa achiti aiva akaipihwa nemurume wake sezvo vane mwana vose.

“Magwaro ndamaona asi ini pamba apa ndakapapihwa nemurume wangu nekuti tine mwana tose,” anodaro Manhando.

Mutongi Amanda Muridzo akarasa chikumbiro chaManhando achiti imba iyi haisi yake.

Share This:

Sponsored Links