Uncategorized

MUROYI AKADONHA PABERE . . . ‘Ndatadza kuwirirana nevamwe vangu’

20 Nov, 2015 - 00:11 0 Views
MUROYI AKADONHA PABERE . . . ‘Ndatadza kuwirirana nevamwe vangu’ Mbuya vekunzi muroyi

Kwayedza

IMWE mhuri yekuChigori, kuMacheke, yakava nekushamiswa kukuru nemusi weChishanu wadarika apo yakafumoona chembere yaiva iri musvo pachivanze chemusha wayo iyo yaizviti muroyi uye yakange yadonhedzwa nevamwe vayo pabere ravainge vakatasva mushure mekunge vatadza kuwirirana.

Mhuri yepamusha pakaitikira izvi mapositori.

Mashura aya akafumoonekwa pamba paMadzibaba Cosmas Vito (52), avo vanonamata chechi yeJohane Masowe Nyenyedzi Nomwe, iyo inotungamirirwa naMadzibaba Enock Senda.

Kwayedza payakasvika pamusha apa chembere iyi yaiva kumasowe ichishandirwa naMadzibaba Enock.

Chembere iyi yakaramba kutaura zvakawanda nevatori venhau, kusanganisira kudura zita rayo, sezvo yaingoti yaida hama dzayo.

“Handina chandinogona kutaura nemi. Ndinoda kuenda kumusha kwangu chete. Tangai manotora hanzvadzi yangu Godfrey ndiye anoziva zvandiri. Pasina izvozvo hamundigone, maita vatete,” yakadaro chembere iyi apo Kwayedza yakaedza kutaura nayo.

Sekutaura kwaMadzibaba Vito, vanoti izvi zvakazoitika apo vakanga vaisirwa mhiko dzekuchengetedza musha.

“Takapihwa tsanangudzo naMadzibaba Enock vachiti taizosangana nemiyedzo pamba pedu. Ndipo patakaisirwa mhiko tikanzi taizoshanyirwa nevayenzi vanotyisa vanoda kutiuraira mwana. Mushure memasvondo maviri, tawana ambuya ava vari musvo,” Madzibaba Vito vakaudza Kwayedza musi uyu.

Vanoti ivo nemudzimai wavo vakarara kumasowe ndokudzoka mangwanani vachisvikosangana nechembere yaiva isina kupfeka pamba pavo, iyo inonzi yaitaura pachena kuti yaiva yauya nevamwe vayo vakatasva bere.

“Patasvika pamba panga paina naambuya vangu nevamwewo vavakidzani. Vanoti chembere iyi inoti yadonhedzwa nevamwe vayo avo vanga vauya kuzoita mabasa avo ndokubva vatadza kuwirirana. Inonzi yati yasiiwa nevamwe vayo vachifunga kuti yafa,” vakadaro.

Chembere iyi inonzi yaiti yakabva kwaMutize, kwaMukarakate mudunhu reMurehwa.

Mai Ananciata Mutarakutya (34), avo vanove mumwe wevakatanga kuona chembere iyi mangwanani vanoti yakange iri musvo ndokuzopihwa jira rekufuga.

“Ndabuda mumba tanzwa nyaya iyi uye imbwa dzange dzichitotya kuvaruma. Tavabvunza zita vakaramba vakanyarara apo tazoendesa mashoko kwasabhuku,” vakaudza vatori venhau.

Chembere iyi inonzi yaitaura kuti iyo nevamwe vayo vaisada kuti mhuri yekwaVito ibudirire sezvo vakanga vatora chikwereti chekuti vavakise imba nekurima.

“Chiri kunetsa ndechekuti chembere iyi yange ichitaura zita raCosmas Vito nehurongwa hwake hwekuda kuvaka imba mushure mekunge atora chikwereti. Yange ichiti, ‘Iwe Vito haumbosvika mumwedzi waMay (Chivabvu) gore rinouya apo unofungidzira kuti unenge wapedza kuvaka imba’,” vakadaro Mai Mutarakutya.

Mai Molline Vito (45), varidzi vepamba pakawanikwa munhu uyu, vanoti vakasvikawo vachibva kumasowe ndokuwana chembere iyi iri musvo.

“Nyaya iyi yaitika apo takaporofitwa kunzi pamba pedu pachaitika mashura tichinzi panoda kuuraiwa mwana. Chinoshamisa ndechekuti chembere iyi inonzi yashevedza zita remurume wangu nerangu asi hativazive mbuya ava.”

Ambuya vaMadzidziba Vito, amai vemudzimai wavo – Mbuya Grace Kanyemba (60) – vanotiwo vakangonzwa imbwa kuhukura kubva pakati peusiku kusvika kunze kwayedza apo vakazoona chembere iyi isina kupfeka.

“Patabuda panze, mbuya ava varidza tsamwa inotyisa vasingade kutarisana neni. Vati ndadonha pabere pamwe pacho voti murusero kana kuti muhelicopter. Vati vamwe vavo vafunga kuti pavavasundidzira vafa vachiti zvino ndivo vachanofa ikoko kwavaenda.

“Vati vanoda nyama yevana vacheche, ndokutizve vanotsvaga kune makuva kuti vaende zvavo asi varatidza kuti shavi rakavabata,” vakadaro.

Mai Edah Mwaedza (35) vaiti ndivo vakazotora chembere iyi kuenda nayo kuchechi kuti inobatsirwa.

“Ndini ndazovatora nekuvatsvagira mbatya dzekupfeka apo vati vanoda kuenda kumakuva,” vakadaro Mai Mwaedza.

Vamwewo vakataurwa navo ndokutsinhira nyaya iyi ndevanoti VaClifford Chimusoro (47), VaTinei Takawira (47), VaChristopher Zanga (42) naVaKnowledge Nyamukapa (28).

Chembere iyi inonzi pamasowe payakaendeswa yaitaura mitauro yakasiyana inosanganisira Shona, Ndebele neChewa.

Madzibaba Enock vakati vakashevedzwa kubva kwaHarare kwavanogara pakaitika nyaya iyi.

Kwayedza yakasiya chembere iyi iri pamasowe apa.

 

Share This:

Sponsored Links