Uncategorized

Muroyi akaita tsaona nerusero

04 Aug, 2017 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
YAKAVE batai-batai mubhuku raDambakurimwa, kuMuzarabani nguva pfupi yadarika apo mukadzi anofungidzirwa kuti muroyi akadonhera pamumwe musha apo anonzi aibhururuka nerusero.

Ishe Muzarabani, VaAlfonce Chisu, vanotsinhira nyaya iyi vachiti yakasiya vagari vemudunhu ravo vaine kutya kukuru.

“Mudzimai akadonha murusero anotori pamusangano uno, asi hatingamunongedze nekuti zvinozomutsa nyaya dzerusarura uye mutemo unotirambidza kuita izvi. Asi zvakaitika ndezvekuti mukadzi uyu akadonhera pachivanze chevaridzi ndokubva muridzi wemusha azomhan’ara kudare kwangu achiti ari kutya kuti panogona kuzorwariwa zvichitevera chiitiko ichi,” vanodaro Ishe Muzarabani.

Ishe Muzarabani vakaita hurukuro ino neKwayedza padivi apo vaive pamusangano wekupihwa zvekushandisa kuvanhukadzi panguva yavo yekutevera nesangano reUNFPA.

Vanoti vakazoshevedza mukadzi anonzi akadonha murusero uyu kudare ravo vachimubvunza maringe nezvenyaya iyi.

“Mudzimai uyu patakamubvunza kuti akange achienda kupi ari musvo, akapindura achiti akange asina chinangwa chekudonhera pamusha pemumhan’ari, asi kuti yakangovawo tsaona yakaitika ari mudenga. Akati iye haana kuzvisarudzira kuva muroyi, asi kuti akatotemerwawo nyora dzekuroya neimwe hama yake achiri mudiki uye ari kuedza kuzvipedza asi zvichiramba,” vanodaro Ishe Muzarabani.

Vanoti havana chirango chavakapa kumudzimai uyu asi kuti vakangomuregedza nekuda kwemutemo unorambidza vanhu kunangana huroyi pasina umboo hwakazara. Vamwe vagari venzvimbo iyi — avo vakaramba kudurwa nemazita avo — vanoti musha unonzi wakadonhera muroyi uyu unogona kudaro wakapingwa nemishonga kana kuti miteuro inoita kuti usapindwe nevanobata mishonga yakaipa.

Asi, vamwewo vanoti mukadzi uyu anogona kunge ave kutanga kurwara nepfungwa sezvo vachimuziva semunhu ane njere dzakati kwesere.

Share This:

Sponsored Links