Murray akaipirwa

27 Feb, 2015 - 00:02 0 Views
Murray akaipirwa

Kwayedza

Andy Murray of Britain hits a forehand r
SHASHA yemutambo wetennis, Andy Murray, ava panhamba 3 pashangwiti dzemutambo uyu pasi rose apo akatora chinzvimbo chaiva naRafael Nadal, sezvakabuda muongororo yakaitwa nesangano reAssociation of Tennis Professionals. Chizvarwa chekuScotland, Murray, akambosimukira zvekuita nhamba 1 pashasha dzetennis pasi rose mushure mekudashura kwaakaita Novac Djokovic mugore ra2013 kumakwikwi eWimbledon padanho refainari.

Akambodzokera kumashure zvikuru apo akaita nhamba 12 gore rakapera muna Gunyana zvichitevera kukuvara kwaakaita musana izvo zvakazoita kuti anovhiyiwa.

Murray achange akadzvokorana meso naNovak Djokovic pamwe naRoger Federer.
Federer akakunda Mikhail Youzny svondo rino nezvibodzwa 6-3 6-1.

Shasha yekuBritain, James Ward, achatatsurana naFeliciano Lopez anova nhamba 2 kunyika iyi.
Murray akapedzisira kupinda mumakwikwi apo akakunda Gilles Simon kuRotterdam uye kugwinya kwaakaita mazuva ano kunodakadza zvikuru.

Muchinda uyu akahwinha makwikwi ose eATP apo akaitirwa kuShenzhen, Vienna pamwe neValencia mwaka wakadarika uye akatangana nazvo gore rino apo akapinda mudanho refainari mumakwikwi eAustralian Open.

Nadal akakundwa naFognini kwemakore uye akatadza kupinda mumakwikwi esemi-fainari sezvo akakundwa naFabio Fognini nezvibodzwa 1-6 6-2 7-5 apo aiitirwa kuRio. – BBC Sport

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey