Uncategorized

murume aitamba mwana mudumbu

18 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
murume aitamba mwana mudumbu

Kwayedza

. . . ndokuzofa oita sembudzi

Kingstone Mapupu —
MURUME wepamugodhi weSutton uri kwaMupondaminga, kuMutorashanga, anonzi akafa achifamba nemagokora nemabvu sezvinoita mbudzi uye azvimba dumbu sezvinonzi munhukadzi ane mimba.

Vamwe vanoti murume uyu aitamba mwana mudumbu make. Amos Bizeki (51) — uyo aiva mupurisa wemumusha – akashaika svondo rakapera.

Mai Fungai Sakhala (48), avo vanova mudzimai waBizeki, vanoti murume wavo akangofa asina kurwara.

FUNGAI SAKALA

“Taiva tatorara, vadzoka kubva kumisha iri pedyo apo vakamuka vachichema vachiti, ‘Ndafa kani, nhasi vazondigona!’ Vakakambaira kubva muimba yedu yekurara apo takamutsa vana. Vaikambaira nemagokora tikazovatora kuvaisa muimba yekubikira umo vakanorutsa furo reyellow nebhinzi zvisinei kuti vakanga vasina kudya bhinzi musi uyu,” vanodaro.

Mushakabvu anonzi akazotanga kurutsa ropa apo akazoendeswa kukiriniki yekumugodhi weSutton, uko vanoti vakasvikonzi hura hwake hwaiva hwamonana.

“Tasvika navo ikoko, vakasvikodarikidzwa kuchipatara cheBanket asi vakasvikopfuudzirwa kuchipatara cheHarare (Central Hospital) uko vakanoita masvondo variko kusvikira vafa,” vanodaro Mai Sakhala. Vanoti dumbu remurume wavo raiva rakura kuita seremudzimai ane pamuviri pava kuda kusunungukwa.

“Kubvira kukiriniki nekuzvipatara zviviri izvi, murume wangu ainzi hura hwake hwaiva hwamonana vachiti chirwere chinonzi hernia. Machiremba ekuchipatara cheGomo (Harare Central Hospital) vakazovavhiya apo vakaburitsa chinhu chatisina kuziva,” vanodaro Mai Sakhala.

Mai Monica Kembo (61) — avo vanova hanzvadzi yemushakabvu — vanoti vakazongofonerwa vachinzi Bizeki arwara nechirwere chisinganzwisisike.

MONICA KEMBO

“Hanzvadzi yangu yaiva yakavengwa zvikuru muno nekuda kwekusunga kwaaiita vanhu vaipara mhosva. Anonzi musi uyu haana kumbonwa doro, akangodzoka pamba ndokusvikorara apo akamuka achiti akanga auraiwa. Anonzi aifamba nemagokora achikambaira ndokuzotanga kurutsa,” vanodaro.

Chipo Kembo (40) anove imwe hanzvadzi yaBizeki anotiwo: “Mashoko ekuti hanzvadzi yangu yakaroyiwa akazara muno. Vamwe vanoti aitamba mwana mudumbu nezvimwewo zvakangowanda.”

Amai vaBizeki – Mbuya Magarate Munonyara (77) – vanoti vari kurwadziwa zvikuru nefiro yemwana wavo.

MARGRET MUNONYARA

“Nyaya yekuti mwana wangu aisadiwa muno ndakainzwa, nekuda kwechipurisa chake chemumusha. Ndakasvika kuno ndichibva kuChalala, kuKariba kwandinogara ndikawana mutumbi wemwana wangu wavigwa,” vanodaro.

Mwana mukuru pavana vasere vemushakabvu, Junior Bizeki (32), anoti kufa kwababa vavo kwasiya vende guru sezvo pasina achakwanisa kuriritira mhuri sezvavaiita.

“Mwana wekugumisira mumba medu ane makore 6 okuberekwa, apa basa raiitwa nababa harina penjeni. Hanzvadzi dzangu shanu hadzishande saka tinotodawo kubatsirwa,” anodaro.

Paul Wilson (42), uyo anova mukuwasha wemhuri iyi, anoti tezvara vake vakazofa vazvimba dumbu zvakanyanyisa.

“Baba vakanga vazvimba dumbu kuita semudzimai akazvitakura. Mashoko ekuti vakaroyiwa azere munzvimbo ino, chatava kuda semhuri yasiiwa rubatsiro,” anodaro.

Mutumbi waBizeki wakaradzikwa kwakare kuSutton.

Kune vanoda kubatsira mhuri iyi vanokwanisa kuridza nhare dzinoti 0773 654 034, 0774 950 564 kana 0784 388 074.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey