Murume nemukadzi zvimbokoma padare

23 Jun, 2017 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu —
YAKAVE bata murefu bata mupfupi padare reHarare Civil Court svondo rapera apo murume nemudzimai wake vakarwa mushure mekutongwa kwenyaya yavo yemendenenzi.

Esther Gwatidzo aiva amhan’arira Brian Mahachi kuHarare Civil Court achida $200 pamwedzi yekuchengeta mwana wavo. Mahachi haana kufadzwa nekuunzwa kwaakaitwa kudare nemukadzi wake zvikaita kuti vapopotedzane ndokuzorwa vachangobuda mudare apo nyaya yavo yainge yabva mukutongwa.

Pakumira kwavakaita mudare, Gwatidzo akati Mahachi haasi kuchengeta mwana wavo.

“Ndinoda kuti murume uyu andibatsire kuchengeta mwana nemari inoita $200 nekuti ndiri ndoga handikwanise, mwana akura ava kuda kuenda kuchikoro,” anodaro Gwatidzo.

Anoenderera mberi achiti Mahachi anoikwanisa kubvisa mari iyi nekuti kubasa kwake anotambira $600 pamwedzi.

“Mari iyi anoikwanisa nekuti anowana $600 saka yandiri kuda haimutadzise kuita zvaanodawo muupenyu hwake,” anodaro.

Mahachi anoti anokwanisa kubvisa $30 pamwedzi, obhadhara mari yechikoro nekutenga mayunifomu emwana.

“Ndinokwanisa $30 pamwedzi, ndobhadhara chikoro nekutenga maunifomu paanenge achidiwa,” anodaro Mahachi.

Mutongi Amanda Muridzo akati Mahachi abvise $50 pamwedzi, obhadhara mari yechikoro nekutenga mayunifomu.

Pakapera kutongwa nyaya iyi, vaviri ava vave kunze kwedare, Mahachi akabva atanga kupopotera Gwatidzo ndokubva vatanga kurwisana.

“Unofarisa! Ungandiunze kudare kuti ndinyadziswe nekudzikisirwa chimiro changu? Manje nhasi ndinotokurova chete,” akadaro Mahachi achirova Gwatidzo.

Gwatidzo akapindurawo achidzosera nezvibhakera.

“Wakajaidzwa, wanga uchida kuchengeterwa nani mwana wako? Ndizvo zvaunoda, manje ukandirova ndokudzosera. Handikutye ini,” akadaro Gwatidzo.

Vaviri ava vakazorandutsirwa zvimbokoma nemapurisa ndokubva vakandwa muchitokisi chiri padare iri.

Share This:

Sponsored Links