‘murume wangu anosanduka kuita zinyoka’

24 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
‘murume wangu  anosanduka kuita zinyoka’

Kwayedza

‘. . . tiri pamubhedha’

Kingstone Mapupu —
KWASEKE kune mudzimai ari kuti murume wake anopota achimbosanduka kuita zinyoka dema-dema zvimwe chetezvo netsvimbo yake yekumasowe, ukuwo mbiya yevhu ichipinduka kuita mazidzetse anozara muimba yavo yekurara.

Izvi zvinoitika kana dai vaviri ava varere pamubhedha – zvichiguma zvavakanganisa kudanana.

Venus Evas Mandizvidza (34) anoti murume wake — Stanley Tigere (32) — ndiye anoita mashura aya, izvo zviri kushaisa mhuri yavo rugare.

Nyaya iyi yakatosvitswa kwaMambo Seke nechinangwa chekuti mhuri igere mubhuku raManyenga iyi ibatsirwe. Mambo Seke – VaStanley Chimanikire – vanotsinhira vachiti vanotarisira kuti nyaya iyi ichapinda mudare ravo munguva pfupi iri kutevera.

Kuratidza kuti nyaya iyi yakonzera nyonga-nyoka mumhuri, Mandizvidza anoti akatombogarwa matunduru natezvara vake apo aibvunzisisa nezvayo. Mandizvidza anoti ari kunetsekana zvikuru nezvinoita murume wake – zvekusanduka achimboita zinyoka nekungoona mazidzetse nedzimwe mhando dzematatya azara kuti kabu muimba yavanorara.

“Pamusha pano ndiri kugarira chivindi chaicho. Ndinotanga kuona murume wangu achipinduka kuita nyoka hombe nhema-nhema inozongotsakatika. Nyoka iyi ndinoiona kunyanya mumba, kana panze,” anodaro mukadzi uyu.

Tigere anotsinhira kuti mumba make hamuna rugare nemudzimai wake nekuda kwenyaya iyi. Mandizvidza anoti murume wake akauya netsvimbo yaakapihwa kuchechi kwake, iyo inopinduka kuita nyoka, mbiya ichisanduka kuita mazitatya makuru nemadiki.

“Tsvimbo yababa inopindukawo kuita nyoka huru nhema, iyo inozongoshaika ini ndichisara ndichikwata nekutya. Ndinotanga kuona setsvimbo inofamba, wozoona yava nyoka hombe apo tsvimbo panenge pasisina.

“Mushure mechinguvana, nyoka iya ukaishaya tsvimbo iya unoiona yavapo. Zvimwe chete nembiya yavo, inoita sekunge yapwanyika kana kuputika pobva pabuda mazidatya mahombe matatu netumwe tumatatya tudiki.

“Matatya aya paanenge aripo kudaro, unozoona mbiya iya youmbika pakare, yogadzikwa panzvimbo yayo nemunhu wausingaone,” anodaro Mandizvidza uyo anoti haapinde chechi imwe cheteyo nemurume wake.

Pamusoro peizvi, Mandizvidza anoti muimba yavo yekurara hamuna chakanaka, sezvo muchinzwikwa vanhu vanenge vachitaura asi vasingadudze mashoko avo uye vanonzwa sevanenge vachicheka masimbi kana mapuranga nemahack saw asi vasingaoneke.

“Mashura enyoka, matatya nevanhu vanotaura nekuveza zvinoitika mubhedhuru medu umo munowanzogara tsvimbo nembiya zvekuchechi kunopinda murume wangu kuChitungwiza parimwe sowe reJohane Masowe yeChishanu.”

Mudzimai uyu anoti izvi zvinogona kuitika ari oga, aine vana kana kuti murume wake aripo. Tigere anoshanda semurindi (gadhi) uye nduva shinji anopinda basa manheru.

“Ndikada kubvunza nyaya iyi zvakanyanya, murume wangu anoguma oita hasha ondirova. Ndakatosvika pakurwiswa natezvara vangu vakandigara matunduru nekuda kwenyaya idzi ndikazonunurwa navamwene vangu,” anodaro.

Mandizvidza anoti akambotiza nevana vake pamusha apa ndokuenda kuvabereki vake kuChegutu uko vakanogara kwemwedzi miviri. Anotizve zvakamushamisa apo aive kumusha kwake uku akatanga kuona zvakare nyoka nematatya zvavatevera.

“Ndakatiza nyaya idzi, dzeSatanism, pano ndikaenda kumusha kwangu. Asi nyoka nematatya zvaitevera, vana vakanorwara vose kudzimara vabereki vakanditi dzokera nemhuri yevaridzi.

“Murume wangu akasvikonditi, ‘Wakandiona here kumusha kwako, kuti ndaikushanyira ndiri nyoka nematatya?’ Akati, ‘Ndaiuya zvangu ndichizokuona nevana, ko kwaiva kukuchengetaika’.”

Mudzimai uyu anoti kuburikidza nematambudziko aya, akazoenda kune imwe chechi uko ari kushandirwa.

“Kuchechi uku zvakabudawo kuti tsvimbo yemurume wangu inosanduka kuita nyoka uyewo kuti mbiya inopinduka kuita madzetse. Zvose izvi zvinonzi zvinondiyamwa ropa, onai kuonda kwandakaita,” anodaro Mandizvidza achipisa tsitsi.

Tigere anoti anogara achinetsana nemudzimai wake nekuda kwenyaya iyi.

“Nemudzimai wangu tinogara tichishupana, anonditi ndiri muroyi uye muSatanist izvo anowana kuchechi kwaanoenda. Ini ndinopinda yangu iye achienda kwake, dzose iJohane Masowe Chishanu.

“Zvekuti tsvimbo nembiya yangu zvinopinduka kuita nyoka nematatya anozvitaura achiti anonyatsoona nyoka. Tsvimbo nembiya ndinazvo izvo zvandakapihwa nemuporofita wangu wekumasowe kuChitungwiza,” anodaro Tigere.

Anoenderera mberi achiti: “Izvozvi zvose hazvipo, ndakazvisiya kumasowe. Kana zvichipinduka zvinoonekwa naiye asi ini hapana zvandinoziva.

“Ndinoda kuti tiende kuchechi imwe chete kwete zvekusiyana. Pane zvakawanda zvinotaurwa pamusoro pangu, ndinonzi ndinoda kuuraya vana vangu senzira yekuchekeresa kuti nditenga motokari. Zvose izvi zvinobva kuchechi kwavo uko ini ndakanzwa kuti mudzimai wangu anodanana nemuporofita weko zvakambotipa kurwisana, onai door frame rakadhirika tichirwa.”

Tigere anotsinhira zvakare kuti pakambotiza mukadzi wake achienda kumusha kwevabereki vake, akazomuudza kuti aimushanyira ari nyoka nematatya.

“Zvekuti ndakamushanyira kumusha kwake ndiri nyoka ndakazvitaura, aingova matukano ayo nekusvotesana. Handina chandinoziva nezvenyoka kana matatya anorehwa aya. Handisi nyoka ini, ndiri munhu,” anodaro.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura natezvara vaMandizvidza – VaJonathan Munjayi – kuti vapewo divi ravo zvichitevera mashoko emuroora wavo ekuti vakambomurwisa nekuda kwenyaya iyi sezvo pakashanyirwa dunhu iri vakawanikwa vafamba rwendo.

Share This:

Sponsored Links