Uncategorized

Murume wekuzvipfigira mumba: ‘Kuromba uko’

20 Nov, 2015 - 00:11 0 Views
Murume wekuzvipfigira mumba: ‘Kuromba uko’ Sekuru John Chare

Kwayedza

NYANZVI mune zvechivanhu dzinoti harahwa yekupurazi reBell-Inn, kuNyabira padyo neHarare, yekubuda muKwayedza svondo rapera ichinzi yakagumisira kubuda mumba mainogara yakazvivharira makore 31 adarika — muna 1984 — ine dambudziko guru rinotoda kugadziriswa sezvi izvi zviine chekuita nechivanhu kana kuroyiwa.

Sekuru John Chare, avo vanova chizvarwa chekuMalawi, vasvitsa makore 31 vakazvivharira mumba umo mavanodyira zvose nekuitira tsvina.

Vanonzi vakatanga kugara vakazvivharira mumba umu makore mashoma apo mudzimai wavo akanga achangoshaika.

Sekuru Chare, avo vanonzi havazi murwere wepfungwa, vanogara papurazi rimwe chete nemwanasikana wavo uyo anovapa zvekudya nekubvisa tsvina yavanenge vaitira mumba mavanogara vakazvipfigira.

Zvichitevera kubuda kwenyaya iyi, vaverengi vakataura zvavanofunga pamusoro pemurume uyu.

Sekuru Elisha Mutanga (60) vekuUshewokunze, muHarare, vanoti murume uyu ane mweya werima wakasimba uyo unoda kudzikinurwa paari.

“Mweya uri pamunhu uyu uri paviri, panyama nepamweya. Unoda kuti afe pasina amuona zvinoratidza kuti vanogona kunge vakabata-bata pakurarama kwavo. Zvave kuvapfukira, vakanganisa mhiko dzavakanga vapihwa,” vanodaro Sekuru Mutanga.

Vanoti kune mimwe mishonga inoti ikakanganiswa mhiko dzacho inogona kukonzera dambudziko serakatarisana neharahwa iyi.

“Mwanasikana uyu anopota achinobvisa tsvina yababa vake hazvibvumidzwe pachivanhu. Anogona kupihwa munyama kana kuti anoshandiswawo nababa vake, ndokunge vakaromba sekufungira kwedu.

“Dzimwe hama dzababa ava dzisingade kuvaona dzinoziva zvakaitwa nehama yavo nekuti hakuna munhu angarambwe nehama dzake pasina chiripo,” vanodaro.

Sekuru Mutanga vanoti mishonga yakadai haina kunaka nekuti pakufa kwevanhu vakadaro inosara yave kunetsa vapenyu zvinozoita kuti igume yave ngozi.

“Imwe mari ngatiregei kuitambira nekuti ini sen’anga ndakambonzi nemumwe murume ndimuuraire imwe hama yake achiti aida kundibhadhara nemba yaiva nemakamuri 22 kuGunhill, muHarare. Asi ndakaramba murume uyu akandituka zvikuru,” vanodaro.

Mashoko ava akatsinhirwa naSekuru Bonface Katerere vekuUzumba vachiti harahwa iyi inofanirwa kunge yakaromba.

“Murume uyu ane zvaakaita. Kunyangwe tikati akaremara, pane zvirema zvingani zvinobuda mudzimba zvichiburitswa nehama?

‘‘Zvino vakuru ava kana vachiramba kuburitswa kureva kuti vane mhiko dzavo,” vanodaro Sekuru Katerere.

Mbuya Marita Ried vekuChitungwiza vanotiwo murume uyu anoda kubatsirwa.

“Zvinoda kutariswa pamweya kuti dambudziko rake rekuhwanda mumba nderei, ozobatsirwa,” vanodaro.

Chamangwiza wechipatara cheChitungwiza Central Hospital, Dr Obediah Moyo, vanotiwo murume uyu anoda kubatsirwa kuzvipatara.

“Murume uyu ngaabatsirwe nekuti kugara kwake akazvivharira mumba kune zvakawanda zvakanganisika mumuviri wake, kusanganisirawo maziso uyewo pfungwa dzake dzinoda kuongororwa,” vanodaro Dr Moyo.

Mai Priscilla Gavi vanova chamangwiza wesangano rinorwira kodzero dzevakwegura, reHelpAge Zimbabwe, vanoti vachaongorora nyaya iyi voona kuti harahwa iyi ingabatsirwe sei.

Share This:

Sponsored Links