Murume wenyoka akanwa mushonga

12 Feb, 2016 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Lovemore Lewis akabata nyoka yemhungu iyo aitengesa nguva yadarika.

Lovemore Lewis akabata nyoka yemhungu iyo aitengesa nguva yadarika.

MURUME wekwaChihota wekuti anochera nyoka achitengesera maporofita, n’anga nevamwewo vanhu – uyo wekupotsa mupurisa aida kumusunga nepfumo svondo rapera – anonzi akazopotsa asiya nyemba mushure mekunwa muchetura ave kutya kufumuka kwemabasa ake.

Lovemore Lewis (40) wemubhuku raUkama svondo rapera akatiza mapurisa mushure mekunge apotsa mumwe wavo nepfumo apo vaiferefeta nyaya yake yekugara nenyoka.

Mutauriri wedare raMambo Chihota, VaEdson Chigodora (40), vanoti vakatumirwa mashoko ekuti murume uyu aiva anwa muchetura apo vakazoendako vakanomuwana achizvonyongoka senyoka nekurwadziwa nemudumbu.

“Ndakaridzirwa nhare navadzimai vacho, Diana Musanhi, vachiti aiva anwa muchetura uya watinoti mupfanawembudzi kana kuti mhandwe. Uyu mushonga unouraya asi akararama zvake,” vanodaro.

Vanoti vakazonzwa kuti Lewis akazotsvaga vanhu vekutengesera mombe dzake mbiri dzaakawana nemari yenyoka achibva atiza.

“Murume uyu anonzi nguva yose iyi ange ari pamba pake nemudzimai wake, pashure ndokuzotengesa mombe achibva “arova pasi” achienda kusiri kuzivikanwa.

Lewis, uyo anozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Chekamwana, ari kudiwa kudare raMambo Chihota neimwe nyaya yaakamhan’arirwa natezvara vake.

Mutauriri wemapurisa kuMashonaland East, Inspector Nobert Muzondo, vanoti nyaya yaLewis ichiri kuferefetwa uye murume uyu haasati abatwa.

Lewis anonzi anochera nyoka achitengesera maporofita nen’anga avo vazhinji vacho vanozivikanwa nekuti vanatsikamutanda.

Vanatsikamutanda ava vanoshandisa nyoka idzi kunyepera kunge vadzibvisa mumisha yavanenge vachishandira senzira yekuti vawane mari kana imwe pfuma.

Lewis svondo rapera akaudza Kwayedza kuti akatobvisa imwe mari yeroora kwatezvara vake mushure mekunge atengesa nyoka.

 

Share This:

Sponsored Links