Musadherere Sungura: Kumene

16 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Musadherere  Sungura: Kumene

Kwayedza

MUIMBI wesungura, Lucky Kumene, anoti  musambo uyu ndiwo ucharamba uri pamusoro pemimwe yose nekuti vaimbi vacho vari kutsikisa mhanzi inodakadza zvikuru.Achitaura achangopedza kuparura dambarefu rake rechipiri rinonzi Vape Moyo, Kumene – uyo anotsigirwa nechikwata chePower Express – anoti dambarefu rake iri akaribura sechipo cheKisimusi kune vatsigiri vake.

“Vatsigiri vesungura tazovagadzirira mutakunanzva manje gore rino paKisimusi nekuti dambarefu randakavabikira iri ndinotarisira kuti richavanakidza zvikuru.

“Sungura ndiwo musambo wemafaro muno uye ucharamba uri mudariro kuti vatsigiri vedu vagare vachinakirwa nemafaro nguva dzose,” anodaro.

Kumene anonyanya kuzivikanwa nekambo kake kakambonetsa zvikuru kanonzi Tomutsa Dhewa Here? ako akaimbira mushakabvu Tongai Moyo kari padambarefu rake rekutanga — Porongi.

Muchinda uyu anoti parizvino ari  kumhanya-mhanya kuronga mashoo ekushambadza dambarefu rake idzva iri pamwe nekugadzirira DVD renziyo dzacho.

Share This:

Sponsored Links