MAONERO EDU: Musaite chikafu chekupfachura

19 Jan, 2018 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Vakuru vane chirevo chinoti shiri yakangwara inovaka dendere rayo nguva ichiripo icho chinoburitsa pachena kukosha kwegadziriro yeramangwana. Kutora matanho ekugadzirira ringave dambudziko kana njodzi inogona kuwira munhu kwakanakira pakuti pazvinozoitika, hazvishamise uye upenyu hauzokanganisika seapo zvinhu zvinongoerekana zvaitika munhu asingatarisire uye asina kugadzirira.

Semuenzaniso, mwaka uno weZhizha mvura haisati yanyatsonaya zvinogutsa varimi. Izvi zvinoreva kuti nyika inogona kuita nzara kana maguta, ndokunge mvura ikazonaya zvakanaka pamberi apa.

Kune mamwe matunhu zvakare vamwe varimi vanonzi havasati vadyara mbesa. Zvimwe zvirimwa zvakadyarwa apo mvura yakaturuka pakutanga kwemwaka zvakaita sechibage zvakatarisana nedambudziko rekushaya hunyoro. Kune dzimwewo nzvimbo dzenyika, mvura inonzi yakapedzisira kunaya paKirisimasi gore rapera. Mamiriro ezvinhu aya anoita kuti varimi vakawanda vaomerwe, zvikuru vaye vasina madiridziro.

Bazi rinoona nezvemamiriro ekunze, reMeteorological Services Department, rinoti mvura inotarisirwa kunaya kumatunhu akawanda enyika munguva iri kutevera izvo zvinogona kupa varimi tariro.

Asi chokwadi ndechekuti pari zvino varimi vakabatira hana mumawoko nekuti chibage nezvimwe zvirimwa zvave kusvava mashizha nekushaya mvura. Chiri kunyanyoshungurudza ndechekuti pane nguva yekuti kunze kunoita kunge mvura yave kuda kunaya, zvopa varimi tariro asi makore ozongoparara isati yanyatsonaya. Izvi zviri kuitika kumatunhu akawanda enyika, zvichiita kuti vamwe vatange kutaura kuti mwaka uno Zimbabwe inogona kutarisana nenzara.

Semaonero edu, sezvo pari zvino zvisati zvanyatsojeka kuti mwaka uchafamba sei maringe nemanairo emvura, zvakakosha kuti varimi vagare vakagadzirira nekuona kuti havatsvaire matura avo kusara vasisina chokudya. Izvi zvinoreva kuti murimi akangwara anofanotora matanho ekuona kuti mhuri yake ichange iine kudya kwakakwana kana mwaka ukazoenda nepamwe, mvura yatadza kunaya.

Chinofadza ndechekuti mwaka wadarika varimi vakawanda vakakohwa zvikuru zvichitevera rubatsiro rweHurumende pasi pechirongwa cheCommand Agriculture apo vakapihwa zvekushandisa zvinosanganisira mbeu, mafetireza, mishonga nezvekurimisa muminda. Kunyangwe mwaka uno zvakare, Hurumende iri kupa varimi zvekushandisa muminda rinova danho rinokudzwa zvikuru.

Matura eGrain Marketing Board akazara nechibage nyika yose zvichitevera goho rakakura remwaka wadarika zvinove zvinofadza zvikuru. Zvakadai, zvakakosha kuti madiridziro avandudzwe pamwe nekusimudzirwa nekuti anobatsira panguva iyo nyika inosangana nedambudziko rekusanaya kwemvura zvakanaka.

Madiridziro akakosha zvikuru nekuti anoita kuti varimi vakwanise kushanda munguva yose yegore, zvichiita kuti munyika muve nemaguta. Zimbabwe inozivikanwa kubva kare nemukurumbira wekuve dura rezvekudya mudunhu reSadc uye hapana chikonzero chinotitadzisa kudzokera pachidanho ichi kana takatarisa goho rakawanikwa mwaka wadarika.

Asi pari zvino, murimi akangwara ari kuchengetedza zvaanazvo mudura kugadzirira ramangwana remhuri yake. Kana uchitengesa, usabva watsvaira dura asi kuti siya zvinokwanirana nemhuri yako!

Share This:

Sponsored Links