‘Musaite Dzungu’

14 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
‘Musaite Dzungu’ Tobias Kusano akabata CD remutambo wavo mutsva unonzi Dzungu

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
CHIKWATA cheMhondoro Arts Group chakabura mutambo mutsva wedhirama unonzi “Dzungu” uyo une dzidziso yekukosha kwakaita kudzikama, kugara murunyararo pamwe nekuremekedzana mukurarama kwevanhu. Mukuru wechikwata ichi, Tobias ‘Sigauke’ Kusano (30) anoti mutambo uyu vakauitira kwaRusape.

“Dhirama iri takariitira paVhengere Township kwaRusape. Mumutambo uyu tinodzidza nezvavamwe ambuya vaive nedzungu vanove vakashanyira mukuwasha wavo vachinoreva pfuma. Mukwasha uyu akange akabvisa tsvakiraikuno yeUS$20 saka mushure mekufonerwa nemukwasha kuti akange ari kuzouya kuzoroora, ambuya vakabva vasimuka vega vachienda kuti vanotora pfuma kumukwasha uyo aigara mukamuri imwe chete yemba. Ndipo patakabura nhanganyaya yedu yekuti ‘Dzungu,’ anodaro.

Kusano anoti mumutambo uyu mune vanhu vakati wandei vane dzungu.

“Tine zvakare mumwe murume aiita zveshamwarikadzi asi iye akaroora zvekuti pamwe pacho aitoonekwa achibudisa ma”girl-friends” nepahwindo kana achinge asvikirwa nemudzimai wake. Saka rimwe zuva babamudiki vake vakazviona vachibva vataurira maiguru kuti vanyepere kuita rwendo asi vachibva vadzoka kuti vakwanise kubatikidza murume wavo neshamwarikadzi. Saka dzungu revakadzi rakazopera munhu abatikidzwa uye murume uyu akazourayiwa neshamwarikadzi yake,” anodaro.

Anoti mudhirama iri chinangwa chavo kufundisa veruzhinji kuti vagare murunyararo vachiremekedzana nekuti “dzungu harina chimuko”.

Zvakadaro, mimwe mitambo yakaburwa kare nechikwata ichi inosanganisira inoti Disaster PaMurambinda, Mashura MaRusape naDherira.

“Kwatiri vaburi vemitambo tinoonawo shanduko muhupenyu hwedu nekuti zvinotiwanisa mari uye mukatarisa vamwe vedu vakatotengawo motokari, dzimba pamwe nekukwanisa kuriritira mhuri vana vachienda kuchikoro. Mari yacho inogona hayo kuve shoma asi kana ukaiunganidza uchiita pashoma-pashoma unobura zvikuru,” anodaro.

Zvisinei, akachema-chemawo nekuda kwekutengeswa kuri kuitwa mabasa avo pamisika yemikoto achiti izvi zvinokanganisa budiriro yavo.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>