Uncategorized

Musangano wevaroyi . . . Vaitamba bhora nemisoro yevanhu

24 Jul, 2015 - 00:07 0 Views
Musangano wevaroyi . . . Vaitamba bhora nemisoro yevanhu VAPETER Masenda

Kwayedza

MURUME wepapurazi reMutute riri kuCentenary, akapata musha wake kwemazuva uye anoti ashaya rugare zvichitevera kuona kwaakaita gurumwandira kana kuti chikwata chevaroyi vanonzi vaiita musangano pamusha pake.

Varoyi ava vanonzi vakapedza mazuva maviri vakazara pamusha pake apo vairatidzira “hunyanzvi” hwakasiyana – sekutamba nhabvu vachibhutsura misoro yevanhu yaikunguruka semabhora nekuvaraidzwa nemazinyoka – vari musvo.

Murimi VaPeter Henry Masenda (64), avo vanogara muimba yaiva yemuRungu papurazi reMutute vanoti mashura aya akaitika masvondo maviri akadarika.

Kwayedza svondo rapera yakanosvika panzvimbo iyi kuti inzwe nezvenyaya yezezesa mudunhu reMuzarabani iyi.

“Zvandakaona zvakaoma, kukura kwose handina kumbosangana nezvakadaro. Ndakaenda kuhondo ndikabata pfuti nekufamba mumasango aiyera asi izvi zvitsva.

“Pano pakaungana varoyi kwemazuva maviri apo vadzimai vangu vainge vanotengesa fodya yedu kuHarare,” vakadaro VaMasenda.

Vanoti varoyi ava vaisanganisira vechirume, vechikadzi netwana tudiki – tukomana netusikana – utwo tumwe twacho twaiva nemazamu makuru asi twakabereka vana.

“Musi wakatanga mashura aya ndaiva ndoga pamba, kuma5 zuva rodoka. Ndaiva ndigere pasofa mumba apo ndakadongorera panze ndokuona muti wemuuyu wakakombwa nezvivanhu. Paive nemazigadzi marefu aiva akatsiga magate, vose vanyerere. Pandakabuda, ndakazongoona vanhu vaya vasisipo.”

VaMasenda, avo vanoratidza kuti dzavo dzakanyatsoti kwesere, vanoti vari kunze ikoko, vakazoonawo murume nemukadzi vaiva kudanga ravo avo vakazonyangarika zvakare.

“Ndakadzoka mumba vakadzi vaye ndokuvaona zvakare vadzoka pachivanze ndikavabvunza kuti sei vaingosvika pamba pangu vasina kutaura asi havana kupindura. Ndakazofunga kuti sezvo panext door paiva nemwana mutsva mukomana, vanhu ava vaiita mutambo wekupemberera mwana serudzi rwavo seMachawa,” vakadaro.

Vanoti vanhu ava vakazouya vakawanda vachisanganisira nevaiva vakapfeka nhumbi dzezvigure, vakaisa mashizha kumeso.

“Ndakamhanya kunozivisa muvakidzani VaMabharani, asi ndakaona zvivanhu izvi nezvigure zvichinditevera. Ndakadzoka navo kumba ini ndichiona zvinhu izvi asi vamwe vachiti vaisazviona.

“Takapinda mumba ndikawana zvino mazara, vakadzi nevarume nevana vagere mumasofa nemudzimwe dzimba dzose. Kuvabvunza kuti vaidei, vaingotaura nemasaini nemazwi akashoshoma.”

Vamwe vevanhu vavaiona vanoti yaingova misoro chete vasina mitumbi, vamwe vacho vasina makumbo vachiti vaiburitsa nyoka kune vamwe vaiva vakagara kuseri kwemasofa.

“Ndakashevedzwa nechimusoro chaisava nemutumbi nemasaini, icho chaiva chigere pasofa chichitsenga mushonga mutsvuku. Vamwe vaivapo vaitora nyoka vachiisa mumabhodhoro aiva nemishonga michena.

“Vapedza kudaro, nyoka idzi dzaiiswa kunhengo dzesikarudzi dzevakadzi dzichipinza misoro yadzo dzichiburitswa dzave neropa dzoiswa parukukwe. Imba yangu yaiva yakakomberedzwa nemumahwindo,” vanodaro VaMasenda.

Vanoti pane chimusoro chaisava nemutumbi chakazotaura zvinyoro-nyoro kuti vaida kuita basa ravo pamba pavo.

“Ipapa ndakanzwa mumwe achiti, “Unoti pamba pako pachii? Ndepedu tose, tinofanirwa kupagara tose’. Ndakazovati vaidei kuti ndivabhadhare vakati vaida huku, izvo chimusoro chaisava nemutumbi chakagutsurira. Ndakabata huku ndikaitambidza kukakomana kechidiki ako kakaiisa pasi.”

VaMasenda vakavedzera vachiti pavakanobata huku kuchikwere, vamwe vevanhu vavainge vachimboona vari panze pemba vakabva vatsakatika.

Vanoti manenji aya akaenderera mberi kusvikira mukomana wavo webasa nemuzukuru wavo vakauya vakawana vachingonetsana nevaroyi ava, asi ndivo vaivaona bedzi.

Vanoti vakadzi vaitamba nenyoka vakazoguma vave kusunganidza mazambia avo vachiti vaida kuiswa nyoka kusikarudzi semhiko.

Murume uyu anoti akazotiza muimba yekutandarira maiva muzere varoyi ndokunozvipfigira muimba yekurara.

Vakasvikowana zvinhu izvi zviriko, zvimwe zviri muwadhiropu, uye piro yavanotsamira yakasanduka kuita chiso chemunhukadzi.

“Ndakabvunza kuti vaidei mumba mangu asi hapana akadaira.”

Vakaenderera mberi: “Ndakadzokera zvakare kumba kwaVaMabharani kunovazivisa vakauya neni vachiti hapana chavaiona. Panguva yose iyi, kwaiva netusikana tuviri – kamwe kainge kakagara pagaba remaruva nekamwe kari pakombiyuta – utwo twainetsa zvikuru nekundinongedzera.”

Chimusoro chaisava nemuviri, vanodaro VaMasenda, chakazochinja sofa rekugara chaita zvekudauka. Vanoti panguva iyi vamwe varoyi vaitamba nhabvu vachibhutsura nemakumbo misoro yevanhu vamwe vachigama.

VaMasenda vanoti ivo nevamwe vavaiva navo, vanosanganisira muzukuru wavo Tatenda Simon, vakazomwaya sauti mudzimba dzose nekunze senzira yekudzinga zvinhu izvi. Usiku hwekutanga vanoti vakatiza pamba pavo vachisiya terevhizheni yakabatira ndokuenda kukomboni vakanorara kumba kwaTatenda, uko vakateverwa nezvinhu izvi.

Vakaenderera mberi vachiona varoyi ava apo vaingonamata nemucherechedzo weRosary sezvo vachipinda chechi yeRoman Catholic.

“Ndainzwa vachitaura mumba mataiva nekunze vachiti mukomana wekwaMasenda anogara kupi? Vakasvika pahwindo ndokutanga kutamba zvinonyadzisira kusvikira kuma4 dzekunze kwoyedza. Ini ndainge ndakangosvinura,” vakadaro.

Panguva iyi, vanoti vakamuka vachidzokera kumba kwavo uko vakaona kuine motokari dzakawanda dzakazara chivanze vakafunga kuti mapurisa aiva auya kuzovabatsira.

“Tichifamba nevakomana vandaiva navo ndakakwaziswa nemamwe madzimai maviri vakati ndivo vaiva kumba kwangu,” vakadaro.

VaMasenda vakati chakavashamisa ndechekuti pavakasvika kumba kwavo vakasvikoshaya motokari dzavainge vaona vari kure.

Asi vakazoona kudanga kwavo kuine vanhu vakawanda vaiita sevaitarisa mombe apo paiva nemukadzi wechichena wavanoti aitandanisa vana vembongoro vatatu.

“Ndava pamba ndakazoona madzimai maviri vaidzura miti yemupalm vachiitsiga ndokuzoenda mumba ndikawana mava nechembere dzaiva dzizere mumasofa.

Vanoti pane imwe nguva vakaridzirwa tsamwa dzairira setyava kana kuti chamboko.

Dambudziko iri rakaenderera mberi apo vakazopwanya tebhuru nezvimwe zvinhu mumba pavaivhika mumwe muroyi aida kuvabaya nebanga. VaMasenda vanoti muroyi uyu akazotyora tsvimbo yavanofamba nayo nekupwanya magirazi ekunwira mvura.

Mudzimai wavo, Mai Lisneth Masenda (59), vakazouya usiku hwezuva rechipiri vakasvikowana masaramusi aya achingoitika.

Mai Masenda vanoti vakawana mumba zvinhu zvakapidigurwa pamwe chete nemasofa makazara sauti pasi.

“Pandakasvika vakanditi pane vanhu vaivatevera avo ini ndaisaona vachiti musha waiva uzere varoyi. Ndakanamata nekupisa ‘incense’ yekuchechi apo vakatanga kutaura kuti vanhu vaye vakanga votiza,” vakadaro Mai Masenda.

VaMasenda vanonzi havana dambudziko rekurasika pfungwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey