Musanwe mishonga yose-yose: Nac

12 May, 2017 - 00:05 0 Views
Musanwe mishonga yose-yose: Nac

Kwayedza

Tadiwa Nyatanga-Pfupa —
SANGANO reNational AIDS Council (NAC) riri kugara richitambira mashoko ekuti kune mapiritsi nemishonga yemakwenzi (yechivanhu) zviri kutengeswa zvichinzi zvinorapa HIV neAIDS kana kusimbisa muviri.

Mimwe yemishonga iyi iri kupinzwa muZimbabwe kubva kune dzimwe nyika zvisiri pamutemo uye mimwe yacho iri kugadzirwa munyika muno.

Mishonga iyi nemapiritsi aya hazvina kuongororwa nenyanzvi dzezveutano kuti ionekwe kuti yakakodzera here kuti vanhu vange vachiinwa.

Nekudaro zvinokurudzirwa kuti vanhu varege kuishandisa.

Hatikurudzire kuti munhu ashandise mishonga yemakwenzi pamwe nemapiritsi emaARVs panguva imwe chete.

MaARVs oga anoshanda zvikuru pakurwisana nezvirwere zvinobata munhu anenge aine utachiona hweHIV uye haadi kubatsirwa nemimwe mishonga, kusanganisira yemakwenzi.

Vanhu vanofanira kungotora maARV sekurairwa kwavanenge vakaitwa navanamazvikokota vezveutano.

Mishonga mizhinji inotengwa mumikoto ine njodzi kuutano hwevanoinwa.

Pari zvino kune vamwe varwere vakatokuvadzwa dzimwe nhengo dzemuviri yavo nekuda kwekushandisa mishonga isina kuongororwa iyi.

Nhengo dzemuviri dzinonyanya kukanganisika dzinoti chiropa neitsvo, izvo zvinoti zvikatadza kushanda zvakanaka munhu anokwanisa kufa.

Mishonga yemumikoto iyi haina kunyoreswa zviri pamutemo kusangano reMedicines Control Authority of Zimbabwe (MCAZ).

Vanhu vakawanda vanotorwa moyo apo vanoona mishonga iyi yakaiswa mutumapakiti tunoyevedza kutarisa ichitengeswa vobva vafunga kuti yakanyoreswa zviri pamutemo zvinove zvisiri izvo, musanyengedzwe!

Kushandiswa kwemishonga yakasiyana panguva imwe chete kunoita kuti chirwere chinetse kurapwa izvo zvinokanganisa kuchengetedzwa kweupenyu hwemunhu.

Zvakakosha kuziva kuti imhosva kutengesa mishonga yekurapa isina kunyoreswa kuMCAZ. Tengai mishonga yenyu kunzvimbo dzakanyoreswa zviri pamutemo.

Avo vari kunwa maARVs vanosungirwa kutsvaga mazano kune veutano vasati vatanga kutora mimwe mishonga.

Musatsotswe mari yenyu yamunowana mushure mekushanda nesimba uye chengetedzai upenyu hwenyu.

Nzira kwayo yekurapwa HIV ndeinotevera:

Ongororwai kuti mune utachiona hweHIV here:

1. Kana mukawanikwa muine utachiona hweHIV, munonzi muende kukiriniki kana kuchipatara uko nhoroondo yeutano hwenyu inononyorwa pasi. Munoongororwa zvakare zvimwe zvakasiyana musati mapinda pachirongwa cheAnti-Retroviral Therapy.

2. Munofanirwa kuzvichengetedza nekuita mitambo inosimbisa miviri nguva nenguva pamwe nekudya chikafu chinovaka muviri.

Share This:

Sponsored Links