Musasarura vanorarama nehusope: Chikukwa

25 Jun, 2015 - 00:06 0 Views
Musasarura vanorarama nehusope: Chikukwa

Kwayedza

GURUKOTA reHurumende rinomirira dunhu reHarare Metropolitan Province, Cde Miriam Chikukwa, vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vasiyane nemweya werusarura kuvanhu vanorarama nehusope.

Vakataura mashoko aya svondo rapera muHarare pamhemberero dzekucherechedza zuva revanorarama nehusope, reInternational Albinism Day.

“Zuva iri rakakosha nekuti rinotiyeuchidza kuti vanhu vanorarama nehusope vane kodzero dzavo dzakangofanana nedzemunhu wose. Nokudaro ngatibvisei mweya werusarura tibatane navo muzvirongwa zvose zvine chekuita nebudiriro yenyika,” vakadaro Cde Chikukwa.

Vanoti vanorarama nehusope vanoda rubatsiro rwezvinhu zvakasiyana semafuta ekuzora kuti ganda ravo risatsve nezuva (sunscreen lotions), magirazi ekuonesa, ngowani nezvimwe zvinhu zvakakosha mudzidzo neraramo yavo.

“Tinoda kuti mapoka ose nemakambani vange vachiisa musoro pamwe mukubatsira vanhu vanorarama nehusope kuti vawane mafuta anotanda zuva paganda ravo kuitira kuti varegere kubatwa nezvirwere zvegomarara reganda, zvikuru avo vari kugara kumaruwa nevanotambura. Hatidi vanosarura vanhu vanorarama nehusope nekuti tose takasikwa nemufananidzo waMwari,” vakadaro Cde Chikukwa.

Achitaurawo pachiitiko ichi, Ambassador weAlbinism in Zimbabwe, uyo anove zvakare muimbi ane mukurumbira, Jah Prayzah, akatsidza kubatsira masope nepose paanogona.

Pachiitiko ichi vanhu vanorarama nehusope vakawanawo mukana wekufora vachiratidzira nhunha dzavo kubva kumugwagwa waFouth Street kusvika kuHarare Gardens. Mhemberero idzi dzakaitwa pasi pedingindira rinoti, “Chii Chinonzi Ruvara” (What is Colour).

 

Share This:

Sponsored Links