Musashungurudze vana: Papa Sodza

05 May, 2017 - 00:05 0 Views
Musashungurudze vana: Papa Sodza

Kwayedza

Abel Ndooka —
SHASHA yemusambo weSodza Music, Walter ‘Papa Sodza’ Sonayi, anoti anorwadziwa zvikuru kuona vana vachishungurudzwa izvo zvakamutuma kutsikisa kambo kanonzi Child Abuse.

Papa Sodza – uyo anotungamirira chikwata cheVibrant Sounds, anoti vana ndivo vatungamiriri vemangwana nekudaro havafaniri kushungurudzwa.

Kambo katsva kakatsikiswa nemuchinda uyu kari padamberefu rake idzva – Six Bullets – iro rine dzimwe nziyo dzinosanganisira Vachishiri, Ndoita sei, Muroyi, Nyaya yepfuma uye Jesus is the way.

“Ini ndinonzwa kushushikana chaizvo kana ndichiona kushungurudzwa kunoitwa vana nenzira dzakasiyana. Izvi ndizvo zvakandituma kutsikisa kambo kanonzi Child Abuse apo ndaiedza kukurudzira munhu wese ane nzeve dzekunzwa kuti ngatikoshese vana vedu uye tivagadzirire ramangwana ravo pane kuvashungurudza.

“Vana chipo chinobva kunaMwari saka chitadzo chatinenge tichiita kana tichivashungurudza,” anodaro.

Papa Sodza anoimba misambo yakasiyana iyo inosanganisira yechitendero, jazz, sungura, reggae nepassad izvo anoti ndizvo zvakazomutuma kuti adaidze mhanzi yake kuti Sodza Music.

Makore adarika, muimbi uyu akambonetsa nekambo kainzi Ejegu ako akaimba naSulumani Chimbetu.

Kamwe kambo kake kakaita mukurumbira zvakare ndekanoti Ndakazvibikira Mbodza kari padamberefu rake rekutanga rinonzi Kuumba Magariro.

Papa Sodza anoti ane nziyo dzakawanda chaizvo dzaakanyora dzaasati atanga kutsikisa zvekuti akadzitsikisa anogona kuparura madamberfu anosvika 40.

Share This:

Sponsored Links