Musasiire vana nhaka yekuroya

31 Jul, 2015 - 00:07 0 Views
Musasiire vana nhaka yekuroya

Kwayedza

MAZUVA ano nyaya dzehuroyi dzinoratidza kuti dziri kuwanda uye dzafumuka zvikuru kana zvichienzaniswa nakare. Tinodaro nekuti nyaya dzerudzi urwu dziri kubuda mungave mupepanhau kana mumaredhiyo nguva nenguva uye vamwe vacho vanenge vachitopupura kuti vane mashave ekuroya, vachida rubatsiro rwekuti vachisiya mabasa erima aya.

Pasichigare, hongu, varoyi vanonzi vaiveko asi havaibuda pachena vachipupura pajekerere sezviri kuitwa nevamwe makore ano.
Chinoshamisa kune vamwe vari kutaura pachena kuti vanoroya ndechekuti ndevechidiki, pwere chaidzo, avo vamwe vacho vanove vana vane makore gumi nemaviri ekuberekwa kana kuti ari pasi.

Chimwezve chinokahadzisa nekurwadza ndechekuti vazhinji vevana vari kupupura kuti vanoroya ava vanasikana.
Vakawanda vavo vari kupihwa huroyi uhu vasina ruzivo uye vasingazive zvakare kuti ndiwo mabasa avari kuitiswa.

Seimwe nyaya yatinayo svondo rino, yekasikana kanonzi kakasvikirwa neshave rehuroyi ndokutanga kushita pamwe nekuzvonyongoka senyoka apo kaive panzvimbo inoyerera tsvina yemasuweji kuSakubva, kwaMutare.

Sekutaura kwemweya unonzi waisvika pamwana uyu, ambuya vake ndivo vakamupa shave rekuroya uye iye haazive kuti ndizvo zvinoitika kwaari.

Nguva yadarikazve, bepanhanu rino rakaburitsa imwe nyaya yakada kufanana neiyi, yemusikana anoti akagara nenjuzu kwemakore akawanda kubva achiri mudiki.

Musikana uyu anotiwo tete vake ndivo vakaita kuti asvike pakugara nenjuzu apo akatanga kuitiswa mabasa akaipa aya pavaigara vose.
Zvisinei, anoti pari zvino akasiyana nezvenjuzu, ave kunamata uye anokohomedza vechidiki, zvikuru vechisikana, kuti vangwarire kushandiswa sezvaakaitwa. Kunze kwazvo, pane nyaya yakabudazve muKwayedza nguva pfupi yadarika, yechikoro chiri kuGuruve, chinonzi chakavharwa mushure mekunge zvidhoma zvamuka chibhebhenenga zvichirova vana.

Izvi zvinonzi zvakatanga apo mumwe musikana aive mutsva atanga kudzidza pachikoro ichi.
Muyenzaniso yenyaya dzakadai yakawandisa.

Munyaya dzose idzi vanasikana ndivo vari kushandiswa mumabasa ekuroya zvinova zvinhu zvisina kunaka nekuti zvinokanganisa raramo yavo zvikuru.

Asi kana tete, ambuya kana imwewo hama ichipa mwana mudiki shave rekuroya zvinenge zvichida kunzi zvigodini?
Ingave nhaka inodadisa here yekusiira mwana yehuroyi?
Semaonero edu, uhu ndihwo hutsinye hwekupedzisira.

Kazhinji kana mwana akasangana netsekwende yekupinzwa munyaya dzekuroya anobva arega kuenda kuchikoro zvinova zvinokanganisa remangwana rake.Vechidiki ndivo vatungamiriri vemangwana nekudaro kodzero dzavo dzekukura pasina kumbunyikidzwa dzinofanira kukosheswa.

Vana, vangave vasikana kana vakomana, vanokosha uye zvipo zvinobva kuna Mwari nekudaro ngavasiirwe nhaka chaidzo dzinosimudzira hupenyu hwavo kwete huroyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey