Musatidherere: Mlauzi

29 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
Musatidherere: Mlauzi Chikwata chemaMighty Warriors

Kwayedza

Chikwata chemaMighty Warriors

Chikwata chemaMighty Warriors

. . . vonosimudza mureza weZim kuBrazil

MURAIRIDZI wemaMighty Warriors, Shadreck Mlauzi, anoti zvimwe zvikwata ngazvirege kuvatarisira pasi apo vari kunokwikwidza kumitambo yeRio 2016 Olympic Games Soccer kuBrazil sezvo vari kunorwa semvumba.Mitambo iyi ichatanga svondo rinotevera musi weChitatu kuBrazil.

MaMighty Warriors akanyora nhoworondo apo akaita chikwata chenhabvu chekutanga kubva muZimbabwe kubudirira kuenda kunokwikwidza kumaOlympics.

Mudunhu reAfrica yose, kunhabvu yemadzimai, zvikwata zviviri chete zvinoti South Africa nemaMighty Warriors ndizvo zvakahwina matikiti ekuenda kumitambo iyi.

MaMighty Warriors ari muGroup F umo achasangana neGermany, Canada neAustralia izvo zvinozivikanwa seshasha dzenhabvu yemadzimai pasi rose.

Muhurukuro neKwayedza vasati vasimuka kuenda kuBrazil nemusi weChipiri svondo rino, Mlauzi anoti zvikwata zvavachasangana nazvo hazvifanire kutarisira Zimbabwe pasi.

Kunyangwe hazvo Mlauzi achibvuma kuti gadziriro dzechikwata chake hadzina  kufamba zvakanaka, anoti Germany, Australia neCanada zvichakatyamadzwa nemagonero achange achiita maMighty Warriors.

“Handingade hangu kunyepa, gadziriro dzedu hadzina kufamba sezvataitarisira nekuda kwezvikonzero zvakasiyana, asi tinongotenda nezviripo.

“Tange tichishanda nesimba tichigadzirira asi taizodawo hedu kutamba mitambo yakawanda yehushamwari kuti tizviongorore kuti tasvika papi.

“Asi ndinovimbisa hangu zvimwe zvikwata zviri muboka redu kuti ngazvisatitarisire pasi nekuti zvichashamisika svondo rinotevera. Tiri kutodya magaka mambishi takatarisana nemutambo uyu.

“AnaGermany vanogara vachitamba kumitambo iyi, ukuwo isu aka ndekekutanga kedu saka tinoda kuvarakidza kuti tinokodzera kuve tiriko kumutambo uyu. Vazhinji vaifunga kuti Cameroon ichatikunda yoenda kumutambo uyu asi vakashamisika tichiikunda uye tisu tiriko kumaOlympics,” anodaro Mlauzi.

MaMighty Warriors asati asangana neGermany svondo rinotevera, achatamba mutambo wehushamwari neChina iyo iri mune rimwe boka muGroup E senzira yekugadzirira.

Mlauzi anoti achashandisa mutambo wavo neChina kuongorora vatambi vakaita saRudo Neshamba naRudo Makore avo vange vakakuvara asi vakazopora panguva yekuenda kuBrazil.

“Mutambo wedu neChina wakakosha ndiwo watichashandisa kumboongora vatambi vedu vakawanda tichimboronga kuti totamba sei.

“Hazvibatsire kungoita gadziriro musingambotambewo, zvinenge zvichida kuti mumboona kuti zvamange muchidzidzira muri kukwanisa kuzviita here mumutambo, ndosaka taidawo mitambo yakawanda yehushamwari,” anodaro Mlauzi.

 

Share This:

Sponsored Links