Uncategorized

‘Musha uyu wakagadzirwa’

20 Nov, 2015 - 00:11 0 Views
‘Musha uyu wakagadzirwa’ Madzibaba Elias

Kwayedza

DZIMWE nyanzvi dzechivanhu dzinoti kune mishonga yakasimba yekupinga misha nechinangwa chekuti parege kusvika varoyi kana kuti anosvikapo atadze kubva kusvikira kunze kwayedza.

Izvi zvinotevera nyaya inonzi yakaitika kuMacheke, yeimwe chembere yakayedzerwa iri musvo pamusha apo inoti yakadonhedzwa nevamwe vayo pabere ravaive vakakwira vachiita mabasa ekuroya.

VaJonathan Shonhiwa (50) kana kuti Sekuru Mupamombe vekuChiredzi vanoti mishonga yekupinga varoyi iriko.

“Isu n’anga tinoziva mishonga yekupinga misha kuti varoyi vasasvike kana panzvimbo dzatinoungana dzakaita sebanya kana dzinoyera pachivanhu. Mishonga iyi yakangofanana nerukwa rwunoiswa muminda kuti mbavha dzikada kuba dzinowanikwa dzakanamirira.

“Anowanikwa aripo asina kupfeka. Izvi zvinoitwawo nemaporofita chaiwo ane mweya kwete vekunyepera,” vakadaro.

“Hatishorane n’anga nemaporofita nekuti basa redu rimwe chete, tinoshandisa mweya. Muporofita akagadzira musha wekuMacheke uyu anoziva zvaanoita nekuti akanga ataura kare dambudziko remusha uyu achibva anoupinga,” vanodaro Sekuru Mupamombe.

Vanoti kune mishonga yakasiyana yekupinga.

“Mimwe ndeyekuti asvike ozoita chadzimira otadza kubva, obatwa uye mumwe ndewekuti atadze kusvika pamba achiona sevanokwira makomo kana kuona dziva remvura rakakomberedza misha iyi kana kudzingirirwa nemhuka dzakaita sembada, shumba kana nyoka,” vanodaro.

Mishonga iyi vanoifananidza neyekuti pamisha pasabiwe kana kusvikwa nevanhu vane mishonga yekuda kukanganisa.

VaClever Munaku (73) vekuMhondoro vanovawo chiremba wechivanhu vanoti hazvinetse kuti munhu abate muroyi pamusha pake akatsvaga machiremba anoziva.

“Muroyi ane simba asi anobatwa kana tagadzira misha, taisa mhiko dzedu. Unomuwana achishinyira aripo. Pachivanhu akabatwa anofanirwa kuendeswa kwamambo onoripiswa,” vanodaro.

Madzibaba Elias Gomwe (32) vechechi yeJohane Masowe yeChishanu vekuChitungwiza vakatsinhirawo nyaya iyi vachiti muroyi anogona kuisirwa rukwa kuti abatwe.

“Inyaya isinganetse kuita izvi, zvinokwaniswa nen’anga nesuwo maporofita,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links