Mushandi osungisa ‘boss’

13 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
Mushandi osungisa ‘boss’ court

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa —
VANHU vaive mudare vakashamiswa apo mumwe murume akapopota zvekusvika pakupupa furo mumuromo nehasha achida kupihwa mari yaanoti akanyimwa mushure mekunge ashandira mumwe mudzimai nemurume wake.

Tichaona Winini akadhonzera Letwell Ndlovu kuHarare Civil Court achiti anoda kupihwa mari yaakashandira.

“Changamire, ndauya na- amai ava kudare kuti vandipe mari yangu yandakashanda yavasiri kuda kundipa. Ndakashanda semutyairi ndichitakura maChina kuenda navo kuBulayawo apo takawirirana kuti vachandipa $350 asi havachada kundipa,” anodaro Winini.

Ndlovu anoudza dare kuti handiye akapinza Winini basa asi kuti murume wake saka ndiye waanofanira kusungisa.

“Inini handisini ndakamupa basa asi kuti murume wangu saka ngaasungise iye uye haana kupedza basa ratainge tataurirana.

‘‘Mari iyi $350 yaiva iri yepamwedzi kwete mazuva aari kutaura.

‘‘Basa racho haana kupedza uye akazenge ave kunetsana nemaChina acho akavasiya futi ikoko vasati vasvika kuBulawayo, akadzoka akangoshanda mazuva maviri chete,” anodaro.

Winini anobva amugamha achiti Ndlovu ari kunyepera dare uye vakataurirana kuti achashanda kwemazuva mashanu kwete mwedzi wose.

“Amai ava vanonyepa, takawirirana kuti ndinoshanda mazuva mashanu kwete mwedzi wose uye ndiwo mazuva andakashanda saka ngavandipe mari yangu,” anodaro achipopota.

Achibvunzwa nedare kuti waakataurirana naye nezvebasa ndiani, Winini anoti akataurirana nemurume waNdlovu.

Mutongi akati Winini anofanira kusungisa murume waNdlovu sezvo ari iye akange amupinza basa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey