Mushandi unokosha!

28 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
Mushandi unokosha!

Kwayedza

ZIMBABWE nemusi weMuvhuro, 1 Chivabvu, ichabatana nedzimwe nyika pasi rose mukupemberera zuva revashandi, rinodaidzwa kuti International Workers Day kana Labours Day   zuva revashandi.

Zuva iri rakakosha zvikuru sezvo riri iro rinocherechedzwa kukosha kwemushandi. MuZimbabwe, zuva iri rinocherechedzwa kuburikidza nenzira dzakasiyana idzo dzinosanganisira magungano anoitwa nevashandi kumatunhu mana enyika apo panenge paine zviitiko zvakasiyana.

Izvi zvinoratidza kuti mushandi munhu akakosha zvikuru mubudiriro yenyika. MuZimbabwe, munhu wose kubvira kumutungamiriri wenyika President Mugabe kusvika kuna ani zvake, ehe newewo tose tiri vashandi uye hapana asina kukosha. Chakasiyana bedzi mabasa atinoita kuti nyika yedu ifambire mberi. Nekudaro zvakakosha kuti pave nekuzvipira mukusimudzira nyika yedu pachezvedu. Hakuna anotiitira kunze kwedu isu vashandi. Tose! Mushandi hazvireve munhu anoshandira kambani, Hurumende kana mamwe masangano akazvimirira chete.

Munhu anozvishandira zvakaita sekuhodha zvinhu achitengesa mushandi. Iwewe mukadzi unosara kumba uchichengeta mhuri murume aenda kubasa uri mushandi. Mwana wechikoro anotoshanda kuti abudirire, hwindi, mufudzi wemombe, murimi, makorokoza kumigodhi uko, mashefu mumakambani nemuHurumende, vanotsvaira nekutakura marara nemi mose tose tiri vashandi.  Mabasa atinoita, kunze kwekuraramisa mhuri, tinenge tichisimudzira nyika yedu zvisinei kuti vazhinji havazvione nenzira iyi. Kurima uko kunova musimboti weupfumi hweZimbabwe – kwakakosha. Kusunza kwenyika kunodzoserawo budiriro kumashure.

Semwaka uno, varimi vanofanira kurumbidzwa zvikuru nekushanda kavaita kusvika pari zvino mukurima pasi pechirongwa cheCommand Agriculture, izvo zvaona nyika ichiwana goho guru.

Kusimukira kwechikamu chezvekurima zvinorevawo budiriro munyaya dzeupfumi sezvo maindasitiri akawanda achishandisa zvigadzirwa zvinobva mukurima. Nekudaro zvakakosha kuti munhu pose paari aone kuti zvaari kuita ari kusimudzira nyika here kana kuti kwete.

Tinodaro nekuti kune vamwe vashandi vari muHurumende kana vanoshandira makambani akazvimirira, avo vanopedzisira voita huwori.

Kuita huwori imhosva uye hwagara kwakaipa sezvo huchidzosera shure budiriro. Kana vanhu vakave nechiono chimwe chete chekushandira nyika yavo nesimba pamwe nekuzvipira, panove nebudiriro huru.

Kune vamwe vanogara vachichema-chema vachiti mabasa haazi kuwanikwa nyore mazuva ano nekuda kwemamiriro akaita nyaya dzeupfumi hwenyika vachikanganwa kuti munhu anogona kuzvishandira akatopinza vamwe vanhu mabasa. Vanhu vemuZimbabwe vanozivikanwa nekushanda nesimba pasi rose izvo zvaona vachitekeshera kunyika dzakawanda. Ndokupi kusina mwana weZimbabwe anoshanda? Zvizvarwa zvemunyika ino zvinoshandira kunze vamwe vacho vane zvigaro zvepamusoro nekuda kwekushanda nesimba. Nekudaro hatione paine chinokonesa kuti vanhu vabatane mukusimudzira nyika yavo. Kunyangwe vashandi vari kunze kwenyika vari kubatsirawo zvakare mubudiriro yeZimbabwe nekuti vanotumira mari kuhama neshamwari dziri muno munyika.

Mushakabvu System Tazvida akagona paakaimba kuti, “Mushandi ndimambo”. Unokosha iwe mushandi. Pauri ipapo!

Tinokushuvirai zororo revashandi rakanaka.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey