Mushandi wemumba aiyamwisa vana va‘shefu’

09 Jul, 2015 - 00:07 0 Views

Kwayedza

MUKADZI wechidiki wekupomerwa kuyamwisa vana vaviri vemudzimai waanoshandira akamiswa mudare reChitungwiza Magistrates’ Courts akatarisana nemhosva yekumbunyikidza vana ava pamwe nekusakoshesa utano hwavo.

Rachel Nefitali (20), uyo anoshanda panhamba 732 Kubudira Street kuSt Mary’s, kuChitungwiza, akamiswa pamberi pamutongi Estery Chivasa achinzi akayamwisa vana vaviri, wemakore 10 neane makore 13 ekuberekwa, mukaka vanova vana vemudzimai waanosevenzera semushandi wemumba.

Muchuchisi Karen Kunaka akaudza dare kuti nemusi wa17 Chikumi gore rino, mumwe wevana ava anonzi akabvunza Nefitali kuti mukaka wemuzamu rake unonaka here apo aiyamwisa mwana wake ane mwedzi mishanu yokuberekwa. Nefitali anonzi akapindura achiti hongu ndokuravidza mwana uyu mukaka uye akazozvipamha zvakare nerimwe zuva.

Mumwezve wevana vaviri ava anonziwo akazonzwa moyo wekuda mukaka uyu zvikaita kuti akumbire kuyamwawo ndokuyamwiswa naNefitali.

Muchuchisi Kunaka anoti izvi zvakaitika mumaziso ehanzvadzi yevaviri ava, uyo akazozvidura kuna amai vavo avo vakazopotera kudare.

Mukumira kwaakaita mudare, Nefitali akaudza mutongi Chivasa kuti yaisava mhosva yake sezvo vana ava vari ivo vakakumbira kuraira mukaka wake.

Vana vaviri ava vanonzi vakachaya zvikuru mushure mekuyamwa mukaka uyu.

Kutongwa kwenyaya iyi kuchiri kuenderera mberi mudare iri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>