Uncategorized

Mushandi weuz akazvisungirira

18 Sep, 2014 - 00:09 0 Views
Mushandi weuz akazvisungirira

Kwayedza

MUSHANDI weUniversity of Zimbabwe ane makore 29 okuberekwa akanozvisungirira panzvimbo yainamatirwa nemapositori anotungamirirwa naIshmael “Madzibaba Ishamel” Chokurongerwa kuBudiriro, muHarare, mushure mekunge amomoterwa nezvikwereti.
Mapositori aMadzibaba Ishmael akasiya masowe aya mushure mekunge varwisa mapurisa nevanhuwo zvavo mwedzi mishoma yadarika. Vamwe vavo vakasungwa asi mukuru wavo Chokurongerwa nevamwe vake vachiri kutsvagwa nemapurisa.

Petros Vengai Manyanga (29), uyo aigara panhamba 10365 kuBudiriro 5 A, uye achishanda saelectrician kuUZ, akawanikwa akazvisungirira kunzvimbo iri kuBudiriro 2 iyi.

Husiku hwemusi waazofa, murume uyu anonzi akasiya anyorera munin’ina wake, Justice Manyanga, tsamba panhare achikumbira kuzochengeterwa mhuri yake.

Achitaura neKwayedza, Justice akati akarwadziwa zvikuru nefiro yemukoma wake.
Akati Petros aiva munhu aisada zvemhirizhonga uye akange azviuraya nekuda kwezvikwereti.
“Mukoma vakaisa meseji pafoni manheru kuma11 yaiti, ‘Muchawana mutumbi wangu mupark yepaBudiriro 2 padhuze nepaCharehwa. Ndapota sarai muchindichengeterawo mhuri yangu’.

“Zvakandityisa asi hapana chandaikwanisa kuita sezvo akanga ava manheru. Pamba pataigara mukoma vainge vava nemwedzi miviri vasina kubhadhara rendi nekudaro ndinofunga kuti ndiyo nyaya yavazviuraira plus munhu aigara achingotaura kuti zvikandinetsa ndichazviuraya sezvavakada kumboita muna2010,” akadaro Justice.

Mukoma wemushakabvu, Moses Manyanga, akati Petros aiva munhu aifarira doro nekukwereta zvakanyanya, nekudaro ndizvo zvinogona kunge zvakaita kuti azviuraye mushure mekunge amomoterwa nezvikwereti.

Akatsinhira mashoko aJustice ekuti mugore ra2010 akambonetsana nemudzimai wake akada kunwa muchetura.
Akaenderera mberi achiti Petros anonzi aiva nechikwereti nechimwe chitoro chinotengesa vhanicha izvo zvakazoita kuti atorerwe midziyo yemumba mushure mekunge atadza kubhadhara.

“Ndashaya kana zano nerufu rwemunin’ina wangu. Asi hapana zvatingaite, munhu aigara achingoti akangotokonywa nekanhu kadiki atoti ava kuzviuraya.

“Pamwe nyaya yezvikwereti ndiyo yasakisa kuti azviuraye nekuti munhu aida hwahwa nekukwereta zvakanyanya,” akadaro Moses.

Petros ange ava nevana vaviri nemudzimai.
Sekuru vaPetros, VaGibson Mapokotela, vanoti rufu rwemuzukuru wavo rwainge rwavabaya moyo uye vari kushaya kuti sei aitya zvikwereti zvekusvika pakuzviurauya.

“Zvandikatyamadza zvikuru, ndakabva kunomuona svondo radarika ari kubasa achitoratidza kuti zvinhu zvake zviri kumufambira. Ko sei akatya nhamo kudaro kunze kwekutya rufu kwatinoita tese?” vakadaro VaMapokotela.
Zvakadaro, mutumbi waPetros wainzi uchatanga wanoongororwa nanachiremba wozonovigwa kumusha kwake kuChitomborwizi.

 

Share This:

Sponsored Links