Uncategorized

Musikana wekuita zvenjuzu ochata

16 Jul, 2015 - 00:07 0 Views
Musikana wekuita  zvenjuzu ochata CHARITY Makurumidze

Kwayedza

CHARITY Makurumidze

CHARITY Makurumidze

MUSIKANA wekureurura kuti aigara nenjuzu pasi pemvura kwemakore 16 apo aishandiswa nevamwe tete vake kuita mabasa erima anoti akabatsirwa kuti asiyane nekuita uku zvekuti atova kurarama upenyu hwakanaka nevamwe.

Mhandara yabva zera iyi inoti yakatodzokerana nemukomana wayaimbodanana naye kare uyo waakaparadzira pfuma yake yose paainge achiri kugara nenjuzu uye vaviri ava vari kuronga muchato mukuru uchaitwa mwedzi mishoma iri kutevera.

Onai vhidiyo iri pazasi

Charity Makurumidze (30), uyo anogara muguta reHarare, akabuda muKwayedza muna Gumiguru wegore rapera achiti akagara pasi pemvura nenjuzu kubva ari mudiki apo aishandiswa kutora mari kuvanhurume.

Muhurukuro yekutanga iyi, Charity akatsanangudza, pasina kutya, mabasa anoitika “kunyika” yaanoti iri pasi pemvura ayo aakapinzwa nevamwe tete vake.

Charity akazotaurwa naye neKwayedza svondo rapera ndokuti akazodzikinurwa kubva mudambudziko iri uye ave kunamata kuchechi yeProphetic Healing and Deliverance Ministries (PHD) iyo inotungamirirwa naProphet Walter Magaya.

Anoti anofara zvikuru nekuti akadzikinurwa uye atove kurarama upenyu hwakangofanana nevamwe.

Anoti akasiyana nemabasa ake akare uye akatodzokerana nemukomana wake uyo aimbodanana naye sezvo vaive vamborambana nekuti kwekugara “kunyika” dzakasiyana.

“Handinyare kuzvitaura kuti ndine mukomana uyo ndinodanana naye. Ave kupindawo chechi yePHD uye tiri kuronga kuchata gore rino panguva ingaite mwedzi waOctober (Gumiguru). Muchato uyu tichabatsirwa naProphet Magaya nekuti ndivo baba kwandiri. Vakandidzikinura kubva mudambudziko iri (renjuzu),” akadaro.

Anoti mukomana wake, uyo waasina kuda kutaura zita rake, anoshandira kuPretoria, kuSouth Africa, uko ari kuita zvemabhizimisi ezvitoro nekugadzira misoro.

“Mukomana wangu uyu akandiona paYadah TV ari kuSouth Africa ndichitaura zvose zvandaiita apo akazonditsvaga ndokudzokerana. Dambudziko randaiva naro anoriziva.

“Panguva yandakatanga kudanana naye ndaiva ndichiri kushandiswa nenjuzu apo ndakamuparadzira pfuma yake yose yaisanganisira makombi nezvitoro muguta reHarare zvinova zvakazokonzera kuti aende kuSA abhuroka.”

Charity anoti pakazobhuroka mukomana wake aiva ashandisa mari yaakanga amupa zvemishonga ichibva yayeredza pfuma yake yose.

Musikana uyu, uyo anoshanda samabharani paimwe kambani ine mukurumbira muHarare, anoti ari kuita basa rake zvakanaka zvikuru.

“Kubva pandakapinda basa pakambani iyi mugore ra2004, ndaiva nedambudziko guru sezvo ndaigara ndichipomerwa mhosva dzakasiyana ndichigadzwa matare ndichida kuburitswa basa. Ndaisambokwidziridzwa pabasa asi iye zvino zvave kufamba,” akadaro Charity.

Anoti muchato wake uchabudirira bedzi.

“Handione muchato wangu nemukomana wangu uchikona, veruzhinji ngavatarisire muchato wembiri. Kana panyaya yemari yandaitambura hapasisina.”

Charity anokurudzira vamwe vechidiki kuti vanamate achiti mweya yakaipa iripo pakuvashandisa sezvaaiitwa nenjuzu.

Mhiko dzekuti azonogara nenjuzu pasi pemvura, kwaanoti ku”Under World”, anoti akadzipihwa navatete vake pavakamutengera kahembe kefaranera semakorokoto achiri mucheche ndokumutumidza zita.

Musikana uyu akazosandura zita raaiva naro kare iro akapihwa natete vake rekuti Benadette achizviti Charity.

“Tete vakanditora vachienda neni uko ndakanogara pasi pemvura nenjuzu. Pavakanzwa kuti ndaida kuchinja zita, vakapenga vachiti hazviite,” akadaro.

Charity anoti tete vake ava vaiva neupfumi hwakawandisa asi zvose zvakaparara kubva paakanovafumura kuchechi.

“Havasisina kana chinhu, zvose zvakaparara.”

Charity anoti vabereki vake vari kufara nekuda kweupenyu hutsva hwaave kurarama.

“Nyaya iripo ndinoti kune vechidiki vanoshandiswa nemweya yetsvina vanofanirwa kutaura matambudziko avo nenguva kuti vabatsirwe, zvikuru nekuenda kunonamatirwa,” akadaro.

Anoti akambotevererwa nevamwe vaaienda navo pasi pemvura vachida kuti adzoke asi zvakazopera. Akavedzera achiti kune vamwe vaaimboenda navo kunyika yepasi pemvura iyi avo vave kuendawo kuPHD Ministries.

Akazoyambira vakomana nevasikana kuti vaongorore vanhu vavanenge vachidanana navo nekuti vanogona kuwirirana nevanhu vanenge vachiita zveSatanism kana mabasa erima akaita seehuroyi.

 

Share This:

Sponsored Links