Musoro webhuku . . . . Kunhonga vhunze nemuromo kuita sei?

19 Jan, 2018 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
UYU mutambo wakanyorwa uri mururimi rweChiShona naBright Chimedza Mashayamombe ndokutsikiswa neveZPH mugore ra2015. Bhuku iri rine mapeji 84.

Kupindirana kwemusoro webhuku nemutambo:

Musoro webhuku iri uri kubuda zvine hungwaru uye zvinoda hudzamu hwendangariro kuti muverengi atange aunzwisisa asati averenga mutambo. Kunhonga vhunze nemuromo kunogona kunge kuri kuita zvinhu zvinoguma zvapinza munhu mumatambudziko kana muzvinhu zvinomushungurudza.

Kunhonga vhunze nemuromo kunogona kunge kuri kupopota zvekuti munhu anosvika pakutaura mashoko anorwadza nyakuudzwa wacho.

Izvi zvinoratidza kuti musoro webhuku iri unoburitswa nenzira dzakasiyana-siyana. Hezvinoi zvimwe zvinotsigira musoro webhuku:

Cindy anonhonga vhunze nemuromo paanoudzwa naRuvengo kuti vabatsirane kuchengeta Mbuya Haruna naMaggie. Tinonzwa achiudza Ruvengo kuti usandirambidze kuti ndinofurwa nemhepo kana kutarisa mubatiro wandinoita amai vako naMaggie.

Anoti haasiriye akagomera Maggie uye haana kugomerwa naVaHaruna, mushure memashoko aya anobva aridza zvake chikwe-e. Kupopota kunoita Cindy apa achitaura nemurume wake kunoratidza kuti anga anhonga vhunze nemuromo nekuti mazwi aakataura anoshaisa Ruvengo mufaro.

Cindy anonhonga vhunze nemuromo paanodavirirwa nhare yake naRuvengo achigeza. Anobuda muimba yekurara achienda mune yekutandarira maive naRuvengo ainge abva kudaira foni yake ndokusvika achiridza tsamwa nekupopotera murume.

Tinonzwa achiti foni yangu usatombodaira iwe mbiti yemunhu apa anenge ashatirwa zvikuru. Anoti Ruvengo asambobata foni yake nyangwe irire zvemhando ipi.

Kupera kwehuMember of Parliament hwaRuvengo kunoita kuti agare achinhongerwa vhunze nemuromo naCindy. Tinonzwa paanotaura naCindy achiti, “Chii chandakutadzira chinguri wabvira kudya nhundurwa? Chiiko chinokupa kutaura neni wakamira kudaro?

Ndinodaro nekuti pandaiva Member of Parliament waisadaro, waindipa ruremekedzo rwese, Cindy.” p.18.

Izvi zvinoratidza kuti Ruvengo akanga ave kunhongerwa vhunze nemuromo naCindy sezvo aive asisina mari.

Laiza anonhonga vhunze nemuromo paanoudzwa naZariro kuti hupenyu idungamunhu achidudza chimiro chakanga chiri kuna Cindy.

Laiza anobva angonhonga vhunze nemuromo pakarepo achiti, “Usapindire isiri yako, unofira yomumwe.

Zvekuti hupenyu idungamunhu ndezvekupenga izvozvo. Handidi kuti mwana wangu ashushwe uye ziva kuti muvengi waCindy ndivamwene vake.”

Laiza anonhongera murume wake, Zariro vhunze nemuromo zvekusvika pakumuudza kuti ainge arutsa kutaura.

Cindy anonhonga vhunze nemuromo paanoshevedza Tsitsi achimuudza kuti haasi kuchenesa muimba yake yekurara. Ruvengo paanoda kupindira nyaya yacho anobva anhongerwa vhunze nemuromo achinzi, “Sunga chiromo chako, handisi kutaura newe. Davira yawasumwa usapindire nedzisiri dzako.

Nyaya iyi ichiri kuvanhu, haisati yasvika kumapfeni.” p.24.

Cindy anonhonga vhunze paanoramba kuteerera murume wake, Ruvengo achiti akanga ave kupfeka zvaanoda, kuenda kwaanoda nekuita zvaanoda pasina aimuudzira zvekuita nekuti akanga ave nemari yekuzviitira zvinhu zvake ega. Izvi zvinoita kuti azogumisire arambwa naRuvengo.

Tsitsi anonhonga vhunze nemuromo nekurega kutsvaira pamwe chete nekuchenesa chimbuzi chemuimba yekurara yaCindy naRuvengo asina chikonzero chaigutsa Cindy.

Tinonzwa achipopoterwa naCindy nekuti akanga asiri kuchenesa muimba iyi uye zvinopotsa zvamutemesa nechiringiro.

Cindy anonhonga vhunze nemuromo paanoramba kuteerera dzidziso neyambiro yaanopihwa naRegina kuti agare navamwene vake zvakanaka.

Kuramba kuteerera kwake kunozoguma kwamurambisa naRuvengo pamwe chete nekumusungisa nemapurisa.

Cindy anonhonga vhunze nemuromo paanotanga kuramba kugara navamwene vake achiti ngavadzokere kumusha kuDharuweni nekuti vairoya.

Kuvapumha huroyi kwaaiita kwakazoguma kwamunhongesa vhunze nemuromo paanorambwa naRuvengo.

  • Tinopedzisa musoro webhuku svondo rinouya

Share This:

Sponsored Links