Musoro wenyaya

24 Mar, 2017 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza —-

1. TSANANGURA zvinhu zvisere zviri murungano rwuri mubhuku Pfuma Ndeyamaoko zvinofambirana nemusoro webhuku. [25]

Pfuma ndeyamaoko zvinoreva kuti budiriro inoshandirwa, haingouye nyore munhu akagara.

Musoro werungano wekuti Pfuma Ndeyamaoko unotsigirwa nenzira yeutapwa. Tinozviona panodzoka Ishe Chivhimaushe kunotapa vanhu vedunhu raShe Marwei vachitaurira gungano raive mumuzinda wavo kuti kwavakanga vaenda vakanokohwa zveziya ravo zvichireva nhapwa neupfumi hwavaive vatapa.

Musoro webhuku unozadziswa nekuti unyope hauna kwahunosvitsa. Zvinojekeswa naShe Chivhimaushe vanoudza vanhu vavo vasati vasimuka kuenda kwaShe Chakandida vachiti kugarira maoko hakuunze budiriro. Ndizvo zvinotsanangura kuti sei vaifanira kuenda kunopamba dunhu raShe Chakandida raive nepfuma yakawandisa.

Musoro werungano urwu unotsigirwa nekuti pfuma inofirwa.

Izvi zvinoonekwa pana Kufahakupere akauraiwa neuto raShe Chakandida achirwira pfuma yezvipfuyo nenhapwa yaidiwa naishe vake VaChivhimaushe. Anobaiwa nepfumo pamusana nepamwoyo neuto raShe Chakandida achibva afa.

Musoro webhuku unojekeswa nekupambwa kunenge kuchiitwa pfuma naShe Chivhimaushe. Izvi tinozviona panopambwa pfuma yaisanganisa mombe nembudzi dzevanhu vemudunhu raShe Marwei naShe Chivhimaushe vachiiendesa kumusha kwavo.

Musoro werungano unowirirana nenzira dzinoshandiswa pakutsvaga pfuma naShe Chivhimaushe. Izvi zvinobuda pavanenge vachironda matunhu avaiziva kuti aive neupfumi hwakawanda vozotevera vachiapamba pfuma sezvavakaita kwaShe Chakandida.

Musoro webhuku unoburitswa nemashoko anoti munhu murombo akasashinga kuzvishandira anofa angori murombo. Tinozvinzwa naShe Chivhimaushe pavanotaurira vanhu vedunhu ravo vooneka kuenda kunopamba Ishe Chakandida vachiti munhu anofa ari murombo haadi kushanda nekuti anogarira badza.

Musoro webhuku unoti Pfuma Ndeyamaoko unofambirana nemabasa emushandirapamwe.

Izvi zvinobuda panoenda Ishe Chivhimaushe nemauto avo kwaShe Chakandida vakawanda zvikuru vachinobatsirana kurwa kuti vagovapamba nekuvatorera pfuma yezvipfuyo zvaisanganisa mombe.

Musoro werungano unozadziswa nekukunda kwaKufakunesu kurwisa Ishe Chivhimaushe. Tinozviona paanorwisana naShe Chivhimaushe. Anozamura gumbo rake ndokuvarova pachirebvu vachinowira kwakadaro ndokubva abata pfumo rake achivabaya padundundu vachibva vafa zvinoita kuti vazosara vachigara zvakanaka pasina udzvanyiriri.

2. Tsanangura madingindira ari murungano Pfuma Ndeyamaoko. [25]

Muna Pfuma Ndeyamaoko mune dingindira reunhapwa. Dingindira iri rinozadziswa naKufakunesu akanga atapwa naShe Chivhimaushe kubva kwaShe Marwei kuti agoita muranda wavo aivabatsira kufudza mombe.

Nhapwa dzinoburitswa dziri vanhu vaidzvanyirirwa uye vasingakosheswi sepatinoona Ishe Chivhimaushe vachikurudzira mauto avo kuti arove nhapwa dzaida kunwa mvura yemunzizi vachibva nadzo kwaShe Marwei dzotanga kukwaturwa kumisana nezvamboko.

Murungano urwu mune pfungwa yeupambwa. Pfungwa iyi inojekeswa naShe Chivhimaushe vaipamba pfuma mumatunhu emadzishe akasiyana-siyana. Izvi zvinobuda pavanoenda kunorwisana nevanhu vemudunhu raShe Marwei kusvika vavakurira mushure mekuuraya VaZvauyanepi. Vanobva vatuma vamwe varwi vavo kunokokorodza mombe nembudzi dzese mumatanga, vodzokera kumusha kwavo negurusvusvu rezvipfuyo zvavaive vapamba.

Mubhuku iri mune dingindira retsividzo. Dingindira iri rinojekeswa naKufakunesu anotsividza kuuraya Ishe Chivhimaushe vakanga vakonzera hondo yeupambwa yakauraisa baba vake, VaZvauyanepi nemauto avo kwaShe Marwei, kuuraya amai vake, VaChinhamo nebakatwa uye kuuraisa munin’ina wake Kufahakupere pavanopamba dunhu raShe Chakandida.

Murungano urwu tinowana dingindira rerufu. Rinozadziswa nerufu rwaVaChinhamo vanofa vachiita zvekubaiwa nebakatwa naShe Chivhimaushe muimba yavairara usiku zvinoita kuti Kufakunesu naKufahakupere vazosara vave nherera vachichengetwa nemutorwa VaMabvura uye kuroora kwaKufakunesu achida kuti Tsitsi amubatsire kuchengeta Kufahakupere akanga asiiwa ari mucheche.

Rimwe dingindira ndereruchiva. Rinozadziswa naShe Chivhimaushe vanonzi naVaMabvura vakanga vaine madzimai akawandisa uye vakanga vachiri kungoda mamwe zvinoonekwa nekumhanyira kusarudza nhapwa yainzi VaChinhamo kuti ive mudzimai wavo. Nyaya yeruchiva inozadziswa naShe Chivhimaushe vaive neruchiva rwepfuma.

Izvi tinozviona pavanoenda kunopamba dunhu raShe Chakandida vachiti kwaive nepfuma yakanga yakarasa muswe zvinove zvinozouraisa Kufahakupere pahondo iyi.

Share This:

Sponsored Links