Muswe wemombe mutakunanzva

27 May, 2016 - 00:05 0 Views
Muswe wemombe mutakunanzva Nyama yemuswe wemombe machikichori.

Kwayedza

Zviri Mugapu
NYAMA yemuswe wemombe machikichori chaiwo kana ikabikwa zvemhando yepamusoro.

ZVINODIWA:

Chekutanga, tora nyama yako iyo kazhinji kacho kana uchinge waitenga kumasiraha (butcher) inogona kunge yakabviswa mvere kare.

Cheka-cheka kuita zvidimbu zvakanaka woigeza zvokusara yachena.

Chiisa nyama iya muchikari kana poto woisa pamoto. Isa zvipunu zviviri zvemafuta.

Chikanga kusvikira nyama yose yatsvukira.

Tora mvura yakawanda wodira mupoto imomo.

Isa pamoto wakawanda, wochekerera makarotsi matomatisi nehanyanisi.

Rega zvikwate kwemaawa akati kuti uchipamhidzira mvura kusvikira nyama yava kubva pabonzo.

Isa munyu nematomatisi akagayiwa (tomato puree) woraidza kuti zvaringana here.

Kana muto wacho wakora, bura nyama yako nekuti inenge yaibva.

ZVEKUDYISA:

Nyama yemuswe wemombe inogona kudyiwa nesadza jena, remhunga, rezviyo, remapfunde kana mupunga une dovi zvichinaka zvikuru. Nakirwa iwe!

Share This:

Sponsored Links