Mutambi mukuru

21 Apr, 2017 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza —
NDIANI waungati ndiye anokodzera kuva mutambi mukuru muna Pfuma Ndeyamaoko? Tsigira mhinduro yako nezvinhu zvaanoita. [25]

Wandinoti anokodzera kuva mutambi mukuru ndiShe Chivhimaushe vanopamba dunhu raShe Marwei. Izvi zvinoonekwa pavanoenda nevarwi vavo kwaShe Marwei kuhondo yeupambwa. Vanosiya vavaparadzira misha nemoto nekuvatorera zvifuyo zvaisanganisa mombe nembudzi vachibva vaenda nazvo kudunhu ravo.

Chinoita kuti Ishe Chivhimaushe vave mutambi mukuru kutapa kwavaiita vanhu. Izvi tinozviona pavanokokorodza vanhu vese vaive vasara mumusha waShe Marwei vachienda navo kudunhu ravo kunovaita nhapwa. Vanhu ava vaisanganisa Kufakunesu uyo akanga ave kuvafudzira mombe dzavo.

Ishe Chivhimaushe vanokurudzira mauto avo kuti arove nhapwa. Izvi zvinobuda pavanenge vachibva nenhapwa kwaShe Marwei vachienda nadzo kudunhu ravo. Vanosvika parwizi Donhodzo apo nhapwa dzinenge dzave kuda kunwa mvura. Vanokurudzira varwi vavo kuti varove nhapwa dzese dzainetsa nekuda kunwa mvura.

Ishe Chivhimaushe vanomhanyira kusarudza nhapwa yaidiwa naVaMabvura vachiita mukadzi wavo. Zvinozadziswa zuva rinoitwa musangano wekugova nhapwa pamuzinda pavo. Vanotangira vanhu vese kusarudza nhapwa yainzi VaChinhamo ndokuiita mudzimai, vasina hanya nekuti kune vamwewo vanenge VaMabvura vaiida. Izvi zvinoita kuti VaMabvura vazotora Kufakunesu vachinogara naye kuti varonge zvekupandukira Ishe Chivhimaushe.

Chimwe chinoitwa naShe Chivhimaushe kuti vave mutambi mukuru kuuraya VaChinhamo. Izvi zvinobuda panomuka VaChinhamo usiku vachida kuuraya ishe nebakatwa ravakanga vakachengeta pasi pechitsamiro chavo.

Ishe Chivhimaushe vanozviona ndokuvabvutira bakatwa riya vachibva vava baya naro vachibva vangofa. Chiitiko ichi chinoita kuti Ishe Chivhimaushe vashorwe zvikuru nevanhu vemudunhu ravo.

  1. Ndezvipi zviitiko zvishanu zvaungati ndizvo zvinoita kuti rungano rwuri muna Pfuma Ndeyamaoko rwufambire mberi sezvarwakaita. Tsigira mhinduro yako zvizere. [25]

Chiitiko chekupambwa kwedunhu raShe Marwei naShe Chivhimaushe chinosundira rungano mberi. Tinozviona usiku hunosvika Ishe Chivhimaushe nevarwi vavo mumusha waShe Marwei ndokutanga kutungidzira vanhu mudzimba nemoto sezvavakaita Ishe Marwei. Izvi zvinoita kuti vanhu vemudunhu raShe Marwei vatorerwe zvipfuyo zvavo zvese naShe Chivhimaushe zvaisanganisa mombe nembudzi.

Kusarudzwa kwaVaChinhamo kuti vave mudzimai waShe Chivhimaushe kunosundira rungano mberi. Zvinobuda zuva rinoitwa musangano wekugoverwa kwenhapwa dzekwaShe Marwei.

Ishe Chivhimaushe vanomhanyira kunosarudza nhapwa yainzi VaChinhamo ndokuiita mukadzi wavo vasina hanya nekuti VaMabvura vaiidawo. Izvi zvinoita kuti VaMabvura vazotora Kufakunesu vachinogara naye kumba kwavo ndokuwirirana zvekuuraya Ishe Chivhimaushe uye kumubatsira kuroora mudzimai ainzi Tsitsi.

Kuitwa jinda kwaKufakunesu naShe Chivhimaushe kunosusukidza rungano. Tinozviona panoitwa musangano naShe Chivhimaushe pamuzinda wavo vachida kusuma machinda avo ese kuti vakanga varonga naVaMabvura kuti Kufakunesu aitwewo jinda vachiti zvaizovabatsira pahondo dzeupambwa. Izvi zvinoita kuti Mandikora azotemwa nengundu yejerenyenje pamuromo nekutukwa kunzi imbwa yemunhu mushure mekupikisana neurongwa uhu.

Kuuraiwa kwaVaChinhamo naShe Chivhimaushe kunosundira rungano mberi. Izvi tinozviona panomuka VaChinhamo usiku vachida kuuraya Ishe Chivhimaushe nebakatwa ravakanga vakachengeta pasi pechitsamiro chavo.

Ishe Chivhimaushe vanozviona ndokuvabvutira bakatwa riya vachibva vavabaya naro vachibva vafa. Izvi zvinoita kuti Ishe Chivhimaushe vavengwe zvakanyanya nevanhu vemudunhu ravo uye Kufakunesu azotsvagirwa mudzimai, Tsitsi naVaMabvura vachida kuti abatsirwe kuchengeta Kufahakupere munin’ina wake akanga asiiwa naVaChinhamo ari mucheche.

Chinosusukidza rungano urwu kusarudzwa kwaKufahakupere naShe Chivhimaushe kuti anovabatsira kurwa hondo yeupambwa kwaShe Chakandida. Tinozviona Ishe Chivhimaushe pavanokokorodza mauto avo ese aisanganisa Kufahakupere vachienda nawo kuhondo yeupambwa kwaShe Chakandida.

Izvi zvinoita kuti Kufahakupere azouraiwa nepfumo mushure mekunge abaiwa naro kumusana nepamwoyo pahondo iyi achirwisana neuto raShe Chakandida.

Share This:

Sponsored Links