Mutambo watsvuka ropa

28 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
Mutambo watsvuka ropa

Kwayedza

KWASARA mitambo mitatu chete kuti makwishu eCastle Lager Premier Soccer League achisvika kwamvura yacheka makumbo uye vatsigiri vezvikwata zviri kurwira mukombe uyu zvinoti CAPS United, Highlanders FC neFC Platinum vakangobatira hana mumaoko.

CAPS United ndiyo iri kutungamira pamusoro pelog iine zvibodzwa 54 kubva mumitambo 27 yayatamba asi iri kutungamira nechibodzwa chimwe chete sezvo Highlanders iri kufemera mugotsi mayo nezvibodzwa 53. FC Platinum yakagara pechitatu nezvibodzwa 52. Zvikwata zvitatu izvi zviri kutofanirwa kutosunga dzisimbe mumitambo yazvo mitatu yasara kana zvichida kutora mukombe.

Harare City vs CAPS United

Moses ‘Bambo’ Chunga akarwadziswa mwoyo svondo radarika apo paaifanirwa kunge achipemberera kusvitsa makore 51 ekuberekwa nekuona chikwata chake chichipinda mufainari yeChibuku Super Cup, asi zvakaramba sezvo chakarikitwa 3-0 neFC Platinum kuMandava Stadium.

Svondo rino ane mukuna wekutsividza hasha dzake nekuzvambura CAPS United pamwe nekuitadzisa kuramba iri pamusoro pelog asi hunge akakwanisa kuhwina apo zvikwata zviviri izvi zvichasangana kuRufaro Stadium kuMbare. Lloyd Chitembwe, nekune rimwe divi ari kurwisa zvikuru kuti ahwine mukombe wake weligi wekutanga ari murairidzi weCAPS United izvo zvaakakundikana kuita makore adarika paakambotambidzwa nyanga dzekurairidza chikwata ichi.

Highlanders vs Tsholotsho

Bosso svondo radarika yaiedza kurwira mikombe miviri – weligi neweChibuku Super Cup – asi kukundwa kwayakaitwa neNgezi Platinum kwakaisiya ichitandanisa weligi chete. Chikwata chaElroy Akbay svondo rino chichange chiri pamusha apo chichatamba mutambo weBulawayo Derby neTsholotsho kunhandare yeBabourfields.

Chapungu United vs FC Platinum

Parizvino FC Platinum ndiyo ine mukana wekuhwina mikombe miviri mwaka uno asi hunge ikasarasa zvibodzwa mumitambo yayo yasara.

Pure Platinum Play kana kuti Kugona kunenge kudada, sezita remadunhurirwa reFC Platinum, ichange ichitonamata kuti CAPS United neHighlanders zvirase zvibodzwa mumitambo yazvo inotevera kuti iwane mukana wekudzokera pamusoro pelog. FC Platinum yakambotungamira palog kwenguva ndefu asi ndokuzorasa zvibodzwa.

Mune mimwe mitambo iriko svondo rino,  Dynamos FC ichisangana neMutare City Rovers musi weSvondo kuRufaro Stadium. KuBulawayo, How Mine ichitamba neChicken Inn iyo yakahwinha mukombe wePSL mwaka wadarika.

 

Share This:

Sponsored Links